Zimbabwe inotenda psi

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Zimbabwe inotenda psi

Kwayedza

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanotenda mabasa ari kuitwa nemasangano akaita sePopulation Services International (PSI) mukurwisa zvirwere zvepabonde zvakaita seHIV neAIDS panguva iyo Zimbabwe iri kutarisira kupedza kupararira kwedenda iri panosvika gore ra2030.

Vakataura mashoko aya nguva yadarika pazuva rekupemberera kusvitsa makore makumi maviri PSI ichishanda mukusimudzira utano muZimbabwe.

“Tinotenda zvikuru nebasa guru riri kuitwa nesangano rePSI mukurwisa zvirwere zvepabonde zvakadai seHIV pamwe nekudzidzisa madzimai nevarume nzira dzekurera mhuri. Sangano rePSI rakashanda nesu zvakanaka muzvirongwa zvikuru zvekurwisa kupararira kweHIV, “ vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Makore makumi maviri tichishanda tose rwendo rurefu uye hazvaiva nyore nekuti pamwe pacho taisangana nematambudziko akakura kwazvo apo taiedza kusimudzira nyaya dzeutano.

“Mumakore maviri adarika, sangano rePSI rakange riri pamberi mukusimudzira utano hweveruzhinji kubvira pakuvawanisa makondomu, kuchecheudzwa kwevarume nekuvhenekwa kweutachiona hweHIV. Pamusoro pezvo, sangano iri rakabatsirawo nekuwanisa mishonga yemapre-exposure prophyluxis kuvanhu vanenge vabatwa chibharo kana dzimwe njodzi dzinoita kuti vange vachitapurirwa HIV kuti vadzivirirwe.”

Dr Parirenyatwa vanoti nhaurwa dzemakondomu kare chaive chinhu chaionekwa sechinonyadzisa kana kushoresa asi nekuda kwekukushwa kwemashoko edzidziso akaitwa nePSI yakabatana nebazi ravo, vakaona vanhu vachizvitambira izvo zvabatsira mukuderedza kutapurirana zvirwere zvepabonde.

Vanoti Zimbabwe iri kutarisira kuti mugore ra2030 inge yazadzikisa chirongwa che90.90.90 Targets icho chakananga kupedza kupararira kweutachiona hweHIV.

Zvinangwa zve90.90.90 zviri zvitatu zvinotarisa kuti chikamu che90% chevanhu chive chichiziva mamiriro acho maringe neHIV, chikamu che90% chiwaniswe mishonga yemaARV uye kuti chikamu che90% chevanhu chinge chiri kukunda mukuderedza utachiona hweHIV muropa ravo zvinoendeka.

Dr Parirenyatwa vanotendawo vatori venhau vemasangano akasiyana mukufambisa mashoko ekurwisa HIV uye kudzivirirwa kwepamuviri pasina kurongeka nekuda kwekukurudzira kushandisa dziviriro semakondomu.

Vanoti zvakare kumakore ekuma 1990, Zimbabwe yakange iine huwandu hwevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV hwaidarika chikamu che27% asi nekuda kwezvirongwa zvakasiyana izvo zviri kubatsira mukuwanisa vanhu ruzivo uye kurapwa nekudzivirirwa kwekutapurirana utachiona hweHIV kubva kunaamai huchienda kumwana huwandu uhwu hwakaderera zvikuru.

“Ndinofara zvikuru nezvakabuda muongororo yeDemographic Health Survey muna 2015/16 neZimbabwe Population-based HIV Impact Assessment (ZIMPHIA) iyo inoratidza kuti huwandu hweHIV pakati pevane makore 15 kusvika 64 ekuberekwa hwave pa14.6% kubva pa15 percent,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti bazi ravo rakaparura chirongwa cheHIV Prevention Revitalization Roadmap senzira yekurwisa kupararira kweHIV, zvikuru kuvanhu vari panyatwa sevanoita mabasa echipfambi, vechidiki, vatyairi vemagonyeti kana vemotokari dzinofamba nzendo refu, vanoita mabasa ezvicherwa nevasungwa vari kumajeri.

Pari zvino vanhu vanodarika 930 000 vari kuwaniswa mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs vanove vane chikamu che66%.

Zvakadai, chikamu che90% chevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV chiri kutarisirwa kuti chinge chava kuwaniswa mishonga yemaARVs mugore ra2020.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>