Muzvinhabhizimisi abirwa pfuti neUS$10k

15 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Muzvinhabhizimisi abirwa pfuti neUS$10k Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MBAVHA dzaive dzakapakata zvombo zvinosanganisira mabhemba nematemo dzinonzi dzakapaza chimwe chitoro panzvimbo yemabhizimisi yekwaMasakadza, kuMutimutema, kuGokwe South, ndokuba US$9 900, pfuti nenhare shanu.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa7 Kubvumbi nenguva dza1 mambakwedza apo makororo aya akaba zvakare R3 000.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti VaLeonard Chari (45) vane chitoro panzvimbo iyi uye vachigarapo nemhuri yavo vakavhara chitoro nenguva dza8 manheru ndokunorara.

“Nenguva dza01.00 hours, VaChari nemudzimai wavo vakazomutswa nevarume vana vaiva nematemo, matanda uyewo nemabhemba vachiti vaida kupihwa mari nezvimwe zvinhu zvakakosha. Ipapo vakatanga kurova muzvinabhizimisi uyu, mudzimai wake kusanganisa nevana nemushandi,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti makororo aya akazoba mari inosanganisira US$9 900, R3 000, pfuti duku yemhanmdo yeRevolver yerudzi rweTaurus yaiva nemabara 28 nenhare shanu dzaiva mumba umu dzinokosha US$10 400.

“Makororo aya apedza kuba, vakabva vangobuda mumba umu vachitiza vachibva vadonhedza pasi pfuti yavaiva vaba ndokuwanikwa muchivanze. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa. Semapurisa, tiri kukumbira kune zvavanoziva kuti vabatsire nemashoko anoita kuti tikwanise kusunga makororo aya,” vanodaro Insp Mahoko.

Kune vanoda kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi vanoridza nhare dzinoti 0542221073 kana 0780 693 22.

Insp Mahoko vanokurudzirawo veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuchengeta mari yakawanda mudzimba kana mumabhizimisi avo sezvo zvichikwezva mbavha.

“Vanhu vane mabhizimisi ngavapinzewo mabasa varindi vanenge vakapakata zvombo kuitira kuchengetedza mabhizimisi nepfuma yavo kana kuvawo nembwa zvinoita kuti makororo atye kusvika munzvimbo dzavo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzira veruzhinji zvekare kuti vagare vaine nhamba dzenhare dzemapurisa ekumatunhu avanogara uyewo nedzevavakidzani vavo kuitira kubatsirana panguva dzenjodzi.

Share This:

Sponsored Links