Uncategorized

Vaida kuramwa chitunha kuKwayedza

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Vaida kuramwa chitunha kuKwayedza

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
YAKAVE batai-batai parufu rwechembere yekwaMangwende, kwaMurehwa, apo mumwe mwana wavo anonzi aida kuti mutumbi wambuya ava utakurwe uchinoramwirwa kuKwayedza nekunhepfenyuro yeStar FM sezvo achiti ndiko kwakamboburitswa nyaya yekuti mbuya iyi yaidura yoga kuti muroyi uye yakadya zvitunha zvevanhu 70.

Izvi zvinotevera kubuda kwakamboita nyaya yaMbuya Selina Mangachena (95), vemubhuku rekwaChoto, mubepanhau rino nepaStar FM nguva yadarika apo vaiti vane nyoka dzavo shanu dzerudzi rweshato uyewo vachiti vakadya zvitunha zvevanhu 70.

Mbuya Mangachena vanonzi vakazofa neMugovera svondo rapera mushure mekurwara kwenguva duku, ndokuzovigwa neSvondo – asi pamboitwa gakava apo mumwe wevana vavo aiti chitunha chavo chinoramwiwa kuKwayedza.

Parufu rwavo, zvinonzi mumwe mwana wavo akadya marasha nekubuda kwakamboita nyaya yaamai vake mubepanhau rino nepaStar FM.

Mwana uyu anonzi ndipo paakati mutumbi waamai vake utakurwe kuenda kuHarare wonoramwirwa kumahofisi eKwayedza neStar FM. Anonzi aiti bepanhau rino nenhefenyuro ndizvo zvaifanira kumira sevabereki vemushakabvu parufu rwake.

Zvisinei, izvi zvinonzi zvakarambwa nevabereki vemushakabvu nedzimwe hama dzaivepo.

Muzukuru waMbuya Mangachena, Jesca Samuriwo (27), anoti pakamboita kusawirirana kwemhuri apo mumwe wevana vambuya ava nevamwe vashoma vakanga varonga kuti chitunha ichi chinoramwirwa kuKwayedza nekuStar FM.

“Mwana uyu nevamwe vashoma ndivo vaibvumirana munyaya iyi, asi vekumusha kwaambuya nanaamai vavo vakaramba hurongwa uhwu kusvikira tazoviga mutumbi waambuya zvine mutsigo,” anodaro Jesca.

Anoenderera mberi achiti: “Ambuya vedu vakafa nemusi wa27 Chivabvu vangorwara kwesvondo.

Mhuri yakaungana kuchema ambuya ava mutumbi wavo ukazoradzikwa nemusi wa28 apo vakaiswa pane makuva evamwe vanasikana vavo vatatu.

“Dambudziko rakangovapo pakunzi motokari dzaidungamidzane kunoramwira chitunha kuvatori venhau veKwayedza neStar FM.”

Mbuya Mangachena vaigara nemwanakomana wavo, Tachivei, nemuroora nevazukuru kusvikira pakufa kwavo.

Pakambobuda nyaya yaambuya ava muKwayedza, vaidura voga kuti vaiva muroyi wemandiriri uye imwe yenyoka dzavo yaive yasvitsa makore 30 vachiishandisa mumabasa akaipa.

Vakati vakamboenda kun’anga yekuChipinge nemumwe wevana vavo (zita rake vakaridura) uko vakanoromba kuti vapfume.

Mbuya Mangachena vakataura kuti nyoka dzavo dzairarama nekudya mbeu yevarume uyewo dzaishereketa nevakadzi nevarume vepamusha apa pamadiro izvo zvavakati zvaikonzera matambudziko ekusaroorwa kwevanasikana nekushaya simba kwevanhurume vepo.

Jesca anoti ambuya vake vakazorora.

“Ndaambuya vedu, tiri kurwadziwa kuti vakatisiya zvisinei nezvezvimwe zvavaiita vari vapenyu. Hatigone kuvakanganwa nekuti ndivo vakaita kuti tivepo,” anodaro Jesca.

Zvakadai, nyoka nezvimwe zvinonzi zvaishandiswa naMbuya Mangachena mubasa ravo rekuroya zvakabviswa nemumwe muporofita wekuHighfield, muHarare, uyo akashevedzwa vachiri vapenyu.

Share This:

Sponsored Links