Abaiwa nhomba azvigona: WHO

16 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
Abaiwa nhomba azvigona: WHO Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Munyori weKwayedza

OKA reWorld Health Organisation Technical Advisory Group on Covid-19 Vaccine Composition rinoti kunyangwe zvazvo mishonga yenhomba iri kubaiwa vanhu isina simba rekudzivirira kuti vasabatwe nehutachiona hweOmicron variant, inobatsira mukudzivirira kurwara kwakanyanya pamwe nekufu.

Omicron iri kushungurudza nyanzvi dzezveutano pasi rose sezvo ichinzi inosanduka-sanduka zvakanyanya kudarika dzimwe mhando dzehutachiona hunokonzera Covid-19.

WHO inoti panofanirwa kuitwa ongororo yakadzama pamusoro pesimba renhomba mukudzivirira kuti murwere asaende kuchipatara, kurwara zvakanyanya kana kufa.

“Mishonga yenhomba yakabvumidzwa neWHO kuti ishandiswe nechimbi-chimbi, inodzivirira zvikuru kubva mukurwara zvakanyanya uye nendufu dzinokonzerwa nemhando dzehutachiona hwakasiyana.

“Panyaya yeOmicron variant, ongororo yakaitwa inoratidza kuti hutachiona uhu hunokwanisa kurwiswa kuburikidza nekubaiwa nhomba,” rinodaro boka iri.

Kubvira pakanyuka Covid-19 kekutanga, WHO yakwanisa kuisa hutachiona uhu mumhando shanu dziri kunyanya kushungurudza idzo dzinoti Alpha, Beta, Gamma, Delta neOmicron.

Omicron inonzi ndiyo iri kupararira nekukasika kudarika dzimwe mhando, apo mamiriyoni akawanda evanhu vari kubatwa nedenda iri munyika dzakawanda pasi rose, kusanganisira Zimbabwe.

WHO inoti inotarisira kuti hutachiona hweCovid-19 hucharamba huchisanduka-sanduka nekudaro panogona kunyuka imwe mhando mushure meOmicron variant.

Pasi rose, svondo rekupera kwaNdira 9, 2022 rakaona nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi dzichikwira nechikamu che55 percent apo vanhu vanodarika 15 miriyoni vakabatwa neCovid-19.

Kunyangwe zvazvo muZimbabwe huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 huri kudzikira apo Omicron iri kuenda ichiderera, huwandu hunosvika 1 000 hwevanhu vari kubatwa nedenda iri pazuva huchakakwira zvikuru.

Nemusi weChina svondo rino, vanhu 651 vakawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa uye vamwe vanonwe vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 225 084 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 203 308 vakatopona asi vamwe 5 222 vakafa.

Share This:

Sponsored Links