Uri kuenda kupi usina tauro, toothbrush kana pfungwa?

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Imbwa haihukurire sadza naIgnatius Mabasa

HUKAMA ndiyo simende inotibatanidza sevanhu vatema, asiwo ihwo hukama uhwu hunomborema nekudzima magetsi muhupenyu hwedu kunyanya munguva dzino dzatiri.

Mumwe mudzimai akati: “Tete, hanzvadzi yababa vangu vakangoerekana vauya kuzotiona vasina kana kufona. Vakauya nevazukuru vavo vaviri, vana vemubvana wavo akashaya. Handina kukwanisa kuvabvunza kuti muri kuuya kuzotiona muchadzokera riinhi nekuti zvinhu zvakanga zvakatotiomerawo semhuri.

“Asi sevanhu vakauya vasina mabhegi anoshamisa, ndakangofunga kuti vari kurara, vofuma vachienda. Pavakasvika, takamhanya-mhanya kuti tivatsvagirewo husavi huri nani pane zvatakanga tagara tichibika.

“Asi tete nevazukuru vavo vakagara kubva Mugovera wavakasvika, vakaswera nesu Svondo, Muvhuro, Chipiri, Chitatu, China, Chishanu tikabata zvakare mumwe Mugovera. Asi patakasvikazve pane mumwe Mugovera, ndakanga ndave kugomera.

“Imba yedu idiki zvekuti takanga tave kutoparadza marariro anoita munhu wese kuti zvinhu zvifambe. Hondo yakange yave pakubika, nekuti isu kumba kwedu tine madyiro atinoita ebhajeti. Tinonoka kudya zvemangwanani kuitira kuti tibva tangobatanidza nekudya kwemasikati. Kana tadaro, tinozoona zvekudya manheru.

“Asi nekuti pakanga pave nevaenzi, ndakatanga kubika mangwanani, masikati nemanheru. Ndakamboedza kutaura nechibhendhe kuti vaone kuti vakanga vandiomesera, asi vakanga vasina basa nazvo. Zvese izvi zvakanga zvichiitika kumaraini kwedu kusina mvura yekanzuru, saka nekuwanda kwevanhu ndakanga ndichienda kuchibhorani kasingapere.”

Ndinonzwira mukadzi uyu tsitsi. Nguva ino yatiri yakaoma kana ukashanyirwa nevaenzi. Handisi kutaura vaenzi vaye vanongouya vogara-gara vobva vawoneka, kwete.

Ndiri kutaura vaenzi vanouya kwesvondo rese zvekuti munofanira kufunga kuti movapei chekudya.

Hameno chiri mumunhu mutema chinoita kuti kana washanyirwa ushaye pekubata uchida kuti vaenzi vako vanzwe kugamuchirwa. Kana kuri kumusha, vaenzi ndivo vanoita kuti huku iye yava kutanga kurarira mazai iatorerwe. Ko vaenzi vanonetsaka kuti udye navo sadza nemuriwo!

Vaenzi munguva dzino dzatiri vanokuwanai makabuda mubhajeti, asi vanogona kukusiyai matsikwa nebhazi rebhajeti, mukatyoka makumbo. Tinogona kuvararisa mukicheni, asi havazvione kuti vamanikidza vanhu. Hatikwanise kuvadyisa poriji. Vaenzi vanotoda iri svutugadzike ine chingwa chine majarini.

Kana uri muenzi zvinoda kuti umbofunga pamusoro pehama dzauri kushanyira. Asi chandinoziva ndechekuti dzirikowo hama dzakapihwa chipo chekuita kunge vasingaone kutambudzika nekumanikidzika kwevamwe nekuda kwavo.

Ndinofunga kuti yasvika nguva yekuti vaenzi kana tichishanya kwemazuva anodarika maviri tisabatirire kutsumo yakare inoti “Mweni haapedze dura.” Vaenzi venguva dzino dzatiri vakadarika mazuva maviri vanotopaza dura zvekuti vanokusiyai musisina rudo.

Chiri kuitika ndechekuti kurarama kwevanhu kwave kufambirana nemari yakabhajetwa. Mari yechikoro, mari yekanzuru, mari yekombi, mari yemagetsi, mari yehuni, mari yemupunga.

Mupunga hauchashamisira sezvawaiita kare nekuti watochipa kudarika kutenga chingwa. Kana hama ichishanya kwemazuva anodarika maviri, ngaiuye yakatakurawo shuga, sipo, mupunga nezvimwewo zvekubatsira. Kusekererana hakuise mari mumita yemagetsi, kunyanya kana vaenzi vakange vachifunga kuti vanokwanisa kungoti pavadira “tibikireiwo tea.”

Apa usafunge kuti munwiro wavanoita tea, nemuisiro wavanoita shuga kwavashanya ndiwo wavanoitawo kumba kwavo.

Kuenda wakabatawo chinhu kunoratidza hunhu, uye kunoita kuti wawashanyira awane pekutangira. Hove mbiri nezvingwa zvishanu zvekakomana kaye muBhaibheri zvakanga zviri zvishoma mumaziso evadzidzi, asi pavakazvipa kuna Jesu zvakave zvizhinji.

Newewo paunoshanyira hama, unoti uri kuenda kupi usina tauro, toothbrush kana pfungwa?

Share This:

Sponsored Links