Uncategorized

Varoyi vakarwira nyama

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Varoyi vakarwira nyama Mbuya Manjengwa vari padare raMambo Gwesela

Kwayedza

. . . mumwe akatyorwa gumbo

CHEMBERE yekwaMambo Gwesela, kuZhombe, mudunhu reMidlands, iri kureurura kuti haichada zvekuroya ichiti iyo nechikwata chevamwe vayo vakauraya vanhu 20 vachidya nyama yacho uye nguva yadarika mbuya iyi yakazotyorwa gumbo apo vairwira nyama yemwana.Chembere yemubhuku raMakota iyi inoti payakazotyorwa gumbo, iyo nevamwe vainoshanda navo vakange vaenda kunoroyera kudunhu risiri ravo, uko vakazorwisana nechimwewo chikwata cheko.

Pamusoro paizvozvo, ambuya ava vanonziwo vanoita tsvina nekumuromo. Zvisinei, hapana humboo hwekuti vakamboendeswa kuchipatara kunoonekwa dambudziko iri.

Mbuya Diana Chibhago Manjengwa (87) vanoti pari zvino havasi kukwanisa kufamba nekuda kwekurohwa kwavakaitwa. Asi zvisinei, kana shave ravo rekuroya ravabata, vanoti vanokwanisa kufamba nevamwe vavo vachienda kumatunhu ari kure.

Mbuya Manjengwa vari padare raMambo Gwesela

Mbuya Manjengwa vari padare raMambo Gwesela

Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Gwesela, VaPetros Mancitshana, nemusi weMugovera wadarika apo Mbuya Manjengwa vakadura pajekerere kuti vanoroya.

Kwayedza yaivepo padare iri apo paivewo nemasabhuku nemamwe mafundisi emachechi emudunhu iri.

Kuti nyaya iyi izoputika, zvinonzi chembere iyi yava kupesana nevamwe vayo avo vari kuti chava chijana chayo chekuti vauraye mumwezve mwana wayo sezvavakamboita.

Mafundisi aivapo padare iri anosanganisira VaShadreck Kavhu (81) vechechi yeFull Gospel Assemblies naVaLizwe Donga (50) veAnglican Church kunova kunopinda Mbuya Manjengwa.

Mbuya Manjengwa vanoti vafunga kusiya mabasa ekuroya mushure mekunge chijana chekuuraya munhu chave pavari apo vanofanirwa kuuraya mwana wavo kuti vagodya nyama nevamwe vemuchikwata chavo.

Vanoti varoyi mumashandiro avo, vanopanana zvijana zvekuuraya vanhu vemumhuri dzavo kuitira kuti vagare vachiwana nyama.

Mbuya Manjengwa vanogara nemwanasikana wavo, Kurai Manjengwa (39), uyo wavanoti ndiye ange ave pachijanha chekuti afe apo akazotanga kurwara mushure mekunge vamuroya.

Mbuya Manjengwa vakatakurwa

Mbuya Manjengwa vakatakurwa

Pakatanga kurwara Kurai, Mbuya Manjengwa vakazobuda pachena kuti ndivo vaikonzeresa hurwere uhu ndokukumbira kuendeswa kwasabhuku weko vakanoreurura vachiti havachada mabasa akaipa aya.

Padare raSabhuku Makota, VaGovernment Makota (95), vanonzi vakatsanangurawo mashandiro anoita varoyi.

Mbuya ava vaive nevana vasere asi pari zvino vasarirwa nevana chete sezvo vamwe vakapera kufa uye vanoti ivo vakauraya vavo vatatu.

Vanoti zvakare muchikwata chavo, vane shato yavo nezvidhoma zvavo 15 izvo vanoshandisa kutuma kunorova vanhu vachifa, vozodya nyama yacho.

Mbuya Manjengwa vakaudza dare iri kuti vamwe vavo vanosanganisira Mai Majoko, Mai Maketo, Mai Sibanda naMai Kine.

“Ndine vamwe vangu vanoti Mai Majoko, Mai Kine, Mai Maketo naMai Sibanda vanova vanonditungamirira. Ndakadya vana vangu kare mukati mevanhu makumi maviri vatakauraya.

Erica Majoko

Erica Majoko

“Iwo madzimai aya vakaurayawo vavo vana nehama dzavo. Saka iye zvino jana ranga rasvika kwandiri, ndave kuda kuuraya mwana wangu Kurai uyo anondichengeta.

“Ndipo pandaona kuti aiwa, chiregai ndibude mubasa iri, ndingapedza vana vangu. Handichada kuroya, ndingasiira vana vangu nhamo,” vanodaro Mbuya Manjengwa.

Vanoti mamwe madzimai aya ndivo vanovatungamirira.

Mbuya Manjengwa vanoti kana vave kuenda kunoroya, vanoridzirwa muridzo nevamwe vavo, vobuda mumba vonoungana pasi pemuti weMungoma uri munharaunda yavo.

Padare

Padare

Mushure mezvo, vanozotungamirirwa nevakuru vavo kuenda kumakuva uko vononotora nyama yevanhu, kunyanya vachangobva kuvigwa.

“Vakuru ndivo vanotungamira nekuti ini ndiri muroyi mudiki. Vonoita masaramusi avo kuvhura makuva. Vakuru ivava ndivo vanotanga kupinda muguva vonovhura bhokisi ivo votanga kutora nyama isu tozoita yekugoverwa kana kutora toga.

“Ini hangu ndinofarira nyama yepachipfuva nechityu neyemuzvidya,” vanodaro.

Mbuya Manjengwa vanotiwo zvidhoma zvavo zvinonetsa zvikuru, pamwe pacho zvichivabvutira nyama zvekuti dzimwe nguva vanopedzisira vaiputira nesadza panguva yekudya kuti zvisaione.

“Ndakatanga kuroya kare. Ndakazotyorwa gumbo tichirwiswa nevamwe varoyi taenda kuTombankala uko taiva tanodya nyama yemwana mudiki. Vamwe varoyi vaikoko vakashatirwa vakatirwisa. Izvozvo gumbo rangu iri rakatyoka, handigone kufamba.

“Takambobhururuka nerusero kuenda kuNgondoma tanzwa kuti kwafa mwana mudiki, tikanodzingwa neveko zvakare.”

Mbuya Manjengwa vanoti pavanoenda kunoroya, vanofamba nerusero uye rwunokwanisa kutakura vanhu vana kana vashanu zvichienderana nekuti vari kuenda kupi. Vanotizve vakuru vavo ndivo vanotungamirira pakutyaira kwerusero urwu.

Mambo Gwesela vakazokumbira Mbuya Manjengwa kuti vashevedze vamwe vavo nenzira dzavanoshandisa pakuroya kuti dare riwane umboo huzere, izvo vakaramba.

Mambuya Manjengwa vakaramba kushevedza vamwe vavo vachiti zvakange zvisingaite sezvo vachishanda vari musvo.

Mambo Gwesela vakavabvunzawo kuti vaiva nechokwadi here nemashoko avaipa kudare, ivo ndokuti, “Hongu”. Vanoti vanokwanisa kuenda kune ripi zvaro dare vachinozvimirira nekuda kwemashoko avanotaura aya.

“Handina wandinonyepera, vanhu ava ndinoroya navo tichidya nyama yevanhu. Ini handipenge!

“Mukuru wedu ndiMai Kine, ini ndinoda kubatsirwa ndingapedze kuuraya vana vangu. Ndakauraya vana vangu kare vanoti Ishmael, Trinos naShiella. Kwevamwewo ndakaurauya vatatu zvekare vanova vekune dzimwe dzimba.”

Vanoti vamwe vaviri vevavanoroya navo vaive padare iri asi vakadzi ava vakaramba nyaya iyi.

Mai Erica Majoko (77) naMai Sofia Shumba Mafichani (65), avo vaive padare iri uye vakanangwa nechembere iyi vakaramba nyaya iyi kunyangwe vaiti vanoda kuchenurwa kana paine zvavanazvo.

Padare iri vamwe vanhu vaivepo vakambonzi vasuduruke apo pakasara Mambo Gwesela, Sabhuku Makota, mumiriri wamambo, Mbuya Manjengwa nevamwe vavari kuti vanoroya navo vachida kuti vataurirane pachavo.

Mbuya Manjengwa vanoti kunyangwe zvazvo madzimai aya airamba, vanoroya vose.

Mwana wavo Kurai akataurawo padare iri achitsutsumwa zvikuru nekuda kwenyaya iyi.

“Ini nemurume wangu ndisu tinogara naamai vangu ava. Nyaya iyi yakabuda pandakarwara apo amai vakareurura kuti vanoda kundiuraya nevamwe vavo sezvo chava chijana chavo.

“Takambovatakura kuvaendesa kuMhondoro kuhama dzavo vakanorambwa, vakadzoserwa mumota vachinzi muroyi. Zvino ini zvandinetsa, ndogara navo sei?” anodaro Kurai.

Anoti amai vake vanoita manenji akawandisa kusanganisira kuita tsvina nekumuromo, kuchema vachitaura kuti vanorohwa nezvavasingaone nezvimwe.

Mbuya Manjengwa vanotsinhira zvinotaurwa nemwanasikana wavo.

Kurai anoti kubva zvakareurura amai vake padare raSabhuku Makota, akabva apora.

Dare ramambo rakazowirirana kuti kutsvagwe n’anga dzinochenura madzimai aya vobvisa huroyi uye nekufamba mubhuku rose rekwaMakota kuti misha icheneswe sezvo Mbuya Manjengwa vachiti mune varoyi vakawanda.

 

Share This:

Sponsored Links