Mukuwasha apondera tezvara mango

29 Jan, 2023 - 11:01 0 Views
Mukuwasha apondera tezvara mango Mango

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuLalapanzi, kudunhu reMidlands anonzi akabatwa nehasha dzakadarikidza ndokuzvambaradza tezvara vake nedanda pamwe chete nezvidhina vachibva vafa apo vakanetsana pamusoro pemango.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi weSvondo wadarika kwaSabhuku Bhudhe 2, kuLalapanzi.

Mumwe anoziva nezvechiitiko ichi anoti John Munjanja (52) akashanyira hanzvadzi yake, Muchaneta Munjanja (49), ndokumuwana aine vana apo murume wake Samson Maredzva (42) akanga ambobvakacha munharaunda.

Muchaneta anonzi akafara kuti hanzvadzi yake yakange yamushanyira ndokubva amupa mango uye John paakanga oda kuenda kumba kwake, Maredzva akabva asvika.

Maredzva anonzi akatsamwa zvakanyanya paakaona tezvara vake vakatakura mango ndokubvunza mudzimai wake kuti sei amupa mango idzi pasina mvumo yake.

Vaviri ava vakanetsana zvikazoita kuti Maredzva arove tezvara vake nedanda.

“Akawira pasi, paakanga akarara pasi akabva apwanya musoro wake nechidhinha. Akagomera zvikuru achifa ari mudivi reropa,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

Muchaneta nevamwe vemumusha uyu vakabva vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Maredzva asungwe.

Mutumbi waJohn wakaendeswa kumochari yeGweru General Hospital kunoongororwa.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tinokurudzira zvakanyanya veruzhinji kuti vasaite mhirizhonga pese pavanosangana nemakakatanwa nekuti zvinogona kuita kuti varasikirwe neupenyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links