O-Level yakapaswa zviri nani

14 Apr, 2022 - 12:04 0 Views
O-Level yakapaswa zviri nani Professor Eddie Mwenje

Kwayedza

Mukudzei Chingwere naMarytise Vambai

ZVAKANYORWA mubvunzo dzeO-Level dzegore rapera zvabuda apo vadzidzi vakapasa nechikamu che26,34 percent icho chakakwira zvishoma kana zvichienzaniswa ne24,77 percent muna2020, rinove gore rakatanga chirwere cheCovid-19 izvo zvakaona nyaya dzefundo dzichikanganiswa zvakanyanya.

Sachigaro weZimbabwe School Examinations Council, Professor Eddie Mwenje vanoti vakuru vezvikoro vanokwanisa kutora zvakabuda mubvunzo idzi kutanga nemusi weChitatu kumahofisi eZimsec akatekeshera nenyika uye zvakabuda izvi zvinokwanisa kuwanikwa padandemutande rinoti www.zimsec.co.zw kwemazuva mashanu kubva nemusi weMuvhuro svondo rino.

Prof Mwenje vanoti huwandu hwevadzidzi vakapasa bvunzo dzegore rapera hwakawedzera kana zvichienzaniswa neva2020 nekuda kwekuti vakawana nguva yakakura yekufunda uyewo nenzira dzakashandiswa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari dzekuti vafunde dzakadai sekudzidza padandemutande.

“Magwaro anoratidza kuti huwandu hwevadzidzi vakapasa bvunzo muna2021 hwakawedzera nechikamu che1,57 percent kana zvichienzaniswa na2020. Zvisinei, chikamu chevakapasa ichi chichiri chakaderera kana zvichienzaniswa negore ra2019, apo vadzidzi vakafunda pasina zvibingaidzo. Muna 2019, vadzidzi vakapasa bvunzo nechikamu che31,6 percent,” vanodaro.

Vadzidzi 148 005 vakanyora bvunzo dzezvidzidzo zvishanu kana kudarika zveO-Level gore rapera apo 40 473 vavo vakabuda neGrade C kana zviri nani muzvidzidzo zvishanu kana zvinodarika apa, zvikaita kuti pave nekupasa nechikamu che27,35 percent kune vakanyora zvidzidzo zvishanu kana kudarika.

Muna2020, vadzidzi 168 272 vakanyora bvunzo dzezvidzidzo zvishanu kana kudarika apo 43 244 vavo vakabuda neGrade C kana zviri nani pazvidzidzo zvishanu kana kudarika, zvikaita kuti pave nekupaswa nechikamu che25,7 percent. Prof Mwenje vanotenda mapoka ose akabatsira mukubudirira kwekunyorwa kwebvunzo idzi.

“Zimsec inotenda zvikuru kuzvipira kwevanoona nezvekufambiswa kweb[1]vunzo, rutsigiro rwebazi rinoona nezve[1]homwe yenyika, bazi rezveutano nekurerwa kwevana neredzidzo yepuraimari sekondari uye nevashandi vedu veZimsec,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>