Uncategorized

‘Tiri vanhu vanoda runyararo’

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘Tiri vanhu vanoda runyararo’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
NEMUSI weChitatu svondo rino – zvichitevera kusiya basa kwaCde Mugabe nemusi weChipiri – Kwayedza yakaita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vari kutenda runyararo rwuri munyika.

Junior Lazbeck (34) wekuChitungwiza anoti vanhu vemunyika ino vanozivikanwa pasi rose nerunyararo.

“Pakapindira mauto, ainge aona kuti zvinhu zvaipa, zvave kuenda mudondo vachigadzirisa. Mauto akakurudzira ruzhinji rwenyika kutevedza runyararo mune zvose izvo vanhu vakaita sezvo tagara tiri vanhu verunyararo,” anodaro Lazbeck.

VaWellington Dzoma (55) vanobva kwaMutare vanorumbidzawo zvizvarwa zveZimbabwe nekuchengetedza runyararo.

“Vagari vemuZimbabwe tiri vanhu tinotya Mwari tichida runyararo. Kunze kwazvo, midzimu yemuno yakatungamirira muchiitiko ichi,” vanodaro. Takazoona chimwe chimiro chemauto edu, kuti havasi vanhu vanotyisa sekufunga uko taiita sezvo takatanga kushamwaridzana navo,” vanodaro VaDzoma.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Margarate Matipano (56) vekuMhondoro vachiti nguva yaMwari yaiva yakwana yekuti zvinhu zvichisanduka munyika. Mai Monica Pfumbi (53) vekuStoneridge, muHarare vanotiwo munyika yose mune runyararo.

“Vadzimu vedu naMwari vakapfeka mauto edu eZDF vakatungamirira mafambiro ezvinhu zvine runyararo. Huwori hwanga hwanyanya, isu takatorerwa masitendi tikanokandwa mumvura saka tinotarisira kuti zvinhu zvichafamba zvakanaka, kwete kudzokera kuya kwatakabva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links