Uncategorized

2018: zvishamiso neminana

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
2018: zvishamiso neminana Snipper akabata mazizi

Kwayedza

Tandayi Motsi
GORE ra2018 rasvika kwamvura yacheka makumbo uye vamwe vaverengi veKwayedza vanoti ranga riri gore remashura, zvishamiso neminana.

Svondo rino, bepanhau revanhu rinokupai dzimwe dzenyaya dzakaita mukurumbura muna2018.

NDIRA

Hari 3 dzizere tsvina yemunhu:

Vagari vekwaMunyawiri, kuDomboshava, havana remuromo zvichitevera mashura e’Kirisimasi bhokisi’ avakafumoona – hari nhatu dzainge dzizere tsvina yemunhu, doro nyama nyoro mbishi uye nhekwe yefodya nebakatwa rainge rakabairirwa muvhu.

Zvinhu izvi zvave nenguva inodarika svondo zviri muchikomo chiri mubhuku raSabhuku Stowell Chidamba uye hazvizivikanwe kuti zvakaiswa nani uye nechinangwa chei kunze kwekunge chichingova chishamiso cheKirisimasi.

KUKADZI

Vokururwa mbatya nenjuzu:

Vagari vekwaBangure, kwaNyashanu, mudunhu reBuhera, vanoti vaoneswa chitsvuku nechavanoti chikwata chenjuzu idzo dzavanoti dzinovakurura mbatya vachisara vari musvo, kuvabvutira hove dzavanenge vabata nekuvafurufusha pavanoedza kudiridza mapindu avo nemvura yemudhamu reko.

Manenji aya anonzi ari kuitika padhamu idzva richangobva kupera kuvakwa reTarwira iro rinonzi dzimwe nguva rinoonekwe richinganduma kubvira moto pamusoro pemvura masikati machena.

Gango renyama yezizi:

Zvisinei kuti vamwe vanhu havanzwe zvakanaka kuve pedyo nemazizi – kunyanya zvekusvika kudya nyama yacho – nekuda kwekuti anonzi anodyidzana nevaroyi, pane varume vanotandara vachinwa doro panzvimbo yemabhizinesi yekuGlen View 1, muHarare, vari kunzi vakaita “party” yenyama yeshiri idzi nguva pfupi yadarika.

Mazizi akadyiwa nevanhu ava anonzi ainge abatwa nechikwata chavarume vaitungamirirwa naHarmony Bond naSydney Sniper mune rimwe bhawa rine mukurumbira reko.

Bond naSniper nevamwe vavo vanonzi vakabata mazizi maviri ayo vakazouraya, ndokugocha nyama yacho, iyo vakazodya nezvimwe zvidhakwa.

KURUME

Muroora tasa!

. . . abatwa ‘achipa’ tezvara:

Mukadzi wechidiki wemubhuku raChitauro, kwaNyamweda, kuMhondoro, anonzi akakurirwa nenyadzi ndokunwa muchetura akafa apo akawanikidzwa achishinha natezvara vake musango remiti yepapuranga reko.

Sarudzai Ganyiwa (42) – uyo anga ari mudzimai waEdmore Chitauro (48) – anonzi akawanikidzwa achishereketa natezvara vake, Simon Chitauro (65), zvikazomutuma kuti anwe muchetura ndokufa nekuda kwenyadzi.

Akatandaniswa nemhepo:

Mukadzi wekuBeatrice hapana paagare! Oti kubvakachirwa nemazikonzo maviri ayo ainge akarova “mucheno” wemachira matsvuku, fume mangwana acho achiona pachivanze pakakandwa zinyoka rakafa, zuva rimwe chetero ndokuingwa nezinyoka rakafanana neyaainge amboona yakafa pamusha.

“Mutambo” unozokwidza makata apo mudzimai uyu, Mai Portia Kwenda, anopupurutswa nemhepo ine simba guru kubva kusango kwaaitsvaga huni ndokunokandwa kumba kwake ukuwo kwakazoparadzwa dzimba – miti ikasiiwa yakaita murakatira.

KUBVUMBI

Anogara nemusoro wemunhu:

Vanhu vekwaMarange — avo vakagariswa patsva kuArda Transau, mudunhu reManicaland — svondo rapera vakasara vasina chekutaura zvichitevera nyaya yemumwe wavo uyo anga akachengeta dehenya remusoro wemunhu mumunda make kwemakore maviri.

Dehenya iri rakaonekwa naBrighton Shinga riri mubindu rake, ongororo ikaitwa mushure ndokuratidza kuti rainge rabva kumunda waHerbert Mukura uri kunzvimbo yeTenzi Mavhima.

Dehenya iri rakazoendeswa kudare raMambo Zimunya uko Mukura neaimbova mushandi wake, Hoseah Muzaniwetu, vakashevedzwa kuti vanotsanangure kuti sei rakawanikwa mumunda mavo.

Ngozi yoda nzou 50 ne‘bhebhi’:

Mweya wengozi yemukomana wechidiki wekwaNembudyiya, kuGokwe — uyo anonzi akapondwa, nhengo dzemuviri wake ndokuchekereswa bhizimisi — uri kubuda uchiti unoda kuripwa nenzou 50, mombe 60 nemhandara pamusoro.

Takudzwa Masikati (26) — uyo aiva asati aroora achigara mubhuku raKwashira — anonzi mutumbi wake wakazowanikwa wakakandwa murwizi rwaive nemvura shoma uye uine mavanga airatidza kuti akafa achiita zvekurwiswa.

Ngozi iyi iri kuti mushakabvu akapondwa nevakadzi vatatu avo vakatumwa nemumwe murume ane mabhizimisi paNembudziya.

Nyaya iyi yakatopinda mudare raSadunhu Nembudziya ikazodarikidzwa kwaMambo Chireya uko mweya uyu wakabuda mumatare ose.

‘Dynamos haizi tuckshop’:

Shasha dzakambonetsa dzichitambira Dynamos FC dzinoti dziri kushushikana zvikuru nezviri kuitika kuchikwata ichi izvo zvaita kuti chidzikire uye izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nematungamirirwo achiri kuitwa ayo akada kufanana nezvinoitwa kumaboozer kana kuti “tuckshop”.

Masimba Dinyero — uyo akambotambira DeMbare — anoti zviri kuitika kuchikwata ichi hazvifadze achiti, “Kutora chikwata mochitungamirira kunge tuckshop?”

CHIVABVU

Orambira mukadzi kunaka:

Murume wekwaChireya, kuGokwe, akashamisa ruzhinji rwaive mudare ramambo weko apo akati ave kuramba mukadzi wake nechikonzero chekuti akanyanya kunaka pachiso.

Anorld Masuka (40) akaenda kudare raMambo Chireya, achitsutsumwa pamusoro perunako rwemudzimai wake, Hilda Mleya (30) achiti hana yake inogara ichingorova nekuda kwerunako rwake uye anotya kuti anogona kupedzisirwa amutorerwa nevamwe varume nekudaro akange asisamude.

Mambo akaroverwa ‘mini-skirt’:

Musikana ane makore 17 okuberekwa akarova mumwe mambo wekuBinga nebhodhoro iro rakapwanyikira kumeso kwavo mushure mekunge vamutsiura apo ainge akapfeka kamini-skirt.

Mambo Siabuwa vakasara vakuvara pazasi peziso ravo rekurudyia apo vakatemwa nebhodhoro iri naTlou Dube mushure mekunge vamutsiura vachiti zvaive zvisina kufanira patsika dzekuBinga.

CHIKUMI

Ochemwa ari mupenyu . . .

Nhengo yose pepepe dhuu:

Murume wekuCashel Valley, kuChimanimani — uyo pari zvino ari kugara mumusha weUnit L Extension, kuChitungwiza — haasisina sikarudzi zvachose, iyo yaanoti yakapera kupfupfunyika zvichibva mukunanzva kwaanoitwa nenyoka nezvikwambo.

VaPamious Chinawa vari panguva yakaoma — havasisina nhengo yavo yakavandika — iyo yavaimbova nayo mushure mekunge yapera yose nekunzvwa nezvinhu zvavasingazive.

Ndinovhura ma’door’ nemagadziko: Muroyi

Mwana mukomana ane makore mashanu okuberekwa wekuKezi, kuMatabeleland South, ari kushamisa vagari veko achiti aneta kushandiswa nemuvakidzani wavo mumabasa ekuroya uye kana vava “pabasa”, iye nevamwe varoyi vanovhura magonhi edzimba dzevanhu husiku vachishandisa magadziko.

Nyaya iyi ichibuda, zvinonzi pakutanga mwana uyu akaudza baba vake kuti aneta nekushandiswa mumabasa ehuroyi nemuvakidzani wavo.

Kamwana aka — ako katisingadome zita rako kana revabereki vako kuitira kukachengetedza — kakaudza vanhu vaiva pamusangano ikoku kuti vanodya nyama yezviropa zvevanhu vakafa, vachibhururuka nerusero kana kufamba vakatasva madhongi.

Mombe iri ‘kusasa’ chiManyika:

Munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuromba kana kuti huroyi, pane mhuri igere kuDora Dombo, chinhambwe chipfupi kubva maMutare, iyo yaona moto mushure mekunge imwe yemombe dzavo yangotanga “kutaura” nerurimi rwaamai — Shona.

Mashura anonetsa kubvuma aya ari kuitika mubhuku raMambondiani.

Vachitaura neKwayedza vari padare ravo riri kwaMutare nemusi weChipiri svondo rino, Mambo Zimunya vanotsinhira nezvenyaya inotyisa iyi.

Jasi renhaka iro rinonzi rine mhiko zvakakonzera kufa kwevanhu 20

CHIKUNGURU

Bhachi renhaka rauraya vanhu 20:

Mhuri yekwaZimunya, kwaMutare, yashaya zano rekuita nekuda kwejasi renhaka iro riri kunzi rakonzera kufa kwevanhu 20.

Zviri kunzi vamwe vemhuri igere kwaManzunzunzu iyi vanogona kufawo zvichikonzerwa nejasi renhaka rine mhiko iri rakapihwa baba vemhuri iyi nasekuru hanzvadzi yaamai.

Mhuri yekwaChinoona yakanopotera kudare raMambo Saunyama vachida kuti mambo vamanikidze sekuru vavo vanonzi Musiyabako kuti vaparadze jasi iro vanonzi vakapa kuna baba vavo mushakabvu sechipo.

NYAMAVHUVHU

Mashura!

Zvitunha zvisina misoro, mawoko, makumbo:

Vagari vekwaChinamano Extension, kuEpworth, nemusi weSvondo wadarika vakaona mashura pamba pemumwe mukadzi – apo pakafuma pakakandwa chitunha chemwana pamusiwo wemba icho chainge chakachekwa nemuchiuno, chisina nhengo dzose dzekuzasi, kusanganisira makumbo.

Mutumbi wemwana uyu wakawanikwa wakagadzikwa pamusiwo wemba yaMai Rosemary Chibisa (56) vepanhamba 13C465 Chinamano Extension.

GUNYANA

Ummm . . . nyama yembwa kunaka:

Huwandu hwevanhu vari kufarira nyama yembwa huri kuwanda paimwe nzvimbo iri pedyo neWestgate, kuBulawayo, uko kune murume ari kuita bhizinesi rekutengesa nyama iyi. Murume uyu anoti veruzjinji — kunyanya vanhukadzi vari mumabhindauko ekuzvishandira — vari kunohodha nyama yembwa kwaari vachinoitengesa kunzvimbo dzinobikwa zvekudya dzinowanzoshanyirwa nemakorokoza kuNkayi, kuMatabeleland North.

Murume wekuBulawayo uyo anongozivikanwa saNdebele akatovamba bhizimisi rekuvhiya imbwa, nyama yacho achitengesera veruzhinji panzvimbo inorasirwa nekuvigirwa imbwa dzinenge dzafa nesangano reSociety for the Prevention of Cruelty to Animals (SPCA).

Mombe tasa pamubhedha:

Mombe dhonza bherengende kupinda mumba, tande kubhedhuru, ndokunorara mumagumbeze ari pamubhedha, richibva rafirapo.

Mashura aya akaitika kwaChakwenya, kwaMambo Chiendambuya, kuManicaland, uko dhonza kana kuti jon’osi remombe — mutumba chaiwo — rakangoerekana ramuka chibhebhenenga, ndokudzingirira muridzi waro richida kumutunga nekumutsika-tsika, pashure rikazopinda mubhedhuru make umo rakasvetukira pamubhedha richibva rafirapo.

GUMIGURU

Sahwira akadya chitunha:

Munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nehuroyi, mutumbi wemumwe murume wekuWard 1 yekuMazowe, kwaMambo Makope, unonzi wakazovigwa usisina rimwe ziso iro rinonzi rakadyiwa nasahwira wake.

Chitunha chaArtwell Dhiki, wemubhuku raMwedziwendira, kwaGoteka, chinonzi chakazovigwa chava neziso rimwe chete iro rainge rakasvinura.

Mbuya Domina Mutemadaro (68), avo vanova mudzimai wasahwira wemhuri iyi, havasi kuramba kana kubvuma nyaya iyi, kunze kwekungoti, “Handizive zvandakaita, ndainge ndakadhakwa zvekupedzisira”.

MBUDZI

Zvidhoma zvoita party:

Imwe mhuri yekwaMurehwa inoti yaoneswa ndondo nezvidhoma, mapere, katsi nenyoka izvo zvavanoti zvinoita “party” pamba pavo zvichizara chivanze chose zvekuti vanhu ava vanotombopata musha vachitiza.

VaMaxwell Caleb Kadenge (45), vemubhuku raKadenge, kwaMambo Mangwende, vanoti mhuri yavo haina rugare nekuda kwemaminimini aya.

Murume anonzi muroyi uyo akadonha muchadenga apo aive parendo nevamwe vake

ZVITA

Muroyi akadonha murusero:

Murume wemubhuku raBhazha, kuMatobo — uyo anofungidzirwa kuti muroyi — anonzi akashaya simba rebasa rake apo aibhururuka muchadenga ari murusero zvikaita kuti adonhere pane mumwe musha weko, vamwe vake ndokumusiya. Murume uyu — uyo ari kuti pakaitika izvi aive nechikwata chevamwe vake avo vaanoroya navo — anoti vaibhururuka vachienda kune imwe nzvimbo apo akangoerekana ave kunzwa kupera simba ndokubva adonhera pasi.

Ochaya ‘fish’ mhenyu:

Murume anogara kuGlenwood, kuEpworth, anoti atambura nekuita tsvina ine masahwa ehove izvo zvamusiya atsemuka tsemuka kunhengo yake inorasa tsvina.

Anoti mashura aya akatanga apo akanonyurura duwo risiri rake mudziva ndokudya hove dzainge dzabatwa.

Kunze kwekuita tsvina ine masahwa, murume uyu anoti pakutanga aiti kana akaita tsvina muchimbuzi, aizoona muchemba muine hove mhenyu. Taurai Manyara (30) anoti ave kuita tsvina yakangofanana neinoitwa nezvipuka zvinodya hove sembiti.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>