Uncategorized

Zinyoka vhu-u parufu

12 Dec, 2014 - 21:12 0 Views
Zinyoka vhu-u parufu

Kwayedza

Top3

VAFREDDIE Mapira vachitaridza makuva aRevai naKuziva Mapira

Kingstone Mapupu
PARUFU rwevana vaviri vemhuri imwe chete, avo vakafa zvinoshamisa vachiita zvekunyn’ura mumvura mubhuku Machowani, kwaMangwende kwaMurehwa, pakaitika manenji apo mumba maiva nezvitunha makaonekwa mukweshwa wezinyoka uye panguva imwe cheteyo shiri yerudzi rwekondo yaingovheya ichitenderera chivanze nepamusoro pevanhu nemuberere medzimba.

Izvi zvinonzi zvakaitika apo vanhu vaiva muimba yekubikira, umo maichemerwa vana ava, ruzhinji rwukadzvamuka mushure mekuerekana maonekwa zinyoka kudivi raiva nezvitunha zvevana ava.

Hapana akaziva kana kuva nefungidziro yekwakabva chikara ichi. Vanhu vaiva panze vanonziwo panguva imwe chete iyi vakatanga kurwisana neshiri yekondo iyo inonzi yaida kumhara mukati mevanhu pachivanze.

Zvinonzi pakaita kusagadzikana parufu apa, apo vamwe vakatiza mumba maive nenyoka vachinosangana nekondo panze.

Mashura aya akaitika apo vanhu vakanga vave kuda kuburitsa mitumbi yevana ava, Revai Mapira (4) naKuziva Mapira (3), kuti vanoiviga.

Vana baba vevana vekufa pamwe chete ava mukoma nemun’inina, Kuziva ari mwana waFreddie Mapira (34), baba vaRevai vari Francis Mapira.

Vakafa musi wa16 Mbudzi vakazovigwa zuva raitevera panzvimbo imwe chete.

Firo yavo haina kunzwisiswa nevemunharaunda, sezvo mitumbi yevana ava yakazongoonekwa murwizi rwaNyagambe, chinhambwe chinodarika kiromita kubva pamusha pavo. Zvinonzi vaviri ava vakaverera pamba kunosvika kurwizi uku.

Freddie akatsinhira mashura epanhamo yevana ava mushure mekumbotsenga-tsenga mukanwa.

“Zvizhinji zvaiitika panhamo iyi handaimbozvitarisa nekuti ndaiva murima chairo. Ndaimbobvawo ndichinotsvaga mari muzvikwereti kuti tiwane yekushandisa panhamo.

“Asi nyaya yenyoka inonzi yakaonekwa mumba maiva nemitumbi yevana iyo yakazouraiwa nevakuru vaivapo yakaitika. Zvekunzi shiri yakaonekwa raiva gondo handizvo, harisi gondo asi kuti ikondo yaitenderera dzimba dzose nepamusoro pevanhu vaiva panhamo ichiita seyaida kumhara. Ndizvo chete zvakaitika,” akadaro Freddie.

Akati sevanhu vanonamata chechi yeJohane Masowe weChishanu, havana kumbovhunduka nezvakaitika izvi.

“Nyoka kana kondo iyi zvipuka zvakasikwa naMwari zvinongofambawo sesu vanhu. Saka panyaya iyi hatina zvatinofungira kuti pangava nemanenji. Panofiwa pose panotaurwa mashoko akawanda, uyewo munhu woga-woga ane firo yake. Aya ndiwo mafiro aiva akasarudzirwa vana vangu,” akadaro.

Anoti ivo semhuri vakatora rufu rwevana ava setsaona.

“Iyi itsaona chaiyo, vana vakaenda kurwizi uko vaimboenda nevakoma vavo vachinogeza. Hongu, tsanangudzo ndaidzipihwa kumasowe kuti pane mhepo nenjodzi yaizowira mumba medu asi hataimbofunga kuti inyaya inorwadza kudai.”

Ambuya vevana ava, Mbuya Georgina Musoro (100), vakaramba kutaura zvakawanda panyaya yenyoka nekondo vachiti:

“Isu chedu tiri kuchema vana ava chete. Zvezvimwe zvose zvakaitika tinongoti kufamba kwemazuva, hatidi kuwanza mashoko. Chokwadi ndechekuti takaitirwa chisionekwi mumusha muno.”

Amai vaKuziva, Mai Nation Mutizwa (26), vakati mafiro evana ava akavagura kunorira.

“Takamuka mangwanani vana ava ndokutanga kutamba zvavo semazuva ose sezvo vaigara vachingova vaviri. Vakazongoshaika, hamheno kana zvaiva nemhepo mukati asi pakazowanikwa mitumbi yavo vose vaiva vasina hembe,” vakadaro.

Vanoti kwakazouya mumwe mukomana achiti vana vavo vakanga vawanikwa vakafira mumvura.

Amaiguru vaRevai, Mai Irene Chawa (27), avo vaigara nemwana uyu, vanoti vana ava vakapihwa kudya ndokuzotanga kutambira mumunda.

“Isu taiti vana vari kutamba ndokuzoona kwave kuuya mumwe mukomana achiti vana vapera kufira mumvura. Hamheno kana paine zvakaitika asi mapurisa vakauya vakati yaiva tsaona chaiyo,” vakadaro.

Mitumbi yevana ava inonzi haina kuendeswa kuchipatara kunoongororwa firo yavo. Amai vaRevai, Itai Learnmore Sengu, havana kuonekwa sezvo vakarambana nababa vemwana uyu.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vakati vanoda nguva yekuti vanzwe zvakawanda panyaya iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>