‘Ndakaromba ndiri musvo paguva remutorwa’

09 Nov, 2022 - 14:11 0 Views
‘Ndakaromba ndiri musvo paguva remutorwa’ VaAgtone Naula

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMambo Chinhamora, kuDomboshava ari kudura kuti akaenda kumakuva huri husiku uye asina kupfeka, ndokunoita mhiko dzake dzekuromba paguva remutorwa nechinangwa chekuti adidiwe nemurungu waaishandira uye nevakadzi.

Zvino anoti mhiko idzi dzava kumupandukira.

Musharukwa anogara kwaMulife uyu anotiwo mishonga yemhiko dzake yamupandukira zvekugumisira aita madzimai vakadzi ivo vasingazvizive uye yava kukonzera kufa kwevanhu mumhuri zvose nevatorwa.

Sekuru Agtone Naula (74), avo vakabva kuMalawi, vanoti vakaenda kuMalawi vaine mudzimai wavo uko vakashandirwa nen’anga yainge isina kupfeka.

“Nyaya dzekutsvaga mishonga yekuita mhanza nekupfuma ndidzo dzakandiparira. Ndaishanda pamurungu palodge kuNyanga apo ndaigara.

“Nekuda kuti murungu andifarire uyewo nekuda kudiwa nemadzimai, ndakazoenda kun’anga iyo yakandipa mushonga wekuti ndinosanganisa nevhu repaguva neropa yehuku kana ndadzoka kuZimbabwe,” vanodaro Sekuru Naula.

Vanoti vakapihwa mhiko dzekuti vaende kumakuva husiku uye vasina kupfeka vachifamba nemadududu kusvika paguva ravaizonokora ivhu.

Sekuru Naula vanoti zano rekutsvaga mushonga weraki vakatanga kuripihwa neshamwarikadzi yavo yavakambobika nayo mapoto kuNyanga iyo yakatanga kuenda navo kune imwe n’anga yaaiti ndisekuru vake.

Kumakuva

“Tadzoka navadzimai nemushonga uyu, ndakazotora mumwe mudhara wandakaenda naye kumakuva pakati pehusiku. Ndakasvikokumura mbatya dzose ndokufamba nemadududu kusvika paguva apo ndakatora ivhu.

“Ndakazosanganisa ivhu iri nemushonga neropa rehuku ndokugara nawo zvikabva zvaita kuti ndiite mhanza yakanyanya, murungu aisada kundishaya uye aiita zvose zvandaida.”

Sekuru Naula vanoti mushonga uyu wakazotanga kuita kuti vaite zvemubobobo nekuuraya vanhu vedzinza ravo nevamwewo.

“Kutaura chokwadi, mushonga uyu waishanda nekuti murungu aindipa mari pamadiro. Akandipa motokari nekunditengera musha wandinogara kuno kuDomboshava.

“Kana ari madzimai, vaindirwira uye hazvaiita kuti vandirambe. Asi zvakazopanduka murungu aenda, ndava kunzwa vana vachitaura kuti baba makaromba uye kunyangwe kwandaifamba kumaporofita ndainzi baba makaromba,” vanodaro.

Vanoti vakatanga kunzi vane zvidhoma nenyanga.

“Ndakaita vanasikana 6 nevakomana 4, kukazoshaika vatatu. Vana ava vakatanga kukanganiswa nemishonga iyi. Asi semhuri nevana vangu, takazofamba uye zvinonzi zvakapera,” vanodaro.

Zvisinei, vana vasekuru ava vanoti kunyangwe vakashandirwa, matambudziko avo haana kupera.

“Chionai izvozvi ndava kugara ndoga pamba, mudzimai wangu akafa gore rino uyo ndakaroorana naye mugore ra1965 tikaita vana gumi, kukafa vatatu.

“Yambiro yangu kuruzhinji ndinoti musabate mishonga kana kutemerwa nyora zvayo, zvinopanduka mangwana,” vanodaro Sekuru Naula.

Vanoti nyaya dzemishonga dzinopesanisa mhuri. Vamwe vana vemhuri iyi vakaridzirwa nhare neKwayedza vakabuda pachena kuti vakashandirwa neimwe n’anga asi matambudziko avo haana kupera.

“Ehe, takashandirwa zvedu asi hazvina kupera kubviswa. Isu tinoitoitwa madiro nezvikwambo, vakomana hakuna anoshanda. Imwe hanzvadzi yedu inorwara nemunhikwi usingaperi.

“Kumba kunotyisa kuenda, amai vakafa uye isu tiri varwere tose. Baba havadi kutaura chokwadi panyaya iyi,” anodaro mumwe mwanasikana wemhuri iyi.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>