Warriors: Gabon 2017

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Warriors: Gabon 2017

Kwayedza

MITAMBO yeAfrica Cup of Nations (Afcon) ichatanga musi weMugovera apo pachaona Gabon ichisangana neGuinnea-Bissau, kuGabon

Asi ruzhinji rweZimbabwe ruchange rwakamirira musi weSvondo apo maWarriors paachatamba mutambo wavo wekutanga muboka ravo neAlgeria. Kwayedza svondo rino iri kukupai kanhoroondo yevatambi 23 vakadomwa nemurairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, kuti vaende kumutambo weAfcon uyu.

 

Vabati vepagedhi:

Tatenda Mukuruva (21) – (Dynamos)

Chitate sezita remadunhurirwa raMukuruva anotambira Dynamos FC uye ndiye aive panyanga apo maWarriors akahwina tikiti  rekuenda kuAfcon. Mukuruva akarwira jezi iri akaribvuta kubva kuna Washington Arubi.

 

Bernard Donovan (21) – (How Mine)

 

Donovan weHow Mine FC mumwe wevabati vepagedhi vechidiki vari kusimukira muCastle Premier League. Donovan haana kuwana mukana wekutamba apo maWarriors aikwikwidza kuenda kuAfcon asi mutambi uyu ndiye mumwe achange akamirira kana Mukuruva akatadza kutamba nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

 

Takabva Mawaya (23) – (ZPC Kariba)

 

Mubati wepagedhi weZPC Kariba uyu mumwe wevatambi vatatu vakapinda muchikwata cheAfcon avo vasina kumbobvira vatamba apo maWarriors akwikwidza kuenda kumutambo uyu.

Matambiro akaita Mawaya kuchikwata chake apo airwira jezi naTendai Hove ndiwo akatuma Pasuwa kumushevedza kuti ave pakati peavo vakaenda kuAfcon.

 

Defenders:

Costa Nhamhoinesu (31) – (Sparta Prague,  Czech Republic)

Mutambi weSparta Prague yekuCzech Republic uyu kubva paakashevedzwa naPasuwa akadzikamisa vatambi vekumashure izvo zvakaona maWarriors achinwiswa kana chete kubva mumitambo mitanhatu yaakatambwa.

Nhamhoinesu ndiye mumwe wevatambi vachange vachitarisirwa kuvhara bhora kuAfcon.

 

Elisha Muroiwa (27) – (Dynamos)

 

 

Muroiwa aivhara bhora zvinonwisa mvura mwaka wadarika kuDeMbare asi kukuvara kwaakazoita kwakamudzosera kumashure izvo zvakapotsa zvamutadzisa kuenda kuAfcon.

Mutambi uyu pamwe naNhamoinesu vakatamba zvinonwisa mvura murwendo rweWarriors rwekuenda kuGabon.

Hardlife Zvirekwi (29) –  (CAPS United)

 

Muchinda uyu – anove Castle Premier League Soccer Star of the year 2016 – ndiye achapihwa basa rekumaka Yacine Brahimi wekuAlgeria uyo anotambira FC Porto yekuPortugal.

Nairobi, sezita raZvirekwi remadunhurirwa, akatamba zvinoyevedza mumwaka wenhabvu wa2016 pamwe nemumitambo yemaWarriors.

 

Bruce Kangwa (28) (Azam FC, Tanzania)

Kangwa mwaka wadarika aipisa kuHighlanders uko ainwisa asi akazobva kuchikwata ichi ndokuenda kuTanzania kwaave kutambira Azam FC. Mutambi uyu haana kumbobvira atamba mutambo mumwe zvawo wemaWarriors apo airwira tikiti rekuenda kuAfcon. Zvisinei, Kangwa aimboshevedzwa naPasuwa kumitambo yeCHAN neCosafa Cup gore radarika.

 

Onismor Bhasera (31) – (SuperSport United, South Africa)

Bhasera mwaka uno ari kutamba nhabvu inofadza kuchikwata chake cheSuperSport United iyo iri kutungamira muAbsa Premiership.

Akambotambira kuEngland achitambira Plymouth Argyle uye ndiye achapihwa mutoro wekumaka Riyad Mahrez anove African Footballer of the Year kuAfcon.

 

Lawrence Mhlanga (23) – (Chicken Inn)

Mutambi we uyu haana kumbobvira atamba mutambo mumwe chete parwendo rweWarriors rwekuAfcon uye achange achirwisana naNhamhoinesu naMuroiwa kuti apinde muchikwata chaPasuwa.

Mhlanga akatamba nhabvu yepamusoro apo maWarriors akatamba mutambo wehushamwari neIvory Coast segadziriro yekuenda kuGabon.

 

Teenage Hadebe (21) – (Chicken Inn)

 

Hadebe kunyangwe hake asina kutamba mutambo mumwe wemaWarriors apo airwira kuenda kuAfcon mutambi uyu agara ari muhurongwa hwaPasuwa sezvo mitambo yehushamwari yaaitambiswa aidadisa, kunyanya weUganda apo akanwisa kaviri.

Mwaka wadarika, chikwata chake cheChicken Inn hachina kutamba nhabvu yaigutsa sezvo chakakundikana kuchengetedza mukombe wacho wePSL uyo wakabvutwa neCAPS United.

Oscar Machapa (29) – (AS Vita, DRC)

Mutambi weAS Vita uyu akazokwana muchikwata zvichitevera kukuvara kwaBlessing Moyo uyo aitarisirwa kuenda kuAfcon.

Machapa achange achirwisana naZvirekwi kupinda muchikwata chaPasuwa uye anogona kutamba zvinzvimbo zvakawanda.

 

Midfielders:

Willard Katsande (30) – (Kaizer Chiefs, South Africa)

 

Kaputeni wemaWarriors Willard ‘Bute’ Katsande achapemberera zuva rekusvitsa makore 31 okuberekwa musi weSvondo apo maWarriors achasangana neAlgeria.

Katsande akatamba mitambo yose yemaWarriors parwendo rwekuenda  kuAfcon. Mutambi uyu, makore maviri adarika, ndiye aihwina mubairo weSoccer Star of the year kuchikwata chake Kaizer Chiefs.

 

Marvelous Nakamba (22) – (Vitesse Arnhem, Netherlands)

 

Nakamba akarwa semvumba kuti apinde muchikwata chaPasuwa chekuAfcon mushure mekunge atsvetwa kwenguva ndefu.

Mwaka uno mutambi uyu ari kutamba nhabvu yepamusoro kuVitesse muligi reEredivisie.

 

Danny Phiri (27) – (Golden Arrows, South Africa)

Phiri aive mumwe wevatambi vaitanga muchikwata chaPasuwa asati azotorerwa nzvimbo yake naNakamba.

 

Kuda Mahachi (23) – (Golden Arrows, South Africa)

Gore radarika, Mahachi akambofunga zvekusiya nhabvu nekuda kwemabatirwo aaiitwa neMamelodi Sundowns asi akazotengwa neGolden Arrows uko ari kuita zvinorova.

Mumwe wevatambi vanotanga kusarudzwa naPasuwa muchikwata chake uye akaita mbiri apo maWarriors airwira kuenda kuAfcon.

 

Tino Kadewere (21) – (Djurgadens IF, Sweden)

Masvondo adarika apo maWarriors aiita gadzirio dzawo muno, Pasuwa anofanirwa kunge aine chaakaona pana Kadewere icho chakamutuma kutakura mutambi uyu kuenda kuGabon achisiya Marshall Mudehwe uyo waange ave nemakore achishanda naye.

 

Khama Billiat (26) – (Mamelodi Sundowns, South Africa)

Gore ra2016 raive rizere huchi nemukaka kuna Khama Billiat uyo akahwina mukombe weCAF Champions League nechikwata chake cheSundowns.

Nanhasi vatsigiri venhabvu vemuno vanoti muchinda uyu akabirirwa sezvo aifanirwa kunge akahwina mubairo weAfrican Player of the Year Africa Based.

Maziso ose kuAfcon achange ari pana Billiat kuti atungamire maWarriors mukuhwinha mukombe.

 

Strikers:

Cuthbert Majalija (31) – (Bidvest Wits – South Africa)

Malajila ndiye mutevedzeri waWillard Katsande anove kaputeni wemaWarriors uye mutambi uyu anofanirwa kurwa kuti apinde muchikwata chaPasuwa kuGabon.

Mwaka uno zvinhu zvanga zvisiri kufamba zvakanaka kuchikwata chake cheBidvest Wits sezvo angonwisa kamwe chete.

Apo maWarriors airwira kuenda kuAfcon, mutambi uyu akakwanisa kunwisa kaviri.

 

Nyasha Mushekwi (29) – (Dalian Yifang, China)

Mumwaka waMushekwei wekutanga kuChina League One, akapotsa nepadiki kuhwina mubairo weTop Goal Scorer.

Kunyangwe hake asina kumbonwisa apo maWarriors aikwikwidza kuenda kuAfcon, Mushekwi ari kutarisirwa bata basa guru kuti chikwata ichi chikwanise kusvika kure kumutambo uyu.

 

Tendai Ndoro (28) – (Orlando Pirates, South Africa)

Kana paine mutambi wemaWarriors ari kupisa parizvino ndiNdoro uyo ari kutungamira mumakwikwi eTop Goal scorer kuSouth Africa muAbsa Premiership.

Ndoro achange achirwisana naMushekwi kupinda muchikwata chaPasuwa.

 

Evans Rusike (26) – (Maritzburg United, South Africa)

Mumitambo yose yaakatamba apo maWarriors airwira kuenda kuGabon, Evans akakwanisa kunwisa kamwe chete. Mutambi uyu achange aripo kuturura mutoro kubva kuna Ndoro naMushekwi, hunge Pasuwa akafunga zvekumushandisa.

 

Matthew Rusike (26) – (Club Sportif Sfaxien, Tunisia)

Rusike achangobva kusayina kondirakiti kuchikwata chake chitsva cheClub Sportif Sfaxien zvichitevera kubva kwaakaita kuHalmstads yekuSweden iyo yakagumurwa muligi rekuSweden.

 

Knowledge Musona (26) – (KV Oostende, Belgium)

Mwaka uno Musona ari kutamba nhabvu inodakdza kuBelgium uko kwaanwisa kasere mumitambo 17 yaatamba kuchikwata chake.

Kana zvichinge zvaomera maWarriors kuAfcon, tariro vanoisa pana Musona kuti agotsvaga gobhora.

Mutambi uyu ndiye achange achirovera maWarriors mapena, asi hunge kana mukana wacho ukamuka kuGabon.

PIX&CAP Warriors Squad

Tatenda Mukuruva

Bernard Donovan

Costa Nhamhoinesu

Elisha Muroiwa

Hardlife Zvirekwi

Bruce Kangwa

Onismor Bhasera

Lawrence Mhlanga

Teenage Hadebe

Oscar Machapa

Willard Katsande

Marvelous Nakamba

Danny Phiri

Kuda Mahachi

Tino Kadewere

Khama Billiat

Cuthbert Majalija

Nyasha Mushekwi

Tendai Ndoro

Evans Rusike

Matthew Rusike

Knowledge Musona

Ends

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>