Uncategorized

‘Tezvara musandigume semuzhanje’

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views

Kwayedza

Anorld Kaseke
MUKUWASHA akamhan’arira tezvara kudare achida kuti mari yaari kubhandara yemendenenzi idzikiswe apo aivapomera mhosva “yekumugumha semuzhanje”.
Ali Ndlovu akaendesa tezvara vake, Felix Gapa, kuHarare Civil Court achiti haachakwanisa kuramba achibhadhara $100 yemendenenzi pamwedzi uye anoda kuti idzikiswe kusvika pa$60.

“Ini handichakwanise kubvisa mari iyi nekuti haina chairi kushanda, vatezvara vava kuda kutondidyawo havo. Ini handina kumbovamanikidza kuchengeta vana vangu saka handina chandiri kubvisa mari iyi ,” akadaro Ndlovu.

“Handitozivi kuti amai vevana vangu varipi asi ivo tezvara ndivo vanogara vachindishusha nenyaya yekuda mari.”

Gapa haana kuwirirana nezvairehwa naNdlovu achiti anotoda mari yakawanda ndokuti:
“Iwe mari yauri kutaura $60 haitokwane, unofanirwa kundipa mari nekuti vana vako vari kudya mari yangu. Iwe uri murume pakuti chii kana usingakwanise kuchengeta vana vako?

“Bhadhara mari wakanyarara apo. Ndoti kukuzvarira mukadzi, ndochengetazve vana vako? Kana raki rakadaro kuti wakabvisa danga remombe here?”

Akati anoda kupihwa mari yose yaakashandisa mukuchengeta vana vemukuwasha ava.

“Ini ndiri kudawo mari yekuzvichengeta pamwe nevana vako nekuti vana ava vari kudyawo mari yangu saka ndinofanirwa kudya yakowo nekuti ari kupera mari ndini ,” akadaro Gapa.

Mutongi Gamuchirai Siwadi akati Ndlovu anofanira kuramba achibhadhara $100 yemendenenzi pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>