Atamba nziyo pajekerere ari musvo

12 Sep, 2022 - 12:09 0 Views
Atamba nziyo pajekerere ari musvo Martha

Kwayedza

Latwell Nyangu naTichavona Makonese

VANHU vaive panzvimbo yemafaro yeWerras Sports Bar iri kuGlen View muHarare vakaona bhasikopo remahara apo mumwe mukadzi akakurura hembe dzake dzose, ndokutanga kutamba pajekerere ari musvo apo pairidzwa nziyo nemusi weMugovera wadarika.

Mukadzi uyu, uyo akangozivikanwa saMartha, anoti akaita mashura aya mushure mekunge ashungurudzika mupfungwa zvakanyanya zvichitevera kutadza kuuya kwakaita mukomana wake kumafaro aya.

“Ndabhowekana, ndarwadziwa nemukomana wangu uyo asina kuuya kumafaro.
“Ndinoziva kuti ndiri kuzvidzikisira uye ndiri kukoka munhu wose kuti auye kuzotamba neni.
“Handina kudhakwa, kushungurudzika mupfungwa. Vamwe vari kunakidzwa asi ini ndiri ndoga,” anodaro.

Asi vamwe vaive panzvimbo yemafaro iyi vanoti Martha ari kudzidzira kunwa doro uye akanga akadhakwa.
Mumwe murume akangoti anonzi Takudzwa anoti: “Musikana uyu ndinomuziva, anga achinwa doro rakawandisa remusanganiswa.

“Pachinzvimbo chekuti anakidzwe nemutambo uyu warongwa neveWerras Park, iye zvino ave kutamba achitovaraidza vanhu.”
“Tumbwa utu uye zvinogona zvakare kunge zviine chekuita nenyaya dzeutano hwemupfungwa.”

Mumwe mukadzi akati anonzi Linda anotiwo: “Haa pakaipa, kuuya kuzoumburuka kuno kugig kuita chigure kudaro, tsvee kutsvaga mari.

“Ndambozama kumudzivisa asi musikana wacho ane simba rakanyanyisa uye ari kuita seakagarwa.
“Ndinotyira kuti achabatwa chibharo kana akaramba achikurura hembe zvakadai.
“Vechidiki ‘Maghetto youths’ vaonerera nhasi, pamwe afurirwa nemuimbi anozivikanwa saYoung Fantan, uyo ange achiimba achiti anogona kubvisa hembe dzake ari pasiteji.”

Martha akazobviswa panzvimbo iyi nehanzvadzi yake iyo yairatidza kunyara zvikuru nekuda kwechiitiko ichi.
“Hongu, ndiri hanzvadzi yake uye ndawora mwoyo zvikuru nekuti handisisiri kunakirwa nemafaro nekuda kwezvaari kuita.

“Ndinotya kuti hanzvadzi yangu inogona kushungurudzwa. Ambovhurawo mota yevamwe vanhu vange vachizvifarira zvavo izvo zvapotsa padiki-diki zvakonzeresa kusawirirana,” anodaro.

Vaimbi vepamusoro – Seh Calaz naBaba Harare – vakaridzawo pachitiko ichi, icho chakabatana nekupemberera kusvitsa makore mashanu kwenyanzvi yekubika mhanzi, Cymplex, ari apa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>