Uncategorized

ticha akatyora mwana ruwoko

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
ticha akatyora mwana ruwoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MWANASIKANA wepachikoro cheSaruwe Secondary School, kuSelous anoti akazvambaradzwa kurohwa nemudzidzisi wake zvekusara atyoka ruwoko rwerudyi — izvo zvamutadzisa kunyora bvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe School Examinations Council dzegore rino.

Synodia Beverley Gato (16), uyo anogara paPlot 57 kupurazi reZimbo, ari kuti akarohwa nemudzidzisi wake wechikadzi ruwoko ndokutyoka apo aimupomera mhosva yekunonoka kusvika kuchikoro.

Zita remurairidzi ari kupomerwa kuzvambaradza mwana uyu tinaro uye Kwayedza ine gwaro rakanyorwa nemapurisa epaZR Police Seruwe riine chidhindo chemukuru wepo (Officer-in- Charge) musi wa19 Gunyana 2017 vachiti musikana uyu anorapwa nekuongororwa kuchipatara.

Zvimwe zviri parimwe gwaro rakanyorwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals musi wa2 Nyamavhuvhu ndezvinoti, “. . . rt hand swelling . . . was hit by her teacher using a wooden stick in the right palm hand . . .” (ruwoko rwerudyi rwuri kuzvimba . . . akarohwa nemurairidzi wake muchanza chekurudyi achishandisa chimuti)

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro enyaya iyi.

Ukuwo, mukuru wezvedzidzo – Provincial Education Director – kudunhu reMashonaland West, VaSylvester Mashayamombe vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kumahofisi avo.

Asi Synodia anoti akazvamburwa kurohwa nemudzidzisi uyu neshamhu huru apo akanonoka kusvika kuchikoro nevamwe vake, pashure ndokutanga kunzwa chiveve kuruwoko urwo rwakazozvimba.

“Musi uyu, takarohwa takawanda asi ini ndakazoshevedzwa ndamborohwa kekutanga ndikazorohwazve. Ndakuvara kudaro, ndakaenda kumba ndokunoudza amai avo vakandiendesa kukiriniki yeSelous, nyaya iyi ikamhan’arwa kumapurisa epakamba yeSelous,” anodaro mwana uyu.

Synodia anoti kumapurisa vakakurudzirwa kudzokera kumba kuti vonotaurirana nemudzidzisi uyu, otange amurapisa apo nyaya iyi yaizosimudzirwa iye apora.

“Madam vekundirova vakabvuma kuti vaizondirapisa kusvika ndaita zvakanaka. Ndakarohwa mumwedzi waKurume gore rino apo ndakazoenda kuzvipatara zvinosanganisira Chegutu neHarare Central Hospital ndikaiswa maplaster maviri achibviswa.

“Zvinonzi ruwoko urwu rwakatsemuka bvupa. Izvi zvaita kuto nditadze kunyora bvunzo nekuti haruchagona kubata chinhu, rwave kugara rwakazvimba uye rwuine chiveve,” anodaro.

Synodia anoti vamwe vaakarohwa pamwe chete navo vanosanganisira Valerie Mhute, Prisca Zindimba naChristine Tarwiraushe, avo vose vasina kukuvara sezvaakaita.

Anotizve apo nyaya iyi yaiferefetwa nemapurisa, vakanzi vanyore magwaro ezvakaitika, asi — sekutaura kwake — vaivhundutsirwa nevamwe vadzidzisi vepachikoro ichi.

“Patainyora ma’reports’ ezvakaitika, vamwe vadzidzisi vaitaura isu tichinzwa vachiti avo vachanyora zvavasingazive vachafira yaasahwira. Saka vamwe vana nekutya, havana kuzonyora chaizvo zvakaitika.”

Synodia anoti aifanirwa kunge achinyora ma”subjects” masere pabvunzo dzeO-Level asi haasi kukwanisa kuzviita nekuda kweruwoko rwakakuvara urwu.

Anowedzera achiti pari zvino ari kurwadziwa zvikuru nekutadza kwake kunyora mazamanishoni sezvo anga aine tarisiro yekuenderera mberi nechikoro, ozoshanda sainjiniya mune ramangwana rake.

Anga akatarisira kunyora Maths, English, Shona, Science, Geography, Agriculture, History neCommerce.

“Chatakapihwa chete naticha vekundikuvadza imari yekukwirisa mabhazi pamwe chete nevabereki vangu. Takaenda kuParirenyatwa (Group of Hospitals) nemusi wa30 Gumiguru zvikanzi ndinoda kutariswa tsinga dzeruwoko urwu.

“Zvino pari kudiwa $300 asi mari iyi vabereki vangu vakaishaya, vapedza kutengesa mombe vachindirapisa. Madam ava hapana chavari kubvisa,” anodaro mwanasikana uyu, chiso chake chizere nekusuwa.

ELIZABETH MATIYENGA

Amai vemwana uyu, Elizabeth Matiyenga (35), vanotsinhira kurohwa kwemwana wavo.

“Mwana wangu akarohwa zvekukuvadzwa naticha uyu nemusi wa24 Kurume gore rino achinzi aiva anonoka kuchikoro. Akadzoka pano pamba achichema zvikuru, ini ndokudziisa mvura ndikamutova. Ndakamuti amhan’ara here kumapurisa iye akati kwete, akati aitya kurohwa zvakare kana akamhan’ara nyaya iyi,” vanodaro.

Vanoti sezvo baba vaSynodia — VaPhillimon Gato —vaiva kubasa pakaitika nyaya iyi, mukuwasha wavo VaCalvin Gutu ndivo vakazotanga kufamba naye kumapurisa zvose nekuti anorapwa.

“Mukuwasha uyu akaenda nemwana kuna ticha vekumurova apo vanonzi vakanobvuma nyaya iyi – kuti vainge varova mwana nechimuti mumawoko. Vakazoenda kukiriniki uko vakanzi vanopihwa tsamba yekumapurisa izvo vakaita,” vanodaro Mai Matiyenga.

Sekutaura kwaamai ava, vanoti vapurisa akavakurudzira kuti vasatange nekusungisa mudzidzisi uyu zvichinzi zvinozomutadzisa kutanga arapisa mwana waakarova.

“Takanzi kwaizonyorwa tsamba inoendeswa kumapurisa kana mwana arapwa.

Saka izvozvi mwana haasi kurapwa, hamheno kuti zvichafambiswa sei,” vanodaro. Mudzidzisi uyu anonzi akati Synodia ane mazvimbiswa bedzi, kwete kuti akamurova zvakanyanya.

“Pakaenda mwana wangu kuchipatara cheParirenyatwa nababa vake, vakanzi ruwoko urwu haruchashanda.

Mai Matiyenga vanoti mwana wavo haasi kuenda kuchikoro uye havachaziva kuti ruwoko rwake rwuchaita zvakanaka here.

“Handizve kuti mari yatakabvisa yekuti anyore bvunzo tichadzoserwa here nekuti tine vakuru vezvedzidzo vekuChegutu avo takataura navo uyewo kumahofisi ezvedzidzo kuHarare takaenda muna Gunyana tikavimbiswa kut mudzidzisi uyu acharapisa mwana uyu, izvo zvisiri kuitika,” vanodaro.

Vanoti vanga vakatarisira kubudirira kwemwana wavo zvichitevera kugona kwaanoita muchikoro. Zvakadai, VaGoto vanoti murairidzi wekutyora mwana ruwoko uyu akabvuma mhosva yake kumahofisi evakuru vezvikoro kwavakaenda uye ndokuvimbisa kuti aizorapisa Synodia kusvikira apora.

Kwayedza payakasvika pachikoro cheSaruwe, yakaudzwa kuti murairidzi uyu ainge asipo zvisinei nekuti runyerekupe rwunoti akanga ahwanda muimwe hofisi kuitira kuti asaonekwe nevatori venhau.

Mukuru wechikoro, Mai Savanhu, vanoti nyaya iyi vakaikwidza kumahofisi ezvedzidzo.

“Nyaya iyi yava kumusoro chaiko, ini handina chandinogona kutaura. Asi, zvine manyepo kuti akarohwa, vabereki vacho sei vasina kukutaurirai kuti anorwara achipunzika? Matsamba ake ekwachiremba nemaX-rays haaratidze izvozvo, kuti akarohwa. Maaona here? Haana kurohwa,” vanodaro Mai Savanhu.

Vanoenderera mberi: “Panyaya yemari yekuti tinotenga vanhu kuti nyaya iyi ivharike, ndiyani ari kudaro? Whoever is saying that I will sue him or her dangerously for defamation (Wose ari kutaura kudaro ndinomuendesa kumatare edzimhosva nenyaya yekusvibisa zita rangu). Endai kuna DSI nevamwe vose,” vanodaro Mai Savanhu vachiratidza kugumbuka.

Vanoti zvekusanyora bvunzo kwaSynodia ndiye oga akaramba uye ivo vainge varonga kuti anyore achibatsirwa nemumwe mudzidzisi asingamudzidzise.

“Akaramba oga kunyora mwana uyu, takanga tamuti anyore achibatsirwa nemumwe mudzidzisi asingamudzidzise. Manyepo ose ari kutaurwa aya,” vanodaro Mai Savanhu.

Nyaya yekurohwa kwemusikana uyu – kunyangwe zvichinzi hapana dhoketi rakavhurwa – inonzi iri kuferefetwa naSergeant Kangoma.

Mukoma waSynodia, Happison Gato (21), anoti anotarisira kuti munin’ina wake acharapwa odzokera kuchikoro achizonokwanisa kunyora bvunzo. Kwangosara mazuva mashoma kuti bvunzo dzeO-Level dzipere kunyorwa, zvichienderana nezviri kunyorwa nemwana.

Pasi pemutemo wenyika, kurova mwana – kumba kana kuchikoro – imhosva.

 . Tiudzei zvamunofunga pamusoro penyaya ino panhamba dzenhare kana kutumira SMS dzinoti 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>