Uncategorized

‘@38 handinzwe kuda vakadzi’

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘@38 handinzwe kuda vakadzi’ Morrison Mapfumo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME tsvimborume wekuEpworth, muHarare — asi kumusha ichibva kwaNyamangara, kwaZvimba — anoti haanzwe zvakanaka kana akaona kana kusvikirwa nemunhukadzi pedyo naye sezvo achibva “afinhuka”.

Zvisinei nekuudzwa neKwayedza kuti maitiro ake aya rusarura rwusingakurudzirwe uye zvichida ndiko kusaka asina mudzimai, Morrison Mapfumo (38) anoti haatombonzwa kutekenyedzwa kana kufarira vakadzi zvinova zvakonzera kuti atadze kuroora.
Nezera rake, anoti haasati ambodanana nemusikana.
Mapfumo anoti akakura achitodawo vanhukadzi asi zvakazosanduka ava Fomu 2.

VaGeorge Kandiyero

Sekuru Mukunguta

Anoti akatanga kunzwa kusafarira vasikana vaaipinda navo chikoro nemadzimai ayo aigara nawo, kusanganisira vekumba kwavo.

“Dambudziko iri rakangotanga mugore ra1998 ndiri muFomu 2 apo ndaingonzwa kushatirwa kana ndikangoona munhukadzi. Kana musikana handaida kutaura naye. Ndaitogumisira ndave kuzvibvunza ndapotsa ndavarova kuti zvino vatadzeiko,” anodaro Mapfumo.

“Kubva panguva iyoyi kusvika zvino, ndikangosvika pedyo nemukadzi hameno zvandinonzwa, ndinofinhurwa asi ndisina kutadzirwa ndobva ndasuduruka. Handizive, vamwe vanonditi ndine mudzimu vamwe vachiti ndine shavi renjuzu kana kuti redona,” anodaro.

Mapfumo anoti haana kumbobvira adanana nemusikana.
“Nyaya yangu inoita sekunge yemumafirimu asi ndicho chokwadi. Handizive kuti musi wandinonzi ndazowana mukadzi ndinotangira papi nekuti hapana zvandinoziva nezera randava rino.

“Mumba medu takaberekwa tiri vatanhatu — vakomana 4 nevasikana vaviri. Vamwe vose vakaroora nekuroorwa kunze kwangu bedzi. Apa ndini dangwe.”

Mapfumo — uyo akauya oga kumahofisi eKwayedza kuzotaura nyaya yake — anoti akangoda kutaura nemusikana, anonzwa mumusoro make muchitaurwa mashoko ayo asinganzwisisike asi anenge achimutsiura.

“Vabereki vangu — vose baba naamai — vaigara vachitaura neni apo ndaingorara mumba pasina kwandaienda nguva yezororo rechikoro. Amai vakazofa vachisiya zvakadaro asi baba variko. Ivowo zvinotovanetsa kunzwisisa kuti chii.
“Kune vasikana nemadzimai vanombondirezva ini ndobva ndanzwa hasha zvikuru. Musikana kana mukadzi akandinyemwerera ndinooona seandituka,” anodaro Mapfumo.

Anoti ava kutyira kuti anokwanisa kuchembera asina vana akazoshaya anomuchengeta, nekudaro ari kutsvaga vanogona kumubatsira kuti zvaanoita zvipere.

“Kumba kwedu chaiko uyewo hama neshamwari vanonditi ndichafa ndichivigwa negonzo nekuti handina mwana kana wekupomerwa zvake.

‘‘Ndikatowana musikana kana mukadzi zvave kutoda vakuru vanogara neni pasi vondidzidzisa zvose nekuti zvakandiomera.”
Mapfumo anoti shungu dzekuda mukadzi anadzo sevamwe varume asi dambudziko haadi kusvika pedyo nevasikana.

“Dzimwe nguva ndikamhoreswa nemusikana handidavire, ndinotoridza tsamwa ivo votoshaya kuti vatadzei. Ndinomborota ndirere nevanhukadzi vandisingazive. Asi kutaura navo ndakasvinura handikwanise. Shamwari nehama dzangu vanomboedza kundipfimbira vasikana asi ndinobva ndatotanga kutukana navo nekuvavenga zvekuti ndinoita mazuva tisingataudzane.”

Mapfumo — uyo anozviti muimbi wemusambo weReggae — anoti dambudziko iri riri kumukanganisa zvakare basa rake remimhanzi sezvo achiti vamwe vanhu vanomufungira kuti ingochani.

“Apa ndiri muimbi saka vamwe vandinoshanda navo vave kufungira kuti ndiri ngochani izvo ndisiri. Zvave kukanganisa basa rangu zvekuti vamwe vandaishanda navo vakatonditiza,” anodaro.

Muchinda uyu haanyare kutaura kuti ijaya rizere sezvo achiti haana kumbobvira akasangana nemukadzi.
“Handina kumbobvira ndakakisa kana kugumbatirwa nemukadzi. Ndinotozvionera mumafirimu,” anodaro.
Mapfumo anoti anonwa doro nekuputa fodya asi haapute mbanje nekutora zvimwe zvinodhaka.

Votaura nezviri kuitika kutsvimborume iyi, Sekuru Thomas Yakiti Mukunguta vekuChitungwiza vanoti anogona kunge akagadzikwa ngozi yemunhukadzi iyo isingade kuti aroore kana kuita mwana.

“Anogona kunge akaiswa mweya wengozi yemunhukadzi akafa asina kuroorwa kana kuti akashandisirwa mushonga wemubobobo uyo akatemerwa ari mudiki,” vanodaro.

Kuchiti mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti Mapfumo anoda kubatsirwa asi ndokuti iye anofanirwa kutaurawo chokwadi nekuti anogona kunge akabata-bata mishonga yakaipa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>