Uncategorized

Vonwiswa mvura yageza zvitunha

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Vonwiswa mvura yageza zvitunha MISHECK KWAINONA

Kwayedza

MISHECK KWAINONA

MISHECK KWAINONA

VAMWE vanhukadzi vekwaMatsiwo, kuGuruve, vanonzi vave kushandisa mvura inenge yagezeswa zvitunha zvevanhu, iyo inosanganiswa nemishonga kuita mupfuhwira, unozosiya varume vanenge vadyiswa vave mafuza kana kuti madununu ekupedzisira.

Kunotova nemadzimai matatu, ayo akanozvipira kwamambo weko, vachiti vave kuda kubatsirwa kuti varume vavo vabengenuke sezvo vava zvituta kubvira pavakavapa mupfuhwira uyu.

Mvura iyi inonzi inosanganiswa nemishonga iyo yavari kuwana kun’anga dzemunzvimbo iyi nedzekuMozambique.

Izvi zvinonzi zvakonzera varume veuku kuita madununu kana kuti mafuza sezvo vamwe vacho vachinzi pfungwa dzavo dzatenderera zvekutoita sevanorasa njere.

Kuburikidza nenyaya iyi, zvinonzi kwamuka bhizimisi rekutengesa mvura inenge yagezeswa zvitunha nemari inobvira paUS$20 kusvika US$50 zvichisiyana nehuwandu.

Ishe Matsiwo, VaChristopher Chirume (38), vanotsinhira nyaya iyi. Vanoti nyaya yakaputika mudare ravo apo madzimai matatu akanozvipira vachida kubatsirwa kuti varume vavo vatsvagirwe n’anga dzinovarutsisa sezvo vangova madununu.

“Nyaya iyi inotyisa, yakabuda pachena apo madzimai matatu vakauya pano vachiti, ‘mambo tibatsirei takakuvadza varume vedu nekusaziva’. Ndakavati nei, ivo vakati, ‘taiti tiri kupa varume vedu mipfuhwira kuti tidiwe tichishandisa mvura dzaiva dzagezeswa zvitunha nekuvabikira kudya nemvura iyi asi havasisina kana basa kumba kwacho.

“Vamwe vevarume ava vanonzi vave kungogara varere uye kumuka kwavo kuenda kuchimbuzi, kunogeza nekudya.

Kana mumba macho bonde rakatofa, chavo kutevedza mimvuri nekuchinja rukukwe vachirara kasingaperi,” vakadaro Ishe Matsiwo.

“Ndichivabvunza kuti mvura iyi munoiwana kupi, vakadzi ava vakataura kwavakaitora mushure mekunge yagezeswa zvitunha zvevanhu vakafa – varume nevakadzi. Vakati kune n’anga dzekuMozambique idzo dzinovapa mishonga yekusanganisa nemvura iyi nedzimwe dzemuno muGuruve.

“Dambudziko riripo nderekuti mvura iyi inonzi inouraya munhu ari mupenyu, anenge angofanana nechitunha zvekuti hapana chaanozokwanisa kuita,” vakadaro.

“Madzimai aya vakati vave kudemba kuti vakazviitirei nekuti varume vavo havasisina kana simba mune zvose mukurarama, kushanda pamisha hapasisina. Semumwe wavo akabva ati kugarden ave kuenda nevana vake mapatya vari kumusana. Varume ava pavanenge vangogara vanobva vakotsira, kana pedyo nemugwagwa chaipo.”

Ishe Matsiwo vanoti kubva pakabuda nyaya iyi, vakatanga kufamba vachiongorora hunhu hwevanhurume vemubhuku ravo nekutyira kuti vangapera vose kuita mazungairwa.

“Ndave kutyira kuti dunhu rangu richaguma rapindwa nenzara huru nekuda kwenyaya iyi nekuti misha mizhinji yave kutongwa nemadzimai. Kana kune mimwe misangano unoona vakadzi chete nekuti varume vakakuvadzwa, havana chekutaura mudzimba kunyange vachinyengerwa vakadzi nevamwe varume havasimudze misoro,” vakadaro.

Vakapa muenzaniso wemumwe murume wavanoti akawanikidza mukadzi wake arere nechikomba ndokuti zvaisava nemhosva achiti aida mukadzi wake zvakadaro.

“Vanhu ava vakauya mudare mukadzi ndokuti akanga asisade murume achiti ave kuda chikomba. Asi murume uyu akaridza mhere mudare achiti aida mukadzi wake bedzi. Ichiwo chikomba chinobva kuWard 4 ndokubva chaunza mombe 4 chichipa kumuridzi wemudzimai asi vose vachiti vaida mukadzi uyu,” vakadaro Ishe Matsiwo.

Kunze kwazvo, vanoti mumwe murume akanozvisungirira awanikidza mudzimai wake aine chikomba ndokubva arambwa nemudzimai uyu izvo zvakazomupa shungu dzekuzviuraye.

Kuburikidza nenyaya iyi, vanoti pose panofa munhu pave kuiswa mapurisa amambo kuti vaone mafambiro emvura inogezeswa zvitunha.

“Mhere ichingorira chete kunzi kwafa munhu tine vanhu vatakasarudza mumisha kuti vabva vamhanya kunorinda zvitunha kuti zvisagezeswe nemakoronyera aya. Panozogezeswa vafi ava mapurisa edu anenge aripo achiona, mvura yacho yotoraswa varipo vochengeta mitumbi iyi kusvika yanovigwa vachiona. Masahwira anogezesa aya anoita izvi mapurisa angu aripo.”

Ishe Matsiwo vanoti wavanenge vabata chete kuti akaita izvi vachamuripisa zvakasimba.

“Nyaya dzacho dzinonetsa nekuti kunyange varume vacho varipo padare apa havataure, zvave zvirema uye vamwe vacho muchitonga nyaya dzekuti vakakuvadzwa vanenge vachitoenda kudivi remadzimai avo. Takanzwa zvakare kuti vamwe vave kuenda kune mamwe matunhu emadzishe kuno kuGuruve, kuMbire neMuzarabani vakangonzwa kuti kune afa vonotaura nemamwe madzimai votenga mvura idzi uye kana vanhu ava vasina mari vari kuchinjanisa mvura iyi nezvipfuyo vachiti bhodhoro re2 litres rinochinjaniswa nembudzi, toki kana nemajongwe matatu,” vakadaro Ishe Matsiwo.

“Chikumbiro changu kuti madzimai ngavarege kukuvadza varume vavo vachiziva seizvi nekuti ndivo vanosara vachitambura vave kushaya anoriritira mhuri,” vakadaro.

Mumwe wevanotonga naIshe Matsiwo, VaSunny Mugadzi (62), vanoti madzimai akaita izvi mazhinji ave kudemba nekuti misha yacho haisina vana baba.

“Izvozvi tiri kufamba dunhu rashe wedu rose tichipa dzidziso kuti madzimai vasashandise mishonga yemipfuhwira kana mimwe yavasingazive nekuti vanokuvadza varume vavo,” vakadaro VaMugadzi.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaPeter Mwale (27), vanova chikonzi chamambo avo vakati mishonga iyi yakaipa.

VaAdam Goho (46), vanova mupurisa wamambo, vakati kana ivo vave kuzvityirawo nekuti avo madzimai anogona kufurirwa vakavashandisira mushonga uyu.

VaMisheck Kwainona (65), munyori mudare ramambo, vakati nyaya iyi ikaramba ichiitika vachaguma vaenda kudare redzimhosva rekuGuruve vonotaura nevatongi kuti nyaya dzakadai idzi vodzisvitsa sei kumatare makuru.

VaJohn Goho, avo vanotonga namambo vakati pane zvirongwa zvekutsvaga nzira dzekuti dambudziko iri ripere, kusanganisira kuita dzidziso nen’anga nemaporofita avo vanopa vanhu mishonga inokuvadza iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>