Ngozi: Vanhu vodonha nyama dzemuviri vachifamba

03 Apr, 2024 - 16:04 0 Views
Ngozi: Vanhu vodonha nyama dzemuviri vachifamba Evermore Dzenga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mubhuku rekwaDzenga, kudunhu raMambo Charehwa, kwaMutoko, inoti yamomoterwa nematambudziko anosanganisira kudonha nyama dzemuviri vanhu vachifamba uye vamwe vanongofa zvisinganzwisisike.

Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nengozi yemunhu anonzi akapondwa neimwe hama yavo.

Mhuri iyi – iyo yakawanikwa neKwayedza ichitsvaga kubatsirwa paimwe n’anga yemuHarare svondo rapera – iri kubuda pachena kuti vatambudzwa nengozi yemunhu akafa nekupfurwa nepfuti nehama yavo izvo zvava kuvapedza.

Matambudziko ari kusangana nemhuri iyi anosanganisira kufa kwevanhu, kurasika njere, kusaroorwa nekusaroora, kushaya mbereko nejambwa rinosanganisira kurasikirwa nemabasa.

Mhuri iyi – iyo ine vanhu vanodarika chiuru – inoti kune mhepo dzezvikwambo dziri kubuda mukati mevana dzichitaura zvinhu zvakasiyana zvinoratidza kuti mudzinza iri mune vakaromba zvakare.

Mhuri yekwaDzenga nevamwe. – Mifananidzo naKingstone Mapupu

VaNgwarai Dzenga (42) – avo vanova mwana mumhuri iyi – vanotsinhira matambudziko avakatarisana nawo ayo avanoti avashaisa rugare.

“Taita dambudziko semhuri yekwaDzenga, tine hanzvadzi iri kukwatanuka ganda, vhudzi rapera kusvuuka mumusoro, achidonha nzara dzose mumaoko nekumakumbo. Muviri wake wose unodonha nyama.

“Tine imwe hanzvadzi inobatwa nemweya wengozi yemunhu akapondwa mumusha medu. Vanhu vanobuda mabasa nezvimwe zvakawanda,” vanodaro VaNgwarai Dzenga.

Mai Evemore Dzenga (37), avo vari kusvuuka musoro nekudonha zvigunwe nenzara kumakumbo nekuminwe pamwe chete nedzimwe nyama dzemuviri, vanoti vadarika makore gumi vaine dambudziko iri.

Musoro wakasvuuka

“Ndine maronda asingapore, musoro wakasvuuka hauchamera vhudzi. Nzara dziri kudonha nedzimwe nyama unongoona dzadonhera pasi. Ndinodyiwa nyama ndichifamba.

“Ndinofuma ndakaita maduzu uye musoro wangu hauchamera vhudzi. Kuchipatara ndiri kuenda asi hapana chiri kubatsira. Ndinonzi ndakasiirwa huroyi, ndaingobatiswa zvakawanda nekuti imwe yehama dzangu (zita tinaro) yaimbondigarisa murusero pasina zvandaiziva. Zvinonzi ndinoroya, zvinotaurwa kwatinoenda semhuri,” vanodaro Mai Evemore Dzenga.

Evemore Dzenga achitaridza musoro wakasvuuka nezvigunwe zviri kudonha nzara

Mudzimai uyu anoti vana vake vose vakapera kufa uyewo murume akatiza dambudziko iri.

VaWiseman Dzenga (42), vanova mwanakomana mumhuri iyi, vanotsinhirawo: “Tine matambudziko semhuri, tine munhu anonzi akapondwa mumusha medu uyo ane mweya unobuda pane imwe hanzvadzi yedu iri pano anova ndiye akatanga kuuya kuno,” vanodaro VaWiseman Dzenga.

Mai Tarwirei Dzenga (48) vanoti vanetswawo nemweya wengozi yemunhu akapondwa mumusha mavo uyo wavanoti uri kusvika pavari.

“Ndine mweya wengozi unosvika pandiri unoti unoda kuripwa wemurume anonzi akapondwa nehama yedu yepadyo mumusha. Saka mweya uyu wandinetsa, semhuri vanhu havasi kubatana kuti ugone kuripwa kuti ndinunurwe panyama yangu,” vanodaro Mai Tarwirei Dzenga.

Vamwe vemhuri iyi vakawanikwa vari pagodobori iri vanosvika gumi vanove varume nemadzimai vaida kubatsirwa.

Votaurawo pamusoro pezvinogona kunge zviri kuitika, Dr Enock Maidah vekuUniversity of Zimbabwe (UZ), vanoti mudzimai ari kudonha nyama pamuviri wake anogona kunge aine dambudziko rechirwere cheganda asi zvinoda kuti aongororwe nemachiremba kuchiptarara.

“Zvirwere zvinorapika kuchitorwa matanho ose anokurudzirwa nemachiremba. Amai ava ngavaitwe zvose, ongororo yavari kunzi vaitwe nemachiremba kana vachienda kunorapwa kusvika pekupedzisira vachienda kuma’specialists’ eganda. Votorawo mishonga yose yavanonzi vatore pasina kusiya mimwe. Tine dambudziko rekuti vamwe varwere vanosiira kurapwa panzira,” vanodaro Dr Maidah.

Dr Enock Maidah

Vanoti panorwara vanhu kunotaurwa mashoko akasiyana, mamwe acho asinei nehurwere.

“Vemhuri yemudzimai uyu ngavaende vanomurapisa chirwere chisati chagodza voona machiremba eganda,” vanodaro Dr Maidah.

Share This:

Sponsored Links