Votsvaga rubatsiro rwekiriniki

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
Votsvaga rubatsiro rwekiriniki

Kwayedza

VAGARI vekuwadhi 14 kwaMusana, mudunhu reBindura, vari kutsvaga rubatsiro rwekuti vakwanise kuvaka kiriniki yeMuchapondwa, iyo yavanoti yave nenguva yakareba isati yatanga kuvakwa.

Mukuru wemasabhuku muwadhi iyi, VaJeremiah Mudzengerere (78), vanoti chirongwa chekuvakwa kwekiriniki iyi chakatangwa makore matatu akadarika asi hapana chaizvo zviri kufamba.

“Takapihwa nzvimbo kuti vagari vemuno tivake kiriniki iyi, kwakangokwaniswa kuvakwa chimbuzi chete vabereki ndokukanya zvidhinha izvo zvave kutoparara sezvo zvinodiwa kuti kiriniki iyi itange kuvakwa zvisati zvavapo,” vanodaro VaMudzengerere.

Vanoti pakuvaka uko vakaita chimbuzi vakabatsirwa nesamende nemarata nemumiriri weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.

“Munhu woga-woga mumusha akakwanisa kukanya zvidhinha kuburikidza nekupihwa shoko iri nemasabhuku. Zvidhinha izvi zvavapo panzvimbo apo pane chibhorani chekuti basa ritange. Asi samende nemarata hapana zvati zvavapo saka chikumbiro chedu kuti tinotsvagawo rubatsiro kune vane tsiyo nyoro vemuno nevekunze,” vanodaro.

Vanoti danho rekuti panzvimbo iyi pavakwe kiriniki rakatorwa zvichitevera kuonekwa kwazvakaitwa kuti vagari veko vari kufamba nzendo refu kunorapwa kuzvipatara zvakaita sekwaMakumbe kuDomboshava, kuBindura nekuHarare.

“Muno maMusana tine vanhu vakawanda vane mikana yekugona kubatsira. Tinoti vakomana nevasikana dzokai kumusha mubatsire tivake nzvimbo yedu. Tinoda kiriniki paMuchapondwa kana kuti pano paSuper. Nzvimbo iripo yatakapihwa pakacherwa chibhorani uyewo zvidhinha zvavapo. Asi dambudziko ravapo zvidhinha zvanaiwa nemvura makore anodarika maviri, zvimwe zvave kuparadzwa nemvura iyi uyewo mombe dzinouya dzichifurirapo. Tine zvidhinha zvinodarika 100 000, zvimwe zvichauya sezvo kune vamwe vachiri kukanya,” vanodaro.

Sabhuku Mudzengerere vanoti vane masabhuku anokwana makumi maviri muwadhi mavo uye vane hurongwa hwekuti vanhu vabvise mari yekubatsira mukuvakwa kwekiriniki iyi asi dambudziko guru ringangovakanganisa inzara.

“Chido nepfungwa dzekuti vabereki vakwanise kubhadhara mari yekubatsira mukuvakwa kwekiriniki iyi tinacho asi hatina mazvitauriro kuruzhinji nekuti vanhu vari mubishi kusunza nekuda kwenzara.”

Vanoti gore rino kwakatsva saka hakuna vanhu vanokwanisa kubvisa mari yekuitisa mamwe mabasa kunze kwekurwisa nzara.

Zvakadaro, Cde Matangira vanoti vari kushingaira kutsvaga rubatsiro rwekuti kiriniki iyi ivakwe.

“Ichokwadi vabereki vakaunganidza zvidhinha ndikambovapa imwe samende nemapuranga uyewo marata ekuvakisa chimbuzi panzvimbo iyi. Munguva pfupi iri kutevera tinotarisira kuungana panzvimbo iyi apo misha yose inouya tobva tatanga hwaro hwekiriniki iyi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>