Stoke City yarambira naNzonzi

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Stoke City yarambira naNzonzi

Kwayedza

STOKE City inonzi yakaramba mari inosvika 3 miriyoni paunzi iyo yaida kubhadharwa neSevilla yekutenga Steven Nzonzi.

Mari iyi iri kunzi ishoma zvikuru nechikwata chemuPremier league ichi.

Mashoko ari kubuda anoti chizvarwa chekuFrance ichi, icho chasarirwa nemwedzi 12 pakondirakiti yacho yekumaPotters, chiri kutsvaga kubva kuchikwata ichi asi chamangwiza weStoke Tony Scholes ari kuzama kumukurudzira kuti asabve kuBritannia Stadium.

Schools akaudza The Sentinel, “Panyaya yaSteven neyevamwe vatambi vemuchikwata chedu, tiri muhurukuro navo pamwe nevamiriri vavo kuti tigadzirise remangwana ravo.

“Steven mutambi anogona zvikuru wepamusoro, zviri pachena kuti ndiye ‘Player of the Year’ wedu uye tinoda chaizvo kuti arambe ari muchikwata chedu asi tichaona. Hatidi kunge tichirasikirwa nevatambi vepamusoro vakaita saSteven, asi hazvisi mumawoko edu.”

Murairidzi weStoke Mark Hughes ari kuzamawo kukurudzira Nzonzi kuti arambe ari kuBritannia. Nzonzi akatanga kutamba nhabvu kuFrance kuchikwata chainzi Amiens, ndokuzotengwa neBlackburn Rovers mugore ra2009 nemari inosvika 500 000 paunzi asi akazotengwa neStoke ne3 miriyoni paunzi mugore ra2012.

Matambiro ake akamubatsira kuhwina mubairo wePlayer of the Year kuchikwata ichi mwaka wadarika. — Sky Sports News.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>