Uncategorized

Unilever yakavakisa zvimbuzi paChizungu

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Unilever yakavakisa zvimbuzi paChizungu PROF MAVIMA

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
HURUMENDE iri kutenda kambani yeUnilever Zimbabwe nekubatsira kwayakaita vana vanodzidza paChizungu Primary School, kuEpworth nekuvacherera chibhorani pamwe nekuvakurudza zvimbuzi izvo zvichabatsira mukusimudzira nyaya dzeutano hwevana nevarairidzi.

Vachitaura svondo rapera pazuva rekucherechedza kugezwa kwemaoko, reGlobal Handwashing Day, mutevedzeri wegurukora rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti rubatsiro urwu rwuchaita kuti chikoro chigare chiine utano hwakanaka, kunyanya mukudzivirira vana kuzvirwere zvemanyoka.

“Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation Media Centre mumwedzi waChivabvu gore rino inoratidza kuti chirwere chemanyoka ndicho chimwe chepiri mukuuraya vanhu muZimbabwe. Mumakore gumi adarika, vanhu vakawanda vatambudzwa nezvirwere zvemanyoka secholera netyphoid.

“Zvirwere zvose izvi zvinokwanisa kudziviririka kana vanhu vachinge vagona kugeza maoko avo nesipo nemvura yakachena. Tinotenda Unilever mukubata kwairi kuita nemasangano akazvimiririra seUNICEF uye USAID mukusimudzira nyaya dzeutano,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti mumakore adarika, mhemberero dzekushambidzika kwemaoko dzaiitwa nedonzvo rekudzidzisa vanhu kukosha kwekugeza maoko vachishandisa sipo kuti vadzivirire zvirwere.

Vanotenda Unilever nekugadzirisa zvimbuzi zvepachikoro ichi vachiti zvinoita kuti vana vadzidzire munharaunda yakachena, zvikuru pavanenge voda kuzvibatsira.

Prof Mavima vanokorokotedza Chizungu Primary School nekusarudzwa kwayakaitwa pakati pezvimwe zvikoro zvakawanda kuti inge ichiwaniswa rubatsiro urwu.

Vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro nevashandi vepo vachengetedza zvimbuzi izvi.

Vachitaurawo, mukuru we- Unilever Africa, VaBruno Witvoet, vanoti chinangwa chavo ndechekusandura upenyu hwevanhu vari munharaunda kuburikidza nekusimudzira nyaya dzeutano kuitira kuti zvirwere zvemanyoka zviite zvi- shoma.

“Gore rino richitanga, chirwere chetyphoid chakanyuka muBudiriro uye Unilever – kuburikidza neLifebuoy – yakabatana nekanzuru yeHarare mukurwisa zvirwere zvemanyoka.

Vashandi vanodarika 100 veUnilever vakashanda pamwe neveruzhinji munzvimbo yeBudiriro mukuchenesa nharaunda,” vanodaro.

Kubvira muna 2012, kuburikidza neLifebuoy, Unilever iri kuita zvirongwa zvekushambidzika muzvikoro apo inodzidzisa vana nzira kwadzo dzekugeza maoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>