World Cup: Vorima mari nemakumbo

06 Jul, 2014 - 05:07 0 Views
World Cup: Vorima mari nemakumbo

Kwayedza

ndozvirevaDONZVO remitambo yakaita seWorld Cup, maOlympics  nemimwe inoita kuti vatambi venyika dzakasiyana-siyana vasangane vachikwikwidza nderei kuvatambi, vaoni nokunyika dzinomiririrwa navatambi ivava?
Mari inotambiriswa vatambi ndicho chinhu chikuru here kana kuti kungotambawo, kana kuti kumiririra nyika?
Mitambo yeWorld Cup yave pakati, uyewo pave kuonekwa kuti vari kufamba nebhora ndevapi, vamwe vachidzoka kumisha yavo. Mamwe matimu akawanda, kusanganisira emuAfrica — Nigeria, Ghana, Camerron, Cote de’Ivoire neAlgeria — atove kumusha kutaura kudai.

Asi ngatibvunzanei zvakare kuti kutambira nyika pamutambo wakaita soweWorld Cup zvinorevei? Zvinoreveiwo kana vatambi vachinotamba namatimu edzimwe nyika: vari kumirira nyika here kana kuti vanenge vaine zvavo zvavari kutandana nazvo — zvido zvavo?

Ko sei vana vane zvipo zvakasiyana-siyana kungave kumitambo kana kuimba vachida kumirira nyika, asi vazvipira kudaro, vodzipa nyika pahuro nokuda kubhadharwa mazimari akawanda-wanda, mazimari asingabhadharwe vamwewo vanhu vanoita mabasa okusimudzira nyika?

Mari yakabhadharwa vatambi vokuGhana vemaBlack Stars nemaSuper Eagles vokuNigeria musvondo rapfuura imari yakakahadzisa vanhu, kunyanya matimu aya akatadza  kusvika kuma”quarter-finals”.

Hurumende yeGhana yakabhadhara vatambi vayo vese mari inosvika mamiriyoni matatu emadhora okuAmerica (US$3 million), ukuwo Nigeria inonzi yakabhadhara vatambi vakadyiwa netimu yeFrance musi woMuvhuro, mari inoita US$3,8 million.

Zvinonzi mutambi mumwe nemumwe akatyorera mari iri pakati peUS$75 000 neUS$100 000 muhomwe, mari yavakapihwa pamusana pokuti vakaenda vega kunomiririra nyika kuWorld Cup kuBrazil.

Nguva diki diki iyoyi yavakange variko havana kutamba mitambo yakawanda, vakabva vasina mukombe, asi vave kunzi zviya zvinonzi pachiRungu, “smiling all the way to the bank”.  Zvavo zvakabhadhara, vakati nhamo yenyika hairambairwe sadza.

Dai maOlympics ariko zvakare gore rino, pamwe vaingodaro kupfura imwe mari nemakumbo.
Asi kunyange mazimari iwaya akakatyamadza vazhinji, chakanetsa vanhu mafambisirwo akaitwa kunobhadhara vatambi vokuGhana.

Pavakaramwa kuenda kupurakitizi vachiti vanoda kutanga vabhadharwa dzavo “cash”, nyika yakanzwa mudumbu ikamhanya-mhanya kuti vaone kuti vangaite sei.

Mutungamiri weGhana VaJohn Dramani Mahama vakamira-mira kuti mari iendeswe. Asi kaendeserwo kemari ndiko kanonzwisa mudumbu. President Mahama vakaunganidza US$3 million iri musvo kudaro, kwava kutora ndege yenyika kutakura mari yakawanda kuendesa kuBrazil.

Vazhinji vakashaya kuti nyika yeGhana yakatanga kuwana rusununguko muAfrica, sei ichiita kunge isingazivi kuti kune mafambisirwo ane gwara emari pakati penyika kana munyika.

Vamwe vakabvunzawo kuti muGhana hamuna mabhangi here aigona kushandiswa kuendesa mari iyi?
Vamwewo vakati vatambi vebhora, vazhinji vacho vanotambira kunze kweGhana, sei vaiita kunge vasingazivi kuti mari haitambirisanwe nenzira dzakadai, dzokuti munhu anoverengerwa US$75 000 opihwa, oisa mumabhokisi, oti zvake zvapera.

Mutambi Atsu akaudza vatapi venhau kuti: “I think we will keep it in our bags and we’ll just lock them. And we will transfer the money to our accounts.” (Ndinofunga kuti tichaikiira mumabhegi, tozoiendesa kumabhangi edu.)
Kana sangano reFIFA rakashushikana nokuita uku. Zvimwe chetewo navakuru vehurumende yeBrazil vakati kupinda neUS$3 million iri “cash” pasina kurangana namapazi ehurumende zviri kunze kwomutemo.
KuBrazil, munhu anongobvumidzwa kupinda nemari isingapfuuri US$4 500.

Zvimwe zvakabudawo  panyaya iyi ndezvokuti imari isina kuita kuti vanhu vabhadhare mitero kunyika kwakabva mari, nokunyika kwayakapinda, nokuti imari yakaperera mumabhegi avatambi.

Kunze kwokuti mari idzi hadzina mwero vanobvunza kuti ndege iyi yakangotakura mari yavatambi ava chete here kana kwete?

Zvakadyira nyika yeGhana mari yakawanda sei kuendesa mari iyi? Vaiziva sei kuti inofamba nokusvika zvakachengeteka, pasina kubirwa kana kupedzisira vanhu vapondwa? Ko dai ndege yakangofunga kuenda kwainoda, vatumwa votsvaga upoteri, Ghana yaiita sei?

Timu yeGhana payakakwanisa kupihwa mari nehurumende zviri nyore kudai, timu yeNigeria yakatiwo hatisarire, vakati vanoda mari inoda kusvika US$4 million.

Chinonyadzisa pane zvese izvi ndechokuti kuNigeria vanhu vakauraiwa navapanduki veBoko Haram vachida kuona maSuper Eagles achitamba bhora. Vatambi havana kuda kurangarira dambudziko riri kumusha nokuti vaingoda kuti zvavo zviite chete.

Toringepi nhai Africa, vamwe vachiita mari nebhora, asi vanhu vanoita kuti uve mutambo wakabudirira vachidya nhoko dzezvironda? Ko ivava vashoma vakatsvaira dura, zvoreva kuti ramangwana ravatambi vari kutevera harina kujeka!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>