Uncategorized

abaiwa ngaabude . . .

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Mwana saimba, muroora vorara mumba mumwe chete naamai

Tafadzwa Mutsotso
VANHU vaive mudare redzimhosva reHarare Civil Court vakashamiswa kunzwa kuti mumwe murume — uyo atova saimba —anorara mumba mumwe chete naamai vake, mudzimai wake nevana pamwe nemuzukurusikana. Verster Kwenda akamhan’arira mwanakomana wake, Daniel Kwenda, achiti ari kushaiswa zororo pamba pake sezvo mwana uyu asiri kuda kubva achinogara kwake nemhuri yake.

Verster akaudza mutongi wedare iri, Yeukai Dzuda, kuti: “Mambo, mwana uyu akauya nemukadzi wake nevana vavo kumba ndikafunga kuti pamwe vandishanyira. Ndakazoona vaita mazuva akawanda varipo asi vachinyatsoona kuti kugara kwacho kwakamanikidza.

“Ndakamubvunza kuti vanodzokera rinhi, ndipo akabva atanga kundituka achiti handimude, ndiri kumudzinga pamba pangu. Hanzi, ‘Muri kuda kuti ndiende kupi?’”

Akati akatsanangurira Daniel kuti magariro avo akamanikidzika nekuti ane mumwe muzukuru mwana wemubvana wake ari kuenda kuchikoro asi haana kuda kuzviterera.

“Dai ndiine imba yakatambanuka zvanga zvisina basa. Asi dambudziko raita apa nderekuti imba imwe chete.

“Mumba macho hamuvatike, iye anonwa doro zvekuraradza zviye, ouya achiita ruzha zvekuti tinotorara masikati kana asipo.

“Ndinoda kuti adzingwe kumba kwangu ndifurwe nemhepo,” akadaro Verster.

Daniel akaudza dare kuti haatuke amai vake.

“Amai zvavari kutaura zvose manyepo. Handimbovatuke kana kuuya kumba ndakadhakwa. Ndichaita sezvavari kuda nekuti ndivo vanoziva zvavari kuzviitira,” akadaro.

Mutongi Dzuda akati Vester anofanira kuisa chikumbiro chake kudare rinoona nezvekudzingwa kwevanhu pamba.

 

Share This:

Sponsored Links