Mavigirwo ehomwe yemudzimu

22 Nov, 2023 - 19:11 0 Views
Mavigirwo ehomwe yemudzimu Dara rakaiswa mutumbi waMbuya Ruwina Chatsomoka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYAYA yemutumbi wemukadzi chembere yaisvikirwa nemudzimu unonzi wainaisa mvura kwaKamutsenzere, kwaMambo Chiswiti, kuMt Darwin – uyo wakanosiiwa musango reko nehama dzepedyo kuti uwore, wotanga wadyiwa nehonye setsika yavo, marangwanda anenge asara ozonovigirwa kunyika yeMozambique – inoburitsa kukosheswa kwetsika dzechivanhu zvisinei nekuuya kwechimanje-manje.

Mushakabvu Mbuya Ruwina Chatsomoka (101) vaisvikirwa nemudzimu waKamuziwo Chawora, uye vaizivikanwa nekunzi aMvura nenyaya dzekunzi vainaisa mvura.

Kwayedza inoita ongororo pamusoro penyaya iyi maringe nemavigirwo evanhu vanosvikirwa nemudzimu kana mhondoro.

Mambo Chundu VaAbel Mbasera vekuHurungwe, kuMashonaland West, vanoti tsika dzakasiyana dzechivanhu dzichiri kutevedzwa kumatunhu akawanda enyika.

“Mudunhu mangu tinotevedza chivanhu zvizere mune zvose zvatinoita, kubvira pakugadzwa kwemadzishe nekuitwa kwemikwerera nezvimwe. Mhuka dzikanetsa nekuuraya vanhu tinokumbira kumhondoro nemasvikiro edu vokumbira kumhepo. Homwe kana kuti vanhu ivava vanosvikirwa nemhondoro vakafa vanovigwa pachivanhu sekunozendamiswa mumapako, vamwe vanoiswa pamusoro pedara rematanda, mutumbi wowora ichizotakurwa kuendeswa mumapako,” vanodaro Mambo Chundu.

Mambo Chundu

Vanoti kune vamwe vanoita chivanhu chekuti mapfupa ehomwe dzemhondoro idzi anozotorwa onokandwa mudziva rinoteurirwa nevanhu vedzinza remhondoro yacho.

“Hazvishamise kuti mutumbi unosasikwa padara kuti uwore nekuoma, chivanhu chizere,” vanodaro Mambo Chundu.

Mambo Chireya, VaHenry Chitsivo, vekuGokwe North, kudunhu reMidlands, vanoti hakuna mambo anotonga asina mhondoro yake inomupa mazano.

Mambo Chireya

“Isu kuno kwedu tinadzo mhondoro nemasvikiro edu anotitungamirira. Mhondoro idzodzi dzikafa vane nzira yekuvigwa kwavanoitwa, sekuno tine mapako atinovaisa vanonoradzikwa pasina kuridzwa mhere kana kuzivisa veruzhinji kuti mambo akashaika. Zvinozotaurwa mushure memwedzi mumwe kana miviri,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti kare, mudunhu ravo mitumbi yemhondoro neyemadzishe yaiomeswa yozonovigwa mumapako nemuninga yakagadzikwa sevanhu vapenyu.

Mambo Chiswiti, VaShort Kanzou vekuMukumbura, kuMt Darwin, kuMashonaland Central, vanoti zvakakosha kuti vanhu vatema varambe vachitevedzera tsika dzavo nekuti ndidzo dzinoumba hwaro hwakanaka mukugarisana munharaunda dzakasiyana.

“Sevanhu vatema, tinokurudzirana kutevedza tsika dzedu kwete kutevedzera tsika dzevamwe. Hatirevi kuti ngatidzokerei mukupfeka nhembe, handizvo,” vanodaro.

Mambo Chiswiti

Mambo Chiswiti vanoenderera mberi vachiti: “Dunhu roga-roga rine tsika dzaro pamavigirwo evanhu kubvira kumhondoro nevamwe. Zvakaitwa mudzimai uyu wemutumbi wekuiswa musango padara, hapana chakaipa nekuti itsika dzedu kuno. Mhondoro dzangu kuno mitumbi yavo inotanga yadarika nemunhumba yangu yandinogara samambo vozodarikidzwa kuninga kwatinovaviga, itsika dzeChikorekore idzi kana munhu aiva svikiro kana mhondoro.”

Nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Bonface Muponda Katerere, vekwaMashambanhaka kuUzumba, vanotiwo mavigirwo evanhu vanopoterwa nemidzimu anosiyana dunhu nedunhu.

“Munhukadzi kana achisvikirwa nemweya wegombwe unonaisa mvura anonzi aMvura, munhurume anosvikirwa negombwe kana mudzimu unonaisa mvura zvakare anonzi Tsukwa. Vose vanhu ava vakafa, kuye kwatinoti homwe yaparura kana kuti vafa voga nekurwara, vanovigwa nenzira dzechivanhu, kusanganisira iko kusasikwa musango zvitunha zviri padara, kuvigwa mumapako nemumhango yemiti nedzimwe tsika,” vanodaro Sekuru Katerere.

Vanoti kune mamwe madzinza zvitunha zvinoendeswa muninga apo vakuru vanosvikouchira matombo anenge akavhara ninga ovhurika oga, vanhu vopinza mitumbi mukati vosvikogadzika sevanhu vapenyu vobuda apo dombo rinovhara bako rinovhara roga.

“Vanhu vakaenda nemitumbi yevasiri vedzinza iroro ninga idzi hadzivhurike, pose panovigwa mitumbi iyi panoiswa ratinoti bikiro inova fodya yepasi. Panofa vakuru vakadai panouraiwa mombe inonzi yekuchema kunyangwe vanhu vasingabvumirwe kuchema,” vanodaro Sekuru Katerere.

Sekuru Bonface Katerere

Vanoti pakuvigwa kwemitumbi yevanhu vanosvikirwa nemhondoro, kunoiswa pfuta, mishonga negomarara remvura kuti mitumbi iyi isanhuhwe kana mweya wakaipa kudzokera vapenyu.

Zvichisiyana nemarudzi nenyika dzacho, dzimwe mhondoro dzinovigwa dzakaiswa mumazitswanda mahombe kana kuti zvitunha zvakagadzikwa patsero.

“Kazhinji, mitumbi yemhondoro inotakurwa munguva yekunaya kwemvura kuchitonhorera. Dzimwe nguva mutumbi uyu unotorwa nedzimwe mhondoro imi venyama mongoushaya,” vanodaro Sekuru Katerere.

Vanotizve vanhu vanosvikirwa nemhondoro kazhinji havaroorwe kana kuroora, kunze kwevashoma ndivo vanowana kana kuwanikwa vatokumbirirwa nebute.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>