‘Hari dziri kufamba-famba pachikoro’

15 Sep, 2022 - 18:09 0 Views
‘Hari dziri kufamba-famba pachikoro’ Hari yevhu

Kwayedza

Freedom Mupanedemo ari kuGWERU

VAMWE vabereki vane vana vanodzidza paCecil John Rhodes Primary School iri muGweru nhasi havana kuvabvumidza kuenda kuchikoro mushure mechiitiko chisinganzwisisike apo pawanikwa hari mbiri dzinonzi dzange dzichifamba-famba pachivanze chechikoro ichi.

Vabereki ava vanoti hari dzevhu idzi dzange dzichinyangarika dzobva dzazoonekwa zvakare pane imwe nzvimbo zvinova zvasiya kunyangwe vakuru vechikoro ichi nevanhu vemunharaunda vaine kutya kukuru.

“Vana vechikoro nevadzidzisi pavaungana kuti vaone hari dzevhu dzisinganzwisisike idzi, mumwe wevana ava anonzi atemwa neimwe hari ichibva yatsemuka.

“Banga remhando yeOkapi raonekwawo riri mukati mehari iya yatsemuka asi hari idzi dzabva dzangonyangarika zvekare.” anodaro mumwe mubereki.

District Schools Inspector, VaTranos Mahlokozera vanotsinhira kuwanikwa kwehari dzevhu idzi munhandare yemitambo yechikoro ichi.

Zvichakadaro, vanoramba mashoko ekuti banga rinonzi raonekwawo mune imwe yehari idzi rabaya mwana wechikoro.

“Vadzidzi ava vawedzeredza mashoko ekuti banga rawanikwa mune imwe hari rabaya mumwe mwana, aya manyepo saka vabereki havafanire kuzvidya mwoyo vachitya kuendesa vana vavo kuchikoro, zvidzidzo zviri kuitwa semazuva ose,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kuona hari idzi payasvuika pachikoro ichi sezvo dzange dzichinzi dzanyangarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>