Uncategorized

9 ‘days’ vachinwa mvura ine chitunha

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
9 ‘days’  vachinwa  mvura ine  chitunha

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
CHITUNHA chemukadzi aigara mumusha weRiverside, pedyo nekwaMakoni, kuChitungwiza chakazowanikwa chiri mumugodhi wepamba pake mushure mekunge kwapera mazuva mapfumbamwe chirimo apo vanhu vaichera mvura yemo vachinwa, kubikisa nekushandisa mamwe mabasa epamba vasina chavaiziva.

Chitunha chaAnnita Gwaze (48) chinonzi chakawanikwa mumugodhi wepamba pavo chiri musvo svondo rapera pamberi.

ANNITA-GWAZE

Murume wemushakabvu – VaStanley Gwaze (57) vepanhamba 22509 – avo vanoshanda semutyairi wemagonyeti, vanoti mudzimai wavo vakamushaya zuva ravakasvika pamba vachibva kuDemocratic Republic of Congo uko vaishandira.

“Handizive kuti mudzimai wangu akawanikwa nei. Ndakabva kuDRC musi wa3 Gumiguru ndichidzoka kuno kumusha mushure mekunge vadzimai vandiudza kuti vaisanzwa mushe. Vakamboita mudumbu ndokurapwa uye vakambotaura nezvenyaya yekuti mudhuri wemba yedu wakadonhedzwa nemhepo.

“Ndasvika pano kuma3 masikati, ndikamboenda kuimba yedu yekuSt Mary’s (kuChitungwiza) uko ndakazodzoka kuma6 ndokusvikowana vadzimai vasipo uye madhoo edzimba dzose akakiiwa,” vanodaro VaGwaze.

Vanoti vakatanga nekubvunza vanhu vaivepo asi hapana akakwanisa kutsanangura kuti vainge vaendepi sezvo vaigara voga nemaroja pamba apa.

“Kuma 9 husiku ndaona kuti ndakanga ndatsvaga ndikavashaya, ndakazotumira shoko kuna tsano kuZambia sezvo mudzimai wangu anga ari wekuZambia, ndichivatsanangurira mamiriro ezvinhu. Takaramba tichitsvaga nevamwe tichitenderera muno muChitungwiza nemaSeke asi tichivashaya. Takaenda kuzvipatara zvemuno ndokushaya kusvikira ndakazoenda kumapurisa kunomhan’ara kuti takashaya munhu.”

VaGwaze vanoti dzimwe mbatya dzemudzimai wavo, mapasipoti maviri akapera nema‘hand bag’ maviri zvakazowanikwa mumunda, pedyo nemugwagwa unobva muChitungwiza uchienda kuMarondera kana kuHwedza, izvo zvavanoti zvakavashamisa kuti zvakaendeswa nani ikoko sezvo imba yavo isina kupazwa.

“Panzvimbo iyi takawanawo makiyi epamba nemafuta emudzimai wangu ekuzora. Panguva yose yataitsvaga munhu iyi, vanhu vaishandisa mvura yemumugodhi wedu uyo wakadzika mamita 15 – kunwa, kubika zvose nekugeza. Vamwe vakachera mvura iyi nditsano hanzvadzi yemudzimai, James Samson Phiri (61) nasisi vangu Raines Gwaze (58),” vanodaro.

Vanoti Raines ndiye akatanga kutaura nezvemvura iyi achiti yainhuhwa zvikuru zvairatidza kuti makafira chinhu.

“Sisi vakazoedza kuchera zvakare chitini chavaishandisa chichibva charambirira. Ndipo pakazoshevedzwa vamwe vanhu avo vakaisa simbi mukati iyo yakanobata mukati ichibva yaramba kusimuka zvakare. Ipapo ini ndakabva ndaona ruwoko rwemunhu, ndipo patakazonomhan’ara kumapurisa.

“Asi chishamiso kuti akapinda sei nekuti mugodhi uyu unogara wakavharwa,” VaGwaze vanotsanangudza chiso chavo chizere nekusuwa.

Vanoti muvharo wekongireti wepamugodhi wavo waiva wakangobata, usina kumbofambiswa uye buri rinopinda nechitini pakuchera mvura iduku zvikuru – zvekuti munhu haakwane.

VaGwaze vanoti vane fungidziro huru yekuti mudzimai wavo anogona kunge akaita zvekupondwa ndokuzokandwa mumugodhi umu.

“Mutumbi wakazoburitswa nemapurisa nemusi wa13 Gumiguru ukazoendeswa kunoongororwa namachiremba watoshata. Zvakanzi hapana pakakuvara paionekwa pamutumbi uyu, hatizive pamwe hapana zvakaonekwa here nekuda kwekuti wakanga wanyanya kuwora.”

VaGwaze vanotizve mudzimai wavo akamborwara nepfungwa vari kuMessina, kuSouth Africa mumwedzi waKukadzi gore rino vakamuendesa kuchipatara uko akaburitswa uye “akazoponera kumasowe tava kuno kuHarare”.

“Handizive pamwe zvakanga zvatanga zvekurasika njere, imwe pfungwa inoti zvichida vakazvikanda voga mumugodhi asi zvoramba zvakare.

“Ndinokumbira kuti mapurisa vaite basa ravo nemazvo, chitupa chavadzimai vangu nemari inodarika $200 takazvishaya asi chikwama takachiwana mumugodhi umu chiri pamusoro pemvura,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Mudzimai wangu aigara nemaroja chete sezvo vana vedu vakura, iniwo ndichigara kubasa rekufamba iri.”

VaSamson Phiri vanoti vane fungidziro huru yekuti hanzvadzi yavo yakapondwa.

“Hanzvadzi yangu yakange isina kupfeka hembe pakaburitswa mutumbi wake mumugodhi. Kunyangwe chipfeko chemukati akange asina.

“Takazoenda nemutumbi wake kumusha kwaChileya, kuKafue, kuZambia uko takanomuviga. Tichiri panguva yekusagadzikana nekushushikana zvikuru mupfungwa,” vanodaro

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya iyi ichiri kuferefetwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>