Mvurwi high career fair

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Mvurwi high career fair Derby Kaitano

Kwayedza

Vana vowaniswa mukana wekuita sarudzo yezvavanoda kuzoita

Muchaneta Chimuka
KWAISADANWA anonzwa paMvurwi High School, kuMvurwi, nemusi weChishanu svondo rapera apo pachikoro ichi paiitwa chirongwa cheCareer Fair 2019 icho chakananga kubatsira vana vechikoro kuti vave nesarudzo yakajeka maringe nemabasa avangada kuzoita mushure mekupedza dzidzo yavo.

Aka ndekekutanga chirongwa ichi kuitwa pachikoro ichi uye chakapindwa nezvimwe zvikoro zvizhinji zvemunharaunda iyi zvinosanganisira Holy Rosary Secondary, Bradley Secondary, Rujeko Secondary, Mutorashanga High, Langham Girls High, Nzvimbo High, Direct AID Secondary, Umvukwes Primary, Jenya Secondary neHoward Mission School.

Kwayedza yakakurukura nevana vepaMvurwi High avo vari kurumbidza chirongwa ichi zvikuru.

Tried Masvaure (19) – uyo ari kuita Upper 6 – anoti haachazvitarisira pasi nekuti ave munhu ajekerwa nezvaanotarisira kuzoita muupenyu hwake.

“Pano tadzidza kuti tisazvitarisira pasi nekuti munhu wose ane chipo chake muupenyu. Ini ndafarira chirongwa chekusona nekuti ndadzidza kuti munhu anogona kutozvivambira bhizimusi rake iro rinomupa mari zhinji kuburikidza nekusona zvipfeko zvakasiyana-siyana,” anodaro.

Pamela Jagada (16) ari kuita Fomu 3 paMvurwi High zvakare anoti anoda kuzova mutapi wenhau sezvo achifarira zvikuru nyaya dzekutaura nevanhu uye kushanya kunzvimbo dzakasiyana.

Lillian Tauro (20) ari kuita Upper 6 uye achiita zvidzidzo zvemaArts anoti haacharasi tariro nekuti adzidza kuti kumberi kwakajeka kuburikidza nemabasa akasiyana aishambadzwa pachikoro pavo zuva iri.

“Handichapererwi zvachose nekuti ndaona mabasa akawanda andinogona kuita muupenyu uye zvava kundipa shungu dzekuti ndinyatsorava mabhuku angu ndigopasa kuti ndigopinda mumabasa andinoda. Taona mabasa ehurapi ange achishambadzwa neveEmras Ambulance Service, kusona, kurima, zvechiuto, kuchengetwa kwemhuka nekutapa nhau sezvamuri kuita izvi,” anodaro.

Kuchiti Dorcas Nyawasha (19) – uyo ari muUpper 6 achiita zvidzidzo zvinoti Shona, Divinity neHistory – anoda kuzova mukotsveri wezvirongwa nekuti akadzidza kuti zvinoita kuti awane mari yakawanda panguva diki.

“Ndinoda kuva mukotsveri wezvirongwa nekuti ndiri munhu ane hunyanzvi hwekutaura pane veruzhinji uye ndanzwa kuti ndinogona kudaidzwa kuzvirongwa zvikuru ndichinobhadharisa mari yandinoda zvekuti ndinotogona kupfuma kudarika munhu anoshanda pakambani chaipo,” anodaro.

Derby Kaitano (15) ari muFomu 3 anoti anoda kuzova gweta sezvo aine chidokwa-dokwa chekumiririra vanhu mumatare edzimhosva nokudaro ari kuita zvidzidzo zvemaArts.

Mamwe emakambani nemapoka aifundisa vana pamusoro pemabasa akasiyana anosanganisira Moonlight Funeral Assurance and Services, Zimbabwe Parks and Wild Life Management Authority, Zimbabwe Prisons and Correctional Services neEmras Ambulance Services.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>