Zvimbokoma zvobaka paChi-town

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Zvimbokoma zvobaka paChi-town

Kwayedza

ACHANGE ari makuwerere nemusi weMugovera paSt Mary’s Hall kuChitungwiza uko vatambi 40 vari kusimukira mumutambo wetsiva vacharwa mumakwikwi eBoxAfrica Series Boxing Tournament.

Mutambo uyu uri kurongwa nesangano reBoxAfrica iro rinotungamirwa naArigoma Chiponda pamwe neZimbabwe Boxing Federation Harare Province.

Vatambi vanotarisirwa kurwa pamutambo uyu ndeve kuChitungwiza pamwe nevamwe vachabva mupurovhinzi yeHarare.

Vamwe vatambi vekumapurovhinzi akaita seMashonaland West, Mashonaland Central neMashonaland East vakakokwa kuzokwikwidza pamutambo uyu.

Chikwata cheMambo 5 Boxng Academy chekuNamibia chinotarisirwa kutumira vatambi vacho vatanhatu kumakwishu aya.

Mumwe wevarongi vemutambo uyu Gilbert Munetsi anoti makwikwi aya akakosha zvikuru sezvo achibatsira kusimudzira tsiva.Munetsi anoti mitambo yakadai ndiyo yakasimudzira vatambi vakaita saCharles Manyuchi shasha yeWorld Welterweight Champion uyo ave nemukurumbira pasi rese.

Manyuchi anotarisirwa kutumira vamwe vatambi vake vaari kudzidzisa tsiva kuti vakwikwidzewo pamutambo uyu.

“Pachatambwa mitambo 20 yemapoka akasiyana uye tinovimba kuti mutambo uyu uchabatsira kusimudzira tsiva muZimbabwe.

“Kusimukira kwakaita Manyuchi kwabatsira kuti tsiva isimukire idzokere payaive kare,” akadaro Munetsi.

Munetsi akaenderera mberi ndokuti mutambo uyu vakaronga kuti utambirwe kuChitungwiza nekuti ndiwo musha wevatambi vetsiva vakawanda vakaita mukurumbira muZimbabwe.

Vatambi vakaita saChiponda, Alexandra Kwangarwe, Otis Manyuchi uye Freddy Salt pamwe nemhuri yese yekwaSalt vakabva kuChitungwiza.

“Chitungwiza ndiwo musha wetsiva kwakabva vatambi vakawanda saka takaona kuti tironge mutambo uyu utambirwe kuChi-town uko kwakabva shasha dzakawanda.

“Tichafamba kune mapurovhinzi akasiyana tichironga mimwe mitambo yakaita seiyi,” akadaro Munetsi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>