A-LEVEL — Masimba…Sara anoviruka nehasha

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

“Akasiyiwa asina kufungira” naS Makamanzi (143-145)

NYAYA YACHO (Enderero mberi):

Murume kudoedza kunyengetedza mudzimai kuti asamuomesera wanikei pakasungwa mbiradzakondo. Murume anozosvika pakuda kuvhundutsira mukadzi ndokubva ati ngaatosunga dzisimbe amuudze mhosva dzacho dzaakapara.

Nyaya yaanotanga kutaura ndeyekuti akadzingwa pabasa svondo rainge rapfuura nepamusaka pekurovha basa ari kumafaro. Nyaya yepiri ndeyekuti munhukadzi ainge ari kuchipatara ainge ane pamuviri pake. Panomboita runyararo rwunotyisa. Tinashe ndokuzoona chiso chaSara chichinyevenuka ndokuzonzwa orova chikuwe izvo zvinomushamisa ndokumuti ataure.

Sara anoviruka nehasha kwava kukweva chigaro onogara pedyo naTinashe achibata ruwoko rwake.

Kupfava kwakadai sandizvo izvo Tinashe ainge achitarisira. Sara anomuudza kuti anofanira kuziva kuti pamba ipapo atodzingwa sezvo akamuita shirikadzi iye aripo, akatadza kuita zvinofanira kuitwa nababa pamusha.

Ndipo pakauya murume ane mwoyochena akamuitira tsitsi.

Kana munhukadzi ari muchipatara azopona mwana, Tinashe ozoonawo zvekuita. Motokari yemuridzi yaakaita tsaona nayo oona zvekuita. Muridzi wenhumbu iyo Sara ainge akatakura ainge atogadzirira zvose zvaidiwa. Sara ainge arongedza zvinhu zvake zvose, iye zvino angomirira zvake kuzotakurwa nemunhu anomuda aone kuenda.

Tinashe anotadza kutaura ongoti chete Sara arege kumudaro Sara ndokuenderera mberi achiti mwana wavo Tadiwa haapo zvakare. Tinashe achazvarirwa mumwe mwana naGrace uyo anodanana naye. ZvaTadiwa ngaatozvikanganwa nekuti ainge angogara asina kumbomuda.

Kudoedza kunyengetedza Sara hapana zvazvinobatsira ndokubva Tinashe anzwa bhera remotokari panze Sara ndokumuwoneka.

Tinashe anoshaya simba rekutevera kwava kuzobuda mumba ndokumedzwa nerima raiveko.

ONGORORO:

Munhukadzi kana atadzirwa nemurume asingadi kukanda pasi tsika yekumukanganisira anozosvika pakutora mamwe matamnho ayo murume wake asingafungiri. Tinashe ainge ari shiri ine muririro wayo uyo isingaregi. Izvi zvinoonekwa kubva mune mazwi aSara anoti, “Waiona ndakanyarara ukati wari wana fuza reBikita . . . Nhasi ndava mai mwana? Ndakakunyengerera ndichakapata wena. Ndapepuka handichanzarwo” (143).

Tinashe haana kuita mabasa anofanirwa kuitwa nababa vemba, ndosaka mukadzi akazowana mumwe murume akaita mabasa iwawo. Ainge asisinei nemukadzi uyo anoti, “wakandiita chirikadzai uripo, vane mwoyochena vakandiitira tsitsi” (145).

Tinoonawo munyori achishandisa enzaniso kuti tinyatse kuona maitikiro ezvinhu. Mukadzi agumburwa zvikuru nekuita kwemurume wake saka zvichinzi kusimudza musoro kwakaita Tinashe kwakapa Sara rimwe simba zhinji rekutaura makobvu anenge aibva mugate chaimo” (143).

Tinashe aitadza kuzvibata nenyaya yekuda vanhukadzi izvo mudzimai wake anomupopotera achiti aive nechiuno “sembwa kudaro” (144). Kuti Tinashe ataurire Sara nyaya dzainge dzakaitika zvakamutorera nguva yakareba chaizvo izvo zvinonzi zvakatora nguva inenge gore chairo”(144).

Kudimikira kushoma tinokuona papeji 144 apo Tinashe anovhundutsira Sara izvo tinonzwa Tinashe achiti, “Kuita mashoko ekurutsa kudaro” (144).

  • Enderero mberi svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey