46 GOOAAALS!

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
46 GOOAAALS! Moses “Bambo” Chunga

Kwayedza

Chunga: Hakuna anoti pwe

Abel Ndooka
MOSES “Bambo” Chunga – uyo akanetsa mumazuva ake achitambira zvikwata zvinoti Dynamos, Zimbabwe Warriors necheEendracht Aalst chekuBelgium – anoti chiri kutadzisa vatambi vemazuva ano kusvika padanho raakasvika iye nevamwe vakatamba mutambo uyu kare inyaya yekuti vechidiki havachatereri zvavanodzidziswa.

Munhorondo yenhabvu yemuno, Bambo ndiye oga mutambi akakwanisa kunwisa ka46 mumwaka mumwe chete izvo akaita mugore ra1986.

Makore ose azotevera – kusvika nhau uno – hakuna mumwe ati akwanisa kuzunza mambure sezvakaita naChunga kana kudarika.

Chunga – uyo asiri gamba renhabvu muZimbabwe bedzi pamazuva ake achanzi “Razorman”, asi nekuBelgium uko kwaanoremekedzwa zvikuru – anoti vechidiki vari kutamba nhabvu vanofanirwa kuterera zvavanodzidziswa uye nekuisa moyo yavo mumutambo.

Gore radarika, mubairo weGolden Boot wakatorwa naRodwell Chinyengetere uyo aitambira FC Platinum mushure mekunwisa zvibodzwa 17 – zvisingazvike pachidimbu chezvakanwiswa naBambo muna1986.

“Dambudziko ratiri kuona nderekuti vechidiki havachatereri, vave kukoshesa technology sezvo vachiswera vachibaya-baya nharembozha dzavo nezvimwe.

“Zvatinenge tichivadzidzisa zvacho hazvichapinde, zvinopinda neimwe nzeve zvichibuda neimwe. Saka kuti vachikwanisa kudzidza kuti vasvike padanho redu havachadzidze chinhu,” anodaro Bambo.

Chunga anoti shasha dzakanetsa kare munhabvu dziri kuvharirwa kunze vachinzi havakwanise kubatsira mukusimudzira mutambo uyu sezvo vachinzi havana magwaro anodiwa.

“Vakatamba nhabvu kare ndivo vanofanirwa kunge vachipa ruzivo kune vechidiki asi iye zvino zvasiyana, vari kudzingwa mumutambo uyu nekuti zvinonzi havana mapepa. Asika, mapepa handiwo anorairidza nhabvu.

“Panguva yedu isu, taidzidziswa nhabvu neshasha dzakatamba kare asi iye zvino handizvo zviri kuitika, tiri kusundirwa panze,” anodaro.

Bambo anoti vatambi apo vanenge vachiita gadziriro dzavo, ndipo pavanofanirwa kudzidzira kunwisa sezvo zvichizovabatsira kana vave munhandare.

“Paye vatambi pavanenge vachiita gadziriro, ndipo vanofanirwa kudzidzira kunwisa, kwete kuti ava munhandare ndipo paanoda kuzonwisa pamberi pevatsigiri.

“Kana achizvitadza pagadziriro dzake, anozozvikwanisa sei ave munhandare izere nevatsigiri?

“Unotofanirwa kudzidzira kubhendesa bhora pamunenge muchidzidzira kwete kuda kuzozviita wava munhandare. Unozvitadza,” anodaro.

Chunga anorumbidza gwaro idzva reZimbabwe rekuvandudza dzidzo, reNew Curriculum, achiti rinosimudzira zvemitambo muzvikoro – uko kunofanirwa kurungwa vana vachiri vadiki.

Anoti izvi zvinobatsira kuti vatambi vemitambo yakasiyana vechidiki vari kusimukira vakoshese fundo yavo mukukura uye vachiita zvemitambo vozosarudza zvavanoda kumberi.

Bambo anoti kune zvimwe zvikoro zvinozivikanwa semaGroup A Schools kunenge kuna sports masters uyo anenge achiitisa vana zvemitambo achivabatsira mukusimukira kwavo.

“New Curriculum ndoirumbidza zvikuru nekuti inokoshesa mitambo yevana muzvikoro.

“Kune zvikoro zvepamusoro ayo atinoti maGroup A Schools kwatove nemasports master anenge achidzidzisa vana zvemitambo vachivadzidzisa kukosha kwedzidzo.

“Asi kune zvimwe zvikoro havadi kuita masports matser aya nekuti vamwe vakuru vezvikoro vanenge vave kutya kuti zvimwe vave kuda kuvatorera mabasa avo,” anodaro.

Bambo anoti makore ano nhabvu yatiomei kudarika panguva yavakatamba ivo.

“Kare munhu wese aingotamba nhabvu neasina tarenda, kwanga kusina vanhu vatema vaitamba mimwe mitambo yakasiyana sezvatave kuona mazuva ano. Saka kunhabvu kwaizowanda nevamwe vasingagone mutambo uyu,” anodaro.

Bambo anoti achiri kurangarira gore ra1986 – iro akanwisa ka46 – achiti pamwe paakanwisa ndeapo paitamba Dynamos neHwange iye akagohwesa zvibodzwa zvina (4), nepaakanwisa katatu vachitamba neHighlander mufainari yeCup Game kuNational Sports Stadium uye ndokuzonwisa kaviri mumutambo wavakasangana neCAPS United.

“Vatsigiri veCAPS vanogara vachitiseka kuti vakatikunda 7 nyaaa, asi isu takatombovazvambaradza 6-0. Bvunzai Baba Gari (Brenna Msiska) kuti vakanhonga bhora kangani mumambure ndichikanda ini.

“Mumutambo wedu neHwange, iko kuHwange, handicharangarire kuti ndiro gore rimwe chete here ra1986 asi gore iri ndakanwisa kana chaiko, ndikazokanda hatrick tasangana neBosso kuNational Sports Stadium,” anodaro.

Dzimwe shasha dzaizunza mambure makore aya dzinosanganisira Maronga Nyangela uyo akambonwisa zvibodzwa 30 mune mumwewo mwaka.

Kubva makore adarika aya, vatambi vari kutatarika kunwisa kanodarika ka20 izvo zvakapedzisira kuitwa naNorman Maroto paaitambira Gunners FC mugore ra2010.

Leonard Tsipa akanwisawo ka11 bedzi mugore ra2016 apo CAPS United yakahwina mukombe wePremier Soccer League.

Kureva kuti kwemakore 33 adarika, Chinga ndiye achiine nhoroondo yekunwisa zvibodzwa zvakawandisa mumwaka mumwe chete. Hakuna anoti pwe!

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>