Zim yakahwina

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Zim yakahwina

Kwayedza

Sp2Abel Ndooka
CHIKWATA cheZimbabwe Korfball chakahwina menduru yesirivha svondo radarika kumutambo weIFK All African Championship uyo wakatambirwa kuZambia.Zimbabwe yakakundwa 21-11 neSouth Africa iyo yakahwina menduru yegoridhe pamutambo uyu pamwe netikiti rekunomirira Africa kumutambo weIFK World Championships kuBelgum gore rinotevera.

MuAfrica munofanirwa kubuda zvikwata zviviri zvinoenda kuBelgium, chinenge chakahwina nechakakundwa mufainari, asi sangano reIFK harisati rakazivisa Zimbabwe kuti ichaenda here kana kuti kwete kumutambo uyu.

Mutungamiriri weZim Korfball Federation Tarirai Chadebah akati ari kufara nematambiro akaita chikwata chavo kuZambia kunyangwe hacho chakazokundirwa mufainari neSouth Africa.

Anoti chikwata chavo chinogona kuenda kuBelgium gore rinotevera kana kutadza nekuda kwezvikonzero zvakasiyana saka parizvino vakamira negumbo rimwe uye IFK ndiyo ichavazivisa mamiriro ezvinhu.

“Chikwata chedu chakatamba zvinogutsa svondo radarika kuZambia uye tiri kufara nekuhwina kwatakaita sirivha. Tichitarisa kuti mutambo uyu wakatangwa makore adarika muno, zvinorakidza kuti tiri kufamba mugwara chairo uye uri kukura.

“Chikwata chedu chakatamba zvinonwisa mvura, kunyangwe takazokundwa hedu neSouth Africa asi tine chivimbo chekuti gore rinotevera tichienda kuBelgium kumutambo weIFK World Championships.

“MuAfrica munofanirwa kubuda zvikwata zviviri zvichienda kumutambo uyu uye isu sezvo takahwina sirivha svondo radarika tine mukana mukuru asi takangomirira kunzwa kubva kusangano reIFK kuti tinoenda here kuBelgium gore rinotevera,” akadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>