Southampton yorambira naFonte

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Southampton yorambira naFonte

Kwayedza

SOUTHAMPTON iri kuda £15 miriyoni pamutambi wayo, Jose Fonte, senzira yekurambira naye sezvo ari kudiwa neManchester United. Nerimwewo divi, Manchester United iri kuda kushandisa mukana wekuti mutambi uyu ari kunetsana nechikwata chake panyaya yekondirakiti itsva.Maneja weUnited, Jose Mourinho, ane mumiriri mumwe chete – Jorge Mendes – nemutambi uyu uyo akahwina mukombe weEuro 2016, akatadza kutenga Fonte mwaka usati watanga uye achiri kuda kutenga mutambi mukuru wekuwedzera muchikwata chake.

Vari pedyo naMourinho vakamuzivisa kuti Fonte anogona kubva muna Ndira nemari inosvika £5 miriyoni sezvo kondirakiti yake yasara nemwedzi 18 kuti ichipera uye hapana chiri kurakidza kuti inogona kuwedzerwa.

Asi zvisinei, maSaints akaseka pavakanzwa kuti mutambi wavo uyu vanomutengesa nemari iri pasi ndokuzivisa Mourinho kuti anofanirwa kuwedzera mari yake kana vachida kukurukura mwedzi unotevera.

Southampton inozivikanwa nekutengesa vatambi vayo nemari iri pamusoro uye mwaka yadarika yakatengesa Morgan Schneiderlin naLuke Shaw kuUnited nemari inosvika £52 miriyoni.

Fonte, uyo ane makore 32 okuberekwa, akwanisa kutambira Southampton ka280 zvichitevera kutengwa kwaakaita kubva kuCrystal Palace mugore ra2010.

Muchinda uyu atambirawo Portugal kana apo vakahwina mukombe weEuropean Championship kuFrance gore rino.

Kunyangwe hazvo Eric Bailly naPhil Jones vange vachitamba zvinonwisa mvura kuUnited mwaka uno, vose vachiri vachidiki pamakore ndiko kusaka Mourinho ari kutsvaga kutenga mutambi ati kurei nemari yakanaka.

Asi, zvinogona hazvo kunetsa sezvo Southampton isiri kuda kutengesa Fonte nechero mari. – Daily Mail.

 

Share This:

Sponsored Links