Uncategorized

Adirwa mhiripiri nesauti kusikarudzi . . . ndokupiswa nebanga raburwa muchoto . . . ainge abatikidzwa nemukadzi wemunhu

30 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Adirwa mhiripiri nesauti kusikarudzi . . . ndokupiswa nebanga raburwa muchoto . . . ainge abatikidzwa nemukadzi wemunhu

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MURUME wemuHarare neshamwari yake vakazvisikira moto muziso zvichitevera kutongerwa kwavakaitwa kugara mujeri kwemakore mana mushure mekubatwa nemhosva yekudira mhiripiri nemunyu kusikarudzi yechikomba chemudzimai wake apo vakavabatikidza vachisasana.

Izvi zvakaitika kuDangamvura, kwaMutare mwedzi wapfuura.

Lovemore Mukodzongi (21) neshamwari yake, Joshua Mahachi (26), vachapedza makore matatu vari mujeri mushure mekunge mutongi Mai Prisca Manhibi vedare reMutare Magistrate Court vavabvisira mwedzi gumi nemiviri pachirango ichi nechitsiidzo chekuti vanofanirwa kuita hunhu hwakanaka.

Zvisinei, mumwe wevaipomerwa naye, Nyasha Mukuze (35), anoramba mhosva iyi zvikaita kuti nyaya yake iendeswe kumberi apo ari kutongwa achibva kumba mushure mekupihwa bhera.

Muchichisi Tafadzwa Chiwanza anoudza dare kuti mumhan’ari, Talent Deure (32), aidanana nemudzimai waMukodzongi – Shelter Mabhuku – uye apo murume wake ainge asipo, Mabhuku aidaidza chikomba chake kumba kwavo kuti vasasane.

“Musi wa29 Gumiguru, Deure akanga akarara naMabhuku pamba paMukodzongi apo Mukodzongi akasvika neshamwari dzake mbiri nenguva dza2 mambakwedza. Deure akahwanda pasi pemubhedha asi Mukuze akamuona ndokubva amudhonza kubva pasi pemubhedha.

“Mukodzongi akatora mapanga maviri nebhemba ndokuzviisa pachitofu chaipisa. Papera chinguva, akabvisa mapanga aipisa aya nebhemba ndokuzvishandisa kupisa Devure muviri wose.

“Mahachi akanga akamira padhoo kuvharidzira Deure kuti asabude,” anodaro muchuchisi Chiwanza.

Mukodzongi akapisa Deure maoko, kumagadziko, zvidya nemakumbo achishandisa mapanga aipisa apo mudzimai wake akanga akatarisa achishaya zvekuita.

Mukuze anonziwo akabatsiridza ndokurova Deure mambama padama.

Mukodzongi akaenderera mberi nekutora mhiripiri nemunyu ndokumwaya pasikarudzi yaDeure.

Akadira zvakare mhiripiri nemunyu mukanwa maDeure senzira yekumurwadzisa zvichitevera kumubatikidza kwaakange aita achishinha nemudzimai wake.

Vatatu ava vakatongwa nemhosva yekumbunyikidza munhu pasi pemutemo weSection 89(1) of the Criminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Share This:

Sponsored Links