2023: Ma’coach’ 7 akadzingwa basa

30 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
2023: Ma’coach’ 7 akadzingwa basa Lloyd ‘Samaita’ Mutasa

Kwayedza

Abel Ndooka

MWAKA wenhabvu weCastle Lager Premiership wa2023 wakapera svondo radarika apo Ngezi Platinum yakasimudza mukombe uyu kekutanga munhoroondo yayo.

Paipembera “Madamburo”, nekune rimwe divi kwaichemwa nezvimwe zvikwata zvina zvinoti Black Rhinos, Triangle United, Sheasham neCranborne Bullets izvo zvakaburitswa muPSL zvichinanga kuDivision One.

Murwendo rwekurwira mukombe wePremier Soccer League, urwo rwakatanga munaKurume, zvikwata zvipfumbamwe zvakashandura varairidzi apo vamwe vakadzingwa kana kusiya basa voga.

Mwaka uno wakaona varairidzi vanomwe vachidzingwa basa kubva kuzvikwata zvinosanganisira Green Fuel, Dynamos, Bulawayo Chiefs, Sheasham, Black Rhinos, ZPC Kariba, Cranborne Bullets neYadah Stars.

Svondo rino, Kwayedza inoita ongororo yevamwe varairidzi vakadzingwa basa.

Pakatanga mwaka wa2023 – Lloyd ‘Samaita’ Mutasa – ndiye akaita murairidzi wekutanga kudzingwa basa kuGreen Fuel mwaka uchingotanga chikwata chake changotamba mutambo mumwe chete apo chakakundwa neYadah Stars 1-0.

Panguva yakadzingwa Samaita basa, Green Fuel yakati iri kumubvisa pachigaro chekurairidza chikwata ichi nechinangwa chekuti vaida kumugadza pachigaro chatechnical director.

Samaita achibva kuGreen Fuel, akatsiviwa naBekithemba Ndlovu uyo aive mutevedzeri wake.Asi Ndlovu haana kugara nguva refu pachigaro chinopisa ichi nekuti akatadza kushandura matambiro aiita chikwata uye patambwa mitanhatu yePSL, Ndlovu vese naMutasa vakabva vanzi vasiye basa.

Bekithemba Ndlovu

Ndlovu akazotsiviwa naRodwell Dhlakama uyo akakwanisa kusimudza chikwata ichi chakazopedza chiri pechi10 palogo rePSL.

Herbert ‘Jompano’ Maruwa

Zvikuru zvaitarisirwa kubva kuna Herbert ‘Jompano’ Maruwa uyo akagadzwa pachigaro chinopisa kuDynamos FC achitsiva Tonderayi Ndiraya ainge adzingwa kuchikwata ichi pakapera mwaka wa2022.

Chikwata chaJompano chakatanga zvaigutsa uye mumwe wemitambo yakafadza vatsigiri veDynamos ndeweHarare Derby wakatambirwa kuNational Sports Stadium apo DeMbare yakakunda CAPS United 2-0.

Herbert Maruwa

Pakangopera mutambo uyu, chikwata ichi chakatanga kutatarika zvikuru izvo zvakachiona chichiita mangange 0-0 mumitambo mina yakatevedzena. DeMbare yakazombokundwa 3-2 neNgezi Platinum izvo zvakatuma hutungamiri hweDynamos kupa Maruwa mitambo yekuti ahwine kuti achengetedze basa rake.

MunaNyamavhuvhu, Jompano akanzi ahwine mitambo mishanu neDynamos yakatevedzana.
Asi mumutambo wekutanga, chikwata chake chakabva chaita mangange 0-0 neHwange izvo zvakaona achidzingwa basa.

Jompano akachidzingwa basa, DeMbare yakatora mutevedzeri wake Genesis ‘Kaka’ Mangombe kuti amutsive uyo akazotungamira chikwata ichi kusvika mwaka upere apo vakazopedza vari pechitatu palogo. Mangombe akakwanisa zvekare kutungamira Dynamos kupinda mufainari yeChibuku Super Cup iyo vachazosangana neNgezi Platinum Stars.

Stanford ‘Stix’ Mutizwa

Gamba reBlack Rhinos – Stanford ‘Stix’ Mutizwa – akadzingwa basa kuChauya Chipembere mushure mekunge chikwata chake changotamba mitambo minomwe chete.

Stanford Stix Mtizwa

Paakadzingwa basa, chikwata ichi chaive nezvibodzwa zvishanu chete uye changokwanisa kuhwina mutambo mumwe chete apo chakakunda Cranborne Bullets.

Mutizwa akazotsiviwa naSaul Chaminuka kuRhinos.

Nesbert Saruchera

Mushure mekunge arairidza Cranborne Bullets kwemakore, Nesbert ‘Yabo’ Saruchera akadzingwa basa kuchikwata ichi mwaka wa2023 wave pedyo nekunopera.

Bullets yakapinda muPSL mugore ra2023 apo yakatamba zvainwisa mvura asi mwaka uno chikwata ichi chakapedza chakasenga chiri pasi pelogo izvo zvakazoona Yabo achidzingwa basa.

Nesbert Saruchera

Sammy Mavheyengwa naAlvin Ndunduma ndivo vakazopedza mwaka vachirairidza chikwata ichi icho chakaburitswa muPSL sezvo chakatadza kuwana zvibodzwa zvakawanda.

John Nyikadzino

Vakomana vatsva muPSL, Sheasham, vakatanga mwaka wavo vachirairidzwa naJohn Nyikadzino uyo akasimudza chikwata ichi kubva kuDivision One kusvika chipinde muPSL. Asi padarika mitambo 13 yePSL, Nyikadzino akarakidzwa nzira sezvo chikwata ichi chaisatamba zvainwisa mvura.

John Nyikadzino

Nyikadzino achingodzingwa, Sheasham yakabva yamhanya kugadza Liswe Sweswe basa uyo akange aramba basa kuBulawayo Chiefs uko akabva achiti nyaya dzemari dzakange dziri kunetsa.

Expense Chituku

Mwaka weYadah Stars wakatanga Expense Chituku ariye airairidza chikwata ichi.

Asi mwaka wafamba, Chituku akazogumurwa ndokudzikisirwa basa izvo zvakaona achitsiviwa naMaxwell Takaendesa Jongwe uyo waakazopedzisira ave kushanda ari mutevedzeri wake.

Vamwe varairidzi vakabva kune zvimwe zvikwata kana kugumurwa pazvigaro zvekuve varairidzi vakuru vanosanganisira Joseph Sibindi uyo akasiya basa kuBulawayo Chiefs zvichitevera kusatamba zvinogutsa kwechikwata ichi.

Sibindi ainge atsiva Sweswe asi pakazounzwa Johanes Nhumwa kuti ave mutevedzeri wake, Sibindi zvinonzi akabva aramba basa.

KuZPC Kariba, Darlington Dlodlo, akasiya ega basa ndokuenda kuGreen Fuel uko akanoshanda ari mutevedzeri waDhlakama.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>