Murume afenda achisasana nepfambi

30 Jul, 2022 - 00:07 0 Views
Murume afenda achisasana nepfambi

Kwayedza

Gibson Mhaka

PAKAVE nebhaisikopo remahara paimwe nzvimbo yekutandarira iri kuNorthend, kuBulawayo svondo rapera apo mumwe murume aisasana nemukadzi anoita basa rekutengesa muviri anonzi akafenda.

Murume uyu, uyo anonzi akazivikanwa saAllen Ncube wekuKingsdale uye anotyaira motokari yerudzi rweHonda Fit achitakura vanhu, akafenda apo aisasana nemukadzi anonzi Amara nemusi weMugovera wadarika.

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti Ncube, uyo anofungidzirwa kuti akanga anwa mapiritsi emusana, akangodonha pamubhedha, munhu ndiye zii.

Ncube anonzi akatanga kunzwa kupera simba pamwe nekuneta ndokubva azodonha.

“Mushure mekushamisika neizvi, mukadzi waaive naye uyu akatanga kubongomora kuchema achidaidzira achiti murume waakanga achifara naye afa. Mumwe wepanzvimbo iyi anoshandira panosvikira vanhu, akamhanya kuimba yaiva nevaviri ava akamubatsira nekukasika, ndipo paakazoona kuti murume uyu uyo akanga ava kubuda ziya zvakanyanya, afenda.”

Ncube anonzi akazofefemuka mushure memaminitsi mashoma.

“Mushure mechiitiko ichi, mukadzi uyu akabva atanga kukumbira kuvashandi vepanzvimbo iyi kuti aida kumhanya kumba achiti kune vana vaakanga asiya vari voga,” anodaro mumwe wevanoziva nezvenyaya iyi.

Mumwe wevashandi vepanzvimbo iyi (zita tinaro) anotsinhira chiitiko ichi.

“Murume uyu anonzi akangonyarara. Akaita izvi mushure mekuuya nemunhukadzi anotengesa muviri ndokubhadhara imba.

Mukadzi waakanga ainaye akatsinhira kuti murume uyu akangofenda,” anodaro mushandi uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>