Tinotenda vanopa ropa: nbsz

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Tinotenda vanopa ropa: nbsz Dr Gibson Mhlanga

Kwayedza

Dr Gibson Mhlanga

Dr Gibson Mhlanga

SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) riri kutenda vanhu vanopa ropa pachena sezvo zvichibatsira zvikuru varwere vanenge vachida ropa.

Vachitaura svondo rapera pakuparurwa kwechirongwa cheZimbabwe World Blood Donor Day Compaign, vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weNBSZ, Dr Gibson Mhlanga, vanoti sangano ravo riri kutora matanho akakodzera ekuti varwere vawaniswe ropa rakachena.

Mhemberero dzezuva rekupa ropa iri pasi rose dzichaitwa musi wa14 Chikumi.

“Hurumende yeZimbabwe inotevedzera hurongwa hweWorld Health Assembly (WHA 28:72) hunokurudzira nyika dzose dzinove nhengo dzesangano reWHO kuti dzikurudzire nekuvandudza kupa kweveruzhinji ropa pachena zvisina kumanikidzwa. Hurumende yedu yagara inotsigira chirongwa ichi uye veruzhinji vari kupa ropa pachena zvisina kubhadharisa mukati.

“Ropa chinhu chakanaka muupenyu hwemunhu nekuti rinochengetedza upenyu pamwe chete neutano. Ndokusaka pachiitwa mhemberero dzeWorld Blood Donor Day, panenge pachikosheswa kupa kunoita vanhu ropa,” vanodaro.

Dr Mhlanga vanoti sangano reWHO rinoti ropa rinopihwa pachena ndiro rakachena uye rine utano zvekuti rinobatsira vanenge vachirida nemazvo. Vanoti mhemberero dzegore rino dzeWorld Blood Donor Day dzichange dzakanangana nekukoshesa vanhu vari kupa ropa pachena uye kukurudzira vasati vava kupa kuti vapewo nekuvazivisa zvazvakakoshera.

“Tarisiro yedu sebazi rezveutano ndeyekuti veruzhinji vachaziva kukosha kwekupa ropa nezvazvakakoshera kuutano hwevamwe vanenge vachirida. Dingindira regore rino rekuti ropa rinotibatanidza tose riri kunangana nekutenda vari kupa ropa pamwe chete nekuvabatanidza nevasati vava kupa nekuvakurudzira kuti vadewo kupa ropa pachena.

“Zvinodiwa pakutora ropa iri nekurichengetedza kuti rizoshandiswa zvakawanda uye zvinoda hunyanzvi nanamazvikokota. NBSZ iri kuzvikwanisa zvose izvi nekuti ine donzvo rekuvandudza utano hweruzhinji.

“Ropa haribikwe kana kugadzirwa naizvozvo rinofanira kukosheswa nekukoshesawo vari kuripa pachena. Rinobatsira kunyanya kumadzimai anenge abva kupona ayo anenge abuda ropa rakawanda, vana vanorwara nezvirwere zvakasiyana zvinoda kuti vave nerimwe ropa rakanaka pamwe chete nevanenge vabuda ropa rakawanda mutsaona,” vanodaro Dr Mhlanga.

Vanotiwo zvakare Hurumende iri kutarisira kuti pachave nenzira dzekuderedza mitengo yeropa sezvo pari zvino riri kudhura.

Hurumende, vanodaro Dr Mhlanga, yakambobatsira NBSZ neimwe mari kubva muna2009 kusvika 2012 apo paindi imwe yeropa yaiita $80. Asi kubva muna2013 yakadzokera zvakare pa$135 kuzvipatara nemakiriniki.

Vanoti kuti NBSZ ipe veruzhinji ropa rakanaka, inofanira kuva nemichina inochengetedza ropa iri zvakanakawo izvo zvinodhura uye zvinoita kuti mutengo waro ukwire.

Dr Mhlanga vanotendawo masangano akasiyana akaita seNational Aids Council, UNICEF neNetOne, ayo ari kubatsira NBSZ mukuvandudza zvirongwa zvayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>