8 vafa nemoto wesango

17 May, 2022 - 12:05 0 Views
8 vafa nemoto wesango Mahekita anodarika 1 miriyoni anonzi akaparadzwa nemoto wesangano gore rapera kana zvichienzaniswa ne806 000 akaparadzwa muna2020.

Kwayedza

Sukulwenkosi Dube-Matutu

VANHU vasere vanonzi vakafa nekuda kwemoto wesango uyo wakaparadza zvakare midziyo inokosha US$370 837 gore rapera.

Izvi zvakaziviswa nebazi reEnvironmental Management Agency (EMA) iro rinoti moto wesangano wakaparadza zvakanyanya muna2021 kana zvichienzaniswa nemamwe makore adarika.

Mahekita anodarika 1 miriyoni anonzi akaparadzwa nemoto uyu kana zvichienzaniswa ne806 000 akaparadzwa muna2020.

Nyaya dzakamhan’arwa mugore ra2021 dzine chekuita nekutsva kwemasango dzinosvika 3 948, apo 1 178 ndakaitika muna2020.

Dunhu reMashonaland West rinonzi ndiro riri pamusoro munyaya dzemoto wesango uko kune mhosva dzakamhan’arwa kumapurisa dzinosvika 31, kuchitevera Matabeleland South iine 22 neMashonaland East ine 17.

VaAaron Chigona vanova director-general weEMA vanoti mabasa ekurima ari kukanganiswa nekutsva kwemasango sezvo zviwanikwa nezvipfuyo zviri kuparadzwa.

VaAaron Chigona

Vanoti chikwata chinoongorora moto wesango chakaita tsvakurudzo ndokuona kuti mahekita 1 033 722-86 akatsva gore radarika.

“Nemamiriro akaita zvinhu aya, tiri kufamba tichipa chenjedzo yemoto wesango kunzvimbo dzakasiyana tichishanda nebazi rinoona nezvemamiriro ekunze uyewo nerekurima. Tiri kushandawo nemadzishe, masabhuku nevatungamiri vose mukurwisa dambudziko remoto wesangano,” vanodaro.

VaChigona vanoti EMA inoda US$6 miriyoni yekurwisa dambudziko remoto wesangano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>