Zimbabwe Cricket yovandudzwa

13 Dec, 2014 - 15:12 0 Views
Zimbabwe Cricket yovandudzwa

Kwayedza

Sp5

Wilson Manase

Abel Ndooka
SACHIGARO weZimbabwe Cricket, Wilson Manase, anoti bhodhi ravo richagadza dzimwe nhengo dzichapihwa basa rekuvandudza mutambo uyu apo chikwata chavo chakatarisana nemakwishu eInternational Cricket Council World Cup achatambirwa kuAustralia neNew Zealand gore rinotevera.

Zvichitevera kurakashwa kwakaitwa Zimbabwe nguva yadarika neBangladesh mumitambo mitatu yetest match series nemishanu yeOne Day International iyo inonzi ‘white-wash’, Manase anoti bhodhi ravo rine basa guru rekubata.

Anoti kukundwa kwavakaitwa neBangladesh kunopisa tsitsi zvikuru zvekuti parizvino vave kumirira kunzwa kubva kuna Steve Mangongo murairidzi wechikwata ichi uyo aichitungamira kuBangladesh kuti zvakambofamba sei.

“Zvakaitika kuBangladesh zvinopisa tsitsi uye tinofanirwa kuzviongorora kuti zvakambofamba sei. Hatisi kumhanya kuda kupa tsanangudzo yacho asi isu tichamirira kunzwa kubva kuna Mangongo kuti chikwata chake chakambozvifambisa sei.

“Asi isu tinoziva kuti panofanirwa kuwanikwa shanduko yakasimba nekuti isu tave kutanga kuvaka chikwata chakasimba icho tinoda kutumira kumutambo weWorld Cup.

“Zvinonyadzisa hazvo zvakaitika, uyu mutambo wedu, mutambo wenyika uye kukundwa kwatakaitwa hakukomborere tichagadzirisa panoda kugadziriswa,” akadaro Manase.

Manase akaenderera mberi achiti bhodhi ravo rakasangana svondo radarika ndokupasisa kuti pave nezvigaro zvakaita sechamanaging director wemutambo uyu. Chigaro ichi anoti chinogona kupihwa Alistar Campbell uyo akambotambira Zimbabwe kozoti director of coaching rinove basa  richapihwa kuna Andy Waller.

Manase anoti vachapihwa basa iri vanofanira kuumba chikwata chakasimba icho chinofanirwa kuhwina kuitira kukwezva vakotsveri.

“Hapana kambani kana masangano angade kushanda nechikwata chinogarokukundwa, saka isu ibasa redu kuti tivake chikwata chakasimba icho chinohwina.

“Kuhwina kwedu kwakatinakira sezvo unotozoona makambani akawanda achimhanyidzana achida kukotsvera mutambo uyu,” akadaro Manase.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>