– zviwanikwa zvezimbabwe –

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
– zviwanikwa zvezimbabwe – Mbiti

Kwayedza

Shona: MBITI

Ndebele: Intini

English: African Clawless Otter

Juliet Sharon  Tom
MBITI imhuka inogara munzvimbo dzakapfirira nemiti nesora uye dzisingapere mvura.

Inofarira kudya hove, iine ganda rakasvibira, rinotsvedzerera nekupeny’a (silky). Kana iri nyoro, mbiti inoita kunge nhema.

Muromo wembiti wepasi nepachipfuva pane ruvara ruchena, uine mvere kana kuti “ndebvu” dzakareba. Ine makumbo mapfupi nemuviri wakarebenuka uye muswe murefu.

Kana ichifamba panyika, inota seyakatutumadza musana wayo. Makumbo emhuka iyi haana mvere kuzasi nematsimba asina nzara. Kana yoshambira mumvura, mutumbi wayo hauoneke kunze kwemusoro bedzi.

Kuona mbiti ichifamba panyika zvinoita seshura sezvo ichigara mumvura nguva dzakawanda. Ndokusaka mbiti dzichidyiwa nemakarwe kunyanya. Makumbo emberi nemuswe ndizvo zvainoshandisa kushambira.

Kana yakura inorema 10 kusvika 18kgs.

Chimhuka ichi chine simba, ndokusaka dzichikwanisa kusunda zvitanda nezvimwe zvinenge zviri mudziva pakutamba. Dzinowanzozambira mushana dziri pamabwe kana matanda, dzichipinda mumvura kana dzoda kutonhorerwa.

Kazhinji kacho mhuka iyi inovhima husiku kana kuti mangwanani ichidya hove, matatya, makonye kana makangadye. Kakawanda kacho inobata chayaona, asi dzimwe nguva inoita zvekupinza makumbo pasi pemabwe yokweva zvingava mumadhaka. Chainodya inobata nemakumbo.

Mbiti inogonazve kufamba nemakumbo eshure apo emberi anenge akatakura chainodya sehove.

Mbiti inogona kugara iri yoga, dziri mbiri kana semhuri duku mumwena yadzinochera mujecha riri pedyo nemadziva.

Mhuka iyi inoita mazuva ari pakati pe60 kusvika 65 iine mawuta apo inozobara handa mbiri kusvika kuina.

Mbiti inoshungurudza zvikuru varimi vanochengeta hove nevarauri sezvo ichikwanisa kudzidya, kana dai dzinenge dzabatwa nemambure. Kana ichidya hove, inowanzotanga nekumusoro, yozopedzisa nemutumbi.

Naizvozvo zvakakosha kumurimi kuona kuti akomberedza madziva ake ane hove neruzhowa rwakasimba kudzivisa mhuka iyi kuti isadye hove dzake. Muchiteya mambure, kana maduwo ekubata hove, onai kuti ari kure nekumahombekombe uko kunofarirwa nemhuka iyi.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Field Guide to the Larger Mammals of Africa – Chris and Tilde Stuart

The Safari Companion – A Guide to Watching African Mammals – Richard Estes

 

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>