Vabvuwi vabatana huruweki muchechi

28 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Vabvuwi vabatana huruweki muchechi VaTalkmore Nhunduru vachirova mumwe mudzimai muchechi

Kwayedza

Ray Bande ari kwaMUTARE

GAKAVA pamusoro pekugoverwa kwezvipo zviri kuwanikwa pasi pechirongwa chekubatsira vanotambura rakamutsa kurwisana kwevakuru-vakuru vechechi yeUnited Methodist Church kuHilltop, kwaMutare nguva pfupi yadarika.

Pane vhidhiyo riri kutenderera padandemutande rinoratidza mumwe murume wemuchechi iyi achizvambaradza mumwe mukadzi vari muchechi.

Kunyange zvazvo chechi iyi ichinzi yakaedza kuvanza chiitiko ichi kuitira kuchengetedza chimiro chayo, ongororo yakaitwa nemunyori uno inoratidza kuti hondo iyi yakaitika pakati peMubvuwi (murume akagadzwa senhengo yechechi) naMai Ruwadzano (mukadzi akagadzwa senhengo yekereke).

Zvinonzi VaTalkmore Nhunduru nemumwe mukadzi asina kuzivikanwa zita rake vakatadza kuwirirana panyaya yekugoverwa kwezvinhu zvakapihwa nevatsigiri vechechi iyi. Kupopotedzana uku kwakazoguma zvave zvimbokoma muchechi.

District Superintendent wechechi iyi, Reverend Tendai Makono, havana kukwanisa kutaurwa navo nekuda kwenyaya iyi sezvo nhare yavo yaingorira isingadairwe. Nerimwewo divi, Assistant Bishop Masimba Allan Gurupira vakati munyori uno anofanirwa kutaura naRev Makono.

VaNhunduru havanawo kuwanikwa kuti vataure divi ravo pamusoro penyaya ino. Zvichakadaro, vamwe vemuchechi iyi, avo vanokumbira kuti vasadomwe mazita avo nekutya kuzovengwa, vanoti makakatanwa aya akakonzerwa nekusawirirana panyaya yekuti vangagovane sei mari kubva muchirongwa chekubatsira chechi chinonzi Isheanesu Charity Project.

“Vairwira zvipo zvechirongwa zveIsheanesu Charity Project. Vaviri ava vakatadza kuwirirana panyaya yekuti zvinhu izvi zvaizogeverwa sei zvikazoita kuti varwisane nezvibhakera. Zvinorwadza nekuti ava ndivo vakuru vechechi uye tose tinotarisira kwavari,” anodaro mumwe wemuchechi iyi.

Zvinonzi chirongwa cheIsheanesu Charity Project chinonyanya kuwana zvipo kubva kuvanhu vanogara kunze kwenyika kuti zviendeswe kune vanoshaya.

Vane ruzivo nezviri kuitika muchechi iyi vanoti zvimwe zvezvinhu zviri kupihwa pasi pechirongwa ichi hazvisi kusvitswa kuvanhu vanotambura.

Vamwe vakuru vechechi iyi, (mazita tinawo) vanonzi vane hushingi hwekuendesa vana vavo kunze kwenyika apo vanopa rubatsiro vanokumbira nherera nevana vanoshaya kuti vange vachiendako.
“Chirongwa cheIsheanesu Project chiri kufambiswa nenzira isiriyo kwenguva yakareba. Takava nezviitiko apo vamwe vakuru vechechi vakaendesa vana vavo kunze kwenyika asi vabatsiri vakumbira nherera nevana vanotambura.

“Zvimwe zvinhu zvakapihwa zvakaendeswa kumwe kusiriko, zvimwe zvichitengeswa kwaChiadzwa. Vatungamiriri vanozviziva izvi,” anodaro mumwezve munyeveri wemuchechi iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>