Wag yakapa mishonga pachena

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Wag yakapa mishonga pachena

Kwayedza

SANGANO reWomen’s Action Group (WAG) riri kusimudzira utano hwevanhukadzi, zvikuru vekumaruwa nekuvabatsira pachena nemishonga pamwe neruzivo rwuri pamusoro pezvesikarudzi.

Sangano iri nguva yadarika rakashanyira kwaShe Chitsungo, mudunhu reMbire, kuGuruve, ndokuyamura madzimai eko nezvakasiyana sekupa mapiritsi ekurera mhuri, kuongororwa utachiona hweHIV negomarara remuchibereko.

Mukuru weWAG, Mai Edinah Masiyiwa, vanoti zvisinei nekuti chirongwa ichi chakaitwa kwezuva rimwe chete, chakabatsira madzimai nevanasikana venzvimbo iyi zvakanyanya.

“Munzvimbo yeMbire zvipatara zviri kure nevanhu zvekuti vamwe vanotofamba kwechinhambwe chemakiromita gumi. Zvakare, madzimai mazhinji ekumaruwa haana mabasa akati kwesere anovapa mari nekudaro vanokundikana kutenga mishonga yekurera mhuri sezvo makirinika nezvipatara zvichida mari. Izvi zvinoita kuti madzimai nevasikana vapedzisire vave kuita pamuviri pasina kurongeka,” vakadaro.

Vanoti vari kushanda pamwe chete nesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) mukusimudzira nyaya dzeutano, zvikuru hwesikarudzi, kuvanhukadzi vari kumaruwa.

“Tiri kushanda pamwe nesangano reUnited Nations Population Fund kuti tione kuti madzimai ekumaruwa kunyanya vawaniswe ruzivo munyaya dzeutano hwesikarudzi. Kuburikidza nechirongwa chatakaita kuMbire, madzimai akawaniswa mikana yekuvhenekwa utachiona hweHIV nekudzidziswa nzira dzakasiyana dzekurera mhuri,” vakadaro.

Mai Rusaidha Karitsi (30) vekuMbire vanoti mishonga yekurera mhuri iri kuvadhurira zvekuti dzimwe nguva vanotora nguva refu vasina kuishandisa.

“Isu taiziva mapiritsi ekurera mhuri achipihwa mahara. Asi iko zvino ukaenda kukirinika unonzi panodiwa mari yekadhi kozoti yekutenga mishonga yacho. Imwe yacho inoita US$1 kana ari mapiritsi anova anodiwa mwedzi wega-wega. Majekiseni ekuronga mhuri mamwe acho anoita US$5 kana kusvika US$20 saka sesu muno mumaruwa hakuna kwatinoiwana,” vakadaro.

Vakatenda WAG nebasa guru rariri kuita rekusimudzira utano hwemadzimai.

Alpha Masasike (27) wemunharaunda imwe chete iyi, uyo ave nepamuviri pechina, anoti kudai Hurumende yaita kuti mishonga yekurera mhuri iwaniswe pachena.

“Ikodzero dzedu semadzimai kuti tinge tichiita huwandu hwevana hwatinoda saka kushaiswa mishonga yekurera mhuri pachena kutyorwa kwekodzero idzi nekuti tinopedzisira tave kuita vana vakawandisa vatisingagoni kuchengeta,” vakadaro.

VaRennias Mundingi vanove murongi kusangano reSouthern Africa HIV and AIDS Information Dissemination Service (SAFAIDS) vanoti homwe yezveutano inofanira kutsigirwa kuitira kuti madzimai echidiki ange achiwaniswa nzira dzekurera mhuri pachena kana kuti mishonga yacho nemari yakaderera.

“Madzimai echidiki ari panyatwa pekuita pamuviri pasina kurongeka kana achinge achikundikana kuwana nzira dzekurera mhuri nekuda kwekudhura. Hongu kuti zvipatara zvifambire mberi panoda miripo inobviswa asika ngaive yakaderera kuti munhu wese akwaniswe kurapwa,” vakadaro.

Zvakadaro, Mbuya Calista Magorimbo vanove nhengo yeZimbabwe Traditinal Healers Association (Zinatha) vanotiwo kune nzira dzechivanhu dzinoshandiswa mukurera mhuri zvisinei nekuti hadzichakosheswa nhasi uno.

“Kune dzimwe nzira dziri nyore mukurera mhuri dzakadai sekushandisa makwenzi kana kusvetuka kwanababa vasati vabudisa mbeu, kuverenga mazuva ekutevera emudzimai, nezvimwe. Nzira idzi dzaishandiswa kare zvichibatsira. Inzira dzakareruka nekuti hadzidi mari,” vakadaro.

Mai Maria Chiwera vanove murongi kusangano reWomen’s Action Group vakave nemukana wekufundisa madzimai akazvitakura ekuMbire nzira dzekurera mhuri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>