‘Masabhuku echikadzi ngaawande’

29 May, 2022 - 10:05 0 Views
‘Masabhuku echikadzi ngaawande’ Sabhuku Mufanechiya (kubva kuruboshwe) vaina Sabhuku Chakwana naSabhuku Muzerura - Mufananidzo naInnocent Makawa.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKURU wemasabhuku kudunhu raMambo Mujinga, kuHurungwe anokurudzira kuwedzerwa kwemasabhuku echidzimai achiti vanhukadzi havana huwori hwakanyanya kana zvichienzaniswa nevanhurume uyewo senzira yekuenzanisa mikana.

Sabhuku Chakwana – VaLeon Chakwana (77) – vanova mukuru wemasabhuku kwaMambo Mujinga kuHurungwe East, vanoti vari kushanda zvakasimba nechinangwa chekuti kugadzwe masabhuku akawanda echidzimai mudunhu ravo.

Vanoti vanoona zviri nyore kushanda nemasabhuku echidzimai pane vanhurume nekuda kwenyaya dzehuwori.

“Ishungu dzangu nechishuwo kuti tiwane madzimai akawanda vanotora nzvimbo dzehusabhuku sezviri kukurudzirwa neHurumende mukusimudzira vanhukadzi sezvo tava nemadzimambo echidzimai kune mamwe matunhu munyika.

“Mudunhu redu raMambo Mujinga tine masabhuku maviri chete echidzimai mukati memasabhuku 63.

“Inyaya inozivikanwa kuti masabhuku edu mazhinji echirume ane huwori zvinova zvinodzosera kumashure mabasa ebuduriro,” vanodaro Sabhuku Chakwana.

Vanoti vari kushanda naMambo Mujinga nemamwe masabhuku kuti kugadzwe masabhuku echidzimai vachibva mukati memhuri dzagara dziine husabhuku kare.

“Masabhuku echidzimai atinawo muno anosanganisira Sabhuku Mutenha naSabhuku Marumazvitsva. Inyaya iri pachena kuti panoitwa mabasa nehutungamiri hwemadzimai vanonetsa kuvanyengera kuti vapinde muhuwori.

“Tinoda kutevedzera chisungo cheHurumende chekuti madzimai vawane zvikamu zvavo zvakaenzana nevarume nekudaro dai muno masabhuku echidzimai vakasvikawo makumi maviri kana kudarika,” vanodaro Sabhuku Chakwana.

Mashoko avo anotsinhirwa naSabhuku Mufanechiya, VaJudge Ditima (70) naSabhuku Muzerura, VaMafunga Muzerura (60).

“Vanhukadzi vakabvira kare vachidzvinyirirwa mukurarama kwavo saka tinotsigira pfungwa yekuti madzimai vapindewo pazvinzvimbo zvehusabhuku nezvimwe muno.

“Hutungamiri hwechidzimai hauna chidzviki kana chitsotsi kunzewo kwevamwe vashoma nekuti vanotya kupara mhosva nekusvibisa mazita avo,” vanodaro Sabhuku Mufanechiya.

Sabhuku Muzerura vanoti kuwanda kwemasabhuku echidzimai uyewo nekuti vave muhutungamiriri hwezvimwe zvinzvimbo, zvinodzikisa mabasa ehuwori.

“Vanhu vechirume vari pahutungamiri vakavhenganiswa nemadzimai zvinobatsira mukurwisa nyaya dzehuwori saka tinoda kuti masabhuku echidzimai awande. Hatisi kutaura kuti kune huwori huri kuitwa, asi zvakangonaka kuti kuve nemasabhuku echidzimai,” vanodaro Sabhuku Muzerura.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tava nemadzimai anotungamira mumakambani kana muHurumende anova makurokota nemumapazi akawanda. Saka tinoda kuti titungamire mukusimudzira vanhukadzi muzvigaro zvepamusoro.”

Share This:

Sponsored Links