‘EXTRA LESSONS BODO’ . . . Ticha wepaMutasa akanzi adzosere vabereki mari

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
‘EXTRA LESSONS BODO’ . . . Ticha wepaMutasa akanzi adzosere vabereki mari

Kwayedza

MUDZIDZISI wepaMutasa Primary School iri kuHighfield, muHarare, uyo wekubhadharisa vabereki vevamwe vana mari yekuita maextra lessons zvisiri pamutemo panguva yezororo akaigochera pahutsi zvichitevera danho rakatorwa nevakuru vedzidzo vemunzvimbo iyi rekuti adzosere vabereki mari yavo.

Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya yevabereki vane vana vanodzidza pachikoro ichi avo vaigunun’una vachiti vari kubhadhariswa mari zvisiri pamutemo yekuti vana vavo vaite zvidzidzo zvepazororo.

District Education Officer weHighglen, VaSolomon Mafukidze, vanoti vabereki ava vakadzoserwa mari dzavo mushure mekupindira kwavo munyaya iyi.

“Ndakaenda pachikoro apa sekuvimbisa kwandakaita ndikanoongorora nezvenyaya yekubhadhariswa kwaiitwa mari dzevana zvisiri pamutemo. Ndakaona kuti ichokwadi, vana vemagwaro asati ave kuda kunyora bvunzo dzeZimsec seveGrade 6 vakanga vachibhadhariswa mari nemudzidzisi kuti vaite maextra lessons uye vakanga vatobhadhariswa ma$15 pamumwe nemumwe wavo vachinzi ndeye vhiki mbiri dzavakadzidza panguva yezororo.

“Ndakati mudzidzisi wevana ava anyore pasi mazita evana vose vakabhadhara mari achivadzorera nekuti hazvisi pamutemo kana muhurongwa hwebazi redzidzo yepuraimari nesekondari izvi. Vabereki vanogona kunge vaizvifarira kana kuti kwete, handina kutarisa izvozvo asi kuti ndakashanda nezviri pamutemo webasa.

“Hazvidiwe nekuti zvinounza huwori muzvikoro nekusadzidziswa zvakanaka kwevana. Ndakaudzawo zvakare varairidzi vepachikoro apa kuti vasiyane netsika yekunonotsa vana kuenda kumba vachiti vavape imwe mari ma50 cents yemaextra lessons. Vadzidzisi ava vakanga vava kuedza kuisa mutemo mumawoko mavo uye ndinopa yambiro kune vamwe vadzidzisi kuti kana paine vanga vaine pfungwa yekugadzira mari kuburikidza nevana vechikoro kwete, nekuti hazvisi pamutemo izvozvo,” vanodaro VaMafukidze.

Vanoti vabereki vanofanira kugara vaine ruzivo rwekuti vana vose vasati vatarisana nekunyora bvunzo dzeZimsec havabvumirwi kubhadhariswa mari dzemaextra lessons uye kune vari kuda kunyora vacho vanofanira kutanga vawirirana vabereki nevadzidzisi.

Muhurukuro neKwayedza, mumwe mubereki (zita tinaro) anoti akashamisika neshanduko yakaitika pakavhurwa zvikoro temu ino achiona mwana wake achiuya nemari yavakanga vabhadhara yemaextra-lessons.

“Takanga taendesa mari kuchikoro sekutaura kwaiva kwaita murairidzi wemwana wangu kuti kwaidiwa $15 yemaextra-lessons pamavhiki maviri. Asi ndakazoshamisika mwana ava kudzoka akabata mari iyi achiti ticha wavo akanga avadzosera.

“Temu yapera, vana vainonoka kudzoka kumba vachiti vaimbonzi vasare vachiitiswa maextra lessons apo taivapa ma50 cents. Isu taisaziva kuti hazvisi pamutemo taingoti zvataurwa nematicha ndizvo zvatinotevedzera uye shungu dzekuda kuti vana vedu vapase,” vanodaro.

Kwayedza yakaedza kutaura nemurairidzi weGrade 6 wepachikoro apa anonzi aibhadharisa vana mari yemaextra-lessons uyo akaramba kutaura nevatori venhau achiti haabvumirwe nemutemo webasa.

Mukuru wepachikoro apa aisadaira nhare apo akachairwa nekuda kwenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>