Uncategorized

Vakadzi vechechi vorwira murume

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
MADZIMAI maviri anopinda chechi yeJohane Masowe akaendesana kudare redzimhosva nenyaya yekugara vachirwira murume. Yeukai Antonio akamhan’arira Lisa Mushonhiwa kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumurova, kumutuka nekudanana nemurume wake. Antonio akaudza dare kuti ave kugara akabatira hana mumawoko nekutya Mushonhiwa uyo waanoti anomurwisa nguva nenguva.

“Musikana uyu ipfambi yemurume wangu. Anoita basa rekundituka nemashoko anonyadzisira pose paanenge asangana neni pamwe chete nekundirwisa. Ndakambotanga ndichitiza asi ndakatozoona kuti angandijairira saka ndave kudzorerawo,” akadaro Antonio.

Akaenderera mberi achiti: “Musi weKirisimasi akasvika kumba kwangu murume wangu asipo akandirova nekundituka tikatozobatwa naamai vepanext door. Akasiya aputsa midziyo yangu nemahwindo. Akazobatwa nemuvakidzani wangu ave kutoda kunopwanya terevhizheni yangu.”Antonio anoti haadi kuti Mushonhiwa ataure naye. “Mambo wangu, mukadzi uyu handizive kuti anoda kuti ndiraramire kupi? Ini handichada hangu zvekuti asvike pamba pangu kana kusimudza chero muromo wake achinditi mhoro. Ngaasataure neni, mumwe nemumwe wedu aite zvake nekuti ndaneta.

“Kuitwa musungwa nemumwe munhu anozvitamburira achiita basa rekutora varume vevanhu?” akadaro Antonio.

Mushonhiwa akapikisana nemashoko aAntonio achiti vaimbove nehushamwari vachienda vose kumasowe.

“Mashoko ose aari kutaura manyepo nekuti ndaitombotamba naye Yeukai uyu, uye tinotonamata chechi imwe chete yeJohane Masowe. Handidanane nemurume wake asi kuti ndakambodanana naye achiri mukomana muna 2011 asati aroora ndikatosiyana naye muna 2012 achibva azoroora muna 2014,” akadaro.

Anoenderera mberi achiti, “Yeukai ndiye nyakundishevedza kumba kwake achiti pane zvaaida kutaura neni, ndipo akandiudza kuti ndisiyane nemurume wake ndikatomuti uri kuita basa rekuterera makuhwa. Ndakamuti handidanane nemurume wake achibva atotanga kundirova.” Akati paairohwa naAntonio akapedzisira adzoserawo.

“Ndakaona kuti handingaroverwe zvinhu zvisina basa ndokudzorerawo. Ndiye anotondidenha. Handina zvangu dambudziko nekuti apihwe gwaro rerunyararo, ndinotodawo kuti tigarisane murunyararo,” akadaro. Mutongi Yeukai Dzuda akapa Antonio gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links