Uncategorized

197 000 vanoshaya mumaguta vobatsirwa

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
197 000 vanoshaya mumaguta vobatsirwa

Kwayedza

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti kusvika pari zvino yabatsira mhuri dzinotambura mumaguta nemumadhorobha dzinosvika 197 000 nemari yekuti dziwane raramo pasi pechirongwa chekuyamura vanoshaya zvichitevera kukanganiswa kwavakaitwa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura mudare reParamende nemusi weChitatu apo vaipindura mubvunzo, gurukota revashandi nekubatsirwa kwevanotambura, Professor Paul Mavima, vanoti vanhu vari kubatsirwa ava vanosanganisira vakaremara mitezo nevanoita mabasa emawoko.

Prof Mavima vaipindura mubvunzo wemumiririri weHighfield East mudare iri, VaErick Murai, avo vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukubatsira vanhu vakaremara mitezo nevamwe vanotambura.

Prof Mavima vanoti mari iri kupihwa vanotambura pamwedzi yakawedzerwa kubva pa$180 kuenda pa$300.

“Kune avo vakakanganiswa raramo yavo neCovid-19, kusvika pari zvino tanyoresa mhuri 197 000 uye svondo rino kune vakapihwa mari yavo yemunaChivabvu naChikumi — yemunaChivabvu yaive $180 pamhuri kuchiti yemunaChikumi yakawedzerwa kuenda pa$300 pamhuri,” vanodaro.

Prof Mavima vanoenderera mberi vachiti, “Saka mhuri 197 000 dzakabatsirwa pasi pechirongwa ichi. Kune avo vakaremara mitezo, tine chimwe chirongwa chekuvabatsira uye vanofanirwa kunyoresa kuDepartment of Social Welfare.”

Vanoti chirongwa ichi chagara chiripo kunyangwe Covid-19 isati yavepo sezvo chakananga kubatsira vanotambura.

“Hachizi chirongwa cheCovid-19 asi ndechekubatsira vanoshaya. Kana vachinge vari kumaruwa, vanowana chikafu chinosanganisira 50kg yechibage nezvimwe semhunga kana rukweza zvinoita kuti vapedze mwedzi vachidya.

“Asi kana vari mudhorobha, vanowana mari senzira yekutsiva chibage ichi zvinova zvakafanana nezvatiri kupa kune vane raramo yakanganiswa neCovid-19,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti mhuri dzakadai pari zvino dziri kupihwa $300 pamwedzi uye bazi ravo riri kushanda pamwe chete nerioona nezvehomwe yenyika kuti mari iyi iwedzerwe.

“Izvi ndizvo zvirongwa zvatiri kuita mukubatsira vanotambura vakawanda. Pasi pechirongwa cheCovid-19, tichiri kunyoresa vanoda rubatsiro uye tinovimba kuti vachasvika 1 miriyoni asi tinoda kuona zvakare kuti vanhu vari kubatsirwa ava vanokodzera here.

“Tiri kutora nguva yedu tichiongorora nechinangwa chekuti tibatsire vanokodzera bedzi,” vanodaro Prof Mavima.

Vachipindura mumwe mubvunzo kubva kumumiririri weWarren Park, VaShakespear Hamauswa, Prof Mavima vanoti chirongwa chekubatsira vanotambura hachisarudze vanhu kuti vanogara mudhorobha here kana kuti kumaruwa.

VaHamauswa vainge vati munzvimbo yavanomirira hapana munhu wavanoziva akabatsirwa pasi pechirongwa ichi.

Prof Mavima vanoti mhuri 197 000 dzose dzabatsirwa kusvika pari zvino ndedziri mumadhorobha.

“Handifunge kuti ichokwadi chiri kutaurwa kuti munzvimbo yavanomirira hapana kana mhuri imwe chete yakabatsirwa pasi pechirongwa ichi. Regai nditi mhuri 197 000 dzose dzabatsirwa dziri mumadhorobha.

“Pamusoro pezvo, tine vamwe 40 000 vemumadhorobha zvakare vari kupihwa mari pachinzvimbo chechikafu chinosanganisira chibage,” vanodaro Prof Mavima.

Share This:

Sponsored Links