Murume ari kuda mwana

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

. . . apa ndakabaiwa jekiseni
rekuti ndisabate pamuviri

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri mukadzi ane makore 30 okuberekwa, ndakaroorwa uye ndine vana vatatu, vakomana vose. Dambudziko rangu tete nderekuti mwana wangu mudiki ane gore rimwe chete asi murume wangu anetsa kuti ndiite pamwe pamuviri nekuti ari kudawo mwanasikana. Apa ini ndakabaiwa jekiseni rekusabatapamuviri kwemakore maviri izvo zvaasiri kuziva. Zvino ave kuti handei kuchipatara tinzwe kuti sei usiri kubata pamuviri, ukaramba ndoziva kuti une zvawakaita kuti usandiitire mwana musikana. Ari kuti kana pane zvandakaita ave kuroora mumwe mukadzi. Ndodii tete ndisave pachipare? Ndanetseka!

Monica.

Masvingo.

 

MHINDURO:

Iro harisi dambudiko ritori shave rechipare riri paari. Zvino ukazadza imba nevanakomana poitwa sei nekuti vana chipo chinobva kuna Mwari? Pese panoitwa vana hapana anomboziva kuti pachabuda mwana rudzii. Iwewe gara uchengete vana vako vakure zvakanaka, kana makore ekuti uite mumwe akwana wozoita. Kana zvanyaya kunetsa ona tete vake kana sekuru vamutsanangurire kuti mwana achiri mudiki. Hazvisi zvekumhanya nekuti magara muri muwanano. Asiwo iwewe muzukuru chii chakakutuma kubaiwa jekiseni rekuti usabate pamuviri musina kutanga mawirirana nemurume wako? Ipapo wakatadza nekuti mhuri inoda kurongwa pamwe chete. — Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>