Uncategorized

Zvidhoma zvinodhura mudhara!

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
KUNE vanhu vanotya Satani kunge vapindirwa mumba nenyoka. Asi Satani haana simba kunze kwekunge maita sungano kana zvibvumirano naye. Kune vanodada nehuroyi nekuti huroyi hwavo hunoita kuti vatyiwe nevamwe.

Asi chisingazive varoyi ndechekuti simba rekuroya, simba rezvidhoma nemashiripiti ekukuvadza vamwe isimba renyika yerima, asi nyangwe ukatyiwa kufanana nenyoka, simba iroro harisi iwewe. Isimba rakazembera pamhiko rinosvika parinopera senyaya.

Ndakanzwa tsitsi nemhuri yekwaMambo Chikwizo, kuMudzi, inonzi yaoneswa nhamo nezvidhoma zvatateguru wayo uyo aiva nemabhizimisi.

Mukurumbira wese wakaitwa natateguru vemhuri iyi waive sutu yebepa inobvaruka nekunaya kwemvura. Ko vanhu tinoregererei kushanda nesimba? Ko zvinhu zvinotibatsira kuti tiite mari tinozvidii kana zvichizoshaisa vana vevana mufaro nerugare?

Mwari vakati tichadya cheziya, kwete zvezvidhoma. Vabereki siirai vana nhaka isina madhaka. Chokwadi mombe 60 kuenda kunoripa zvidhoma! Zvinongorevaka kuti mhuri iyi yave kuripa chikwereti chezvese zvakanga zvichinzi nezvidhoma iprofit yemabhizinesi.

Satani haasi gentleman, haasunge tayi. Satani anoda kuti uwane zvinhu asi Jesu anobvunza kuti, “Munhu achagobatsirwa nei kana awana nyika yese asi orasikirwa nehupenyu hwake?”

Humwe hupenyu hwatinorarama hupenyu hwekufamba takasimudza miswe setsindi, asi zvipfuva zvedu zviri mudova. Takafanana nemhunzi inotevera chitunha mugomba reguva. Pamwe kufanana nehanzvadzi yangu unoda kugara uchirangaridzwa kuti usavimbe nezvinhu. Kunyanya zvinhu zvekurongerwa nevamwe vanhu. Dzavo itsitsi here? Rwavo rudo here? Ko kana ukawana zvese zvaunoda nekuti une zvidhoma, zvinobatsirei kana usina simba rekuudza zvidhoma izvozvo kuti zvisiyane nevana vako.

Kana uine zvidhoma kana mishonga yekuti upfume, rangarira zvakataurwa naPauro kuna Timoti achiti, “Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo.”

Vanhu vari kunzi “vapfumi panyika ino . . .” ndini newe tinotsvaga mari zvekuti kana tikaishaya tinosuwa kana kuti tinokwereta torega kudzosa. Kana tikasakwereta, tinoba kana kutsvaga zvikwambo.

Kutsvaga mari hakuna kuipa nekuti ndiko kuti tirarame, asi mamwe matsvagiro anoda kuti munhu umbomira, uzvibvunze kuti zvichiri zvekutsvaga mari chete here kana kuti kwave kutegesa mweya wako.

Ini ndakadzidziswawo nevakuru vainzwisisa hupenyu kuti, “Chausina hauna.” Rega kushaya hope nekuti Maikoro atenga bhasikoro kana chikochikari. Chakakosha muhupenyu kushanda nekuita pfuma ine nhoroondo.

Kana nyaya iri kutaurwa naPauro kuna Timoti inyaya yakanaka, nekuti Pauro haana kuti vapfumi ngavarege kuita vapfumi; asi ari kungovapa yambiro. Kupfuma kunopera sehope. Variko vakanga vakapfuma zvekupfugamirwa, asi vakazongodokerwa nezuva rehupenyu.

Kupfuma, kana kuita murombo kwako ndekwehupenyu huno. Nyangwe nyaya yemupfumi naRazaro yakataurwa naJesu, mupfumi akanga ari mupfumi ari pano panyika, asi paakafa akaenda kuGehena, hatina kunzwa kuti akaramba achipfeka hembe dzake dzaityisa kana kudya zvinonyautsa mukanwa.

Saka shamwari, kana uine twunhu twako,  twungave simbi kana twudhoma, usavimbe natwo. Vimba naMwari nekuti kana ukafa uri mwana waMwari, unenge wanyatsopfuma zvechokwadi nekuti unenge wave kuzonogara naMwari kunyika yamunonzwa vanoimba parufu vachiti: “Toenda ikoko. Kusina mitoro, kusina nenhamo, kusina zvipomero.”

Ini ndobva ndawedzera kuti: “Kusina zvikwambo, kusina maporofita nen’anga, kusina mari nezvikwereti, kusina weave netumaHonda Fit.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>