Uncategorized

Afa achiita bonde. . . ange adutira vhuka-vhuka

29 Oct, 2021 - 14:10 0 Views
Afa achiita bonde. . . ange adutira vhuka-vhuka

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME wekuNyazura, uyo anofungidzirwa kuti akanwa mushonga wekusimbisa musana wevhuka-vhuka, anonzi akafa mushure mekuita bonde neshamwarikadzi yake kwemaawa matatu.

Shepherd Chiwara (49) aigara kwaSabhuku maMarowa, kuNyazura akafa mushure mekupedza maawa matatu vachivaraidzana nemusikana wake, Stella Mafarachisi.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland – Assistant Inspector Wiseman Chinyoka – vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika mubhuku rekwaMaurendi kwakare kuNyazura neMugovera wapfuura.

Chiwara anonzi akafa asati aendeswa kuchipatara mushure mekurwadziwa nechipfuva.

“Tinotsinhira nyaya yekuti Shepherd akashanyira shamwarikadzi yake, Stella Mafarachisi, vakasasana kusvika kuma11 dzehusiku pavakabva varara. Akamuka pakati pehusiku achiti muchipfuva make mairwadza. Akaramba achiderera zvakazoita kuti afe mushure meawa nechidimbu.

“Mafarachisi akamhanya kumapurisa paNyazura Police Station apo akamhan’ara nyaya iyi. Hapana chiratidzo chekukuvara pamuviri wake uye hapana chakaipa zvakare chaakaitwa chiri kufungidzirwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Mune imwewo nyaya, murume ane makore 64 okuberekwa akafa mushure mekutemwa nematombo nevamwe vake vaainwa navo doro pazvitoro zveFlorida Shops, kwaMutare apo vakanetsana pamusoro penyaya isati yazivikanwa. Robson Shamhu akafa kwapera vhiki apo akatemwa nematombo nevarume vaviri vaainwa navo doro avo vakangozivikanwa saSimbarashe naItai.

Vaviri ava havasati vawanikwa uye vari kutsvagwa nemapurisa.

“Mushakabvu, Simbarashe naItai vainwa doro paFlorida Bottle Store apo vakazotanga kurwa. Vaviri ava vari kupomerwa mhosva iyi vakabva vatora matombo ndokutanga kutema Shamhu. Izvi zvakaita kuti akuvare zvakaipisisa, kusanganisira kuzvimba kumeso.

“Akatorwa ndokuendwa naye kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital vhiki rapfuura neChishanu apo akazofa neMugovera. Mukadzi wemushakabvu, Elizabeth Samson (52) akazivisa mapurisa nezvekufa kwemurume wake,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Mapurisa vari mushishi kutsvaga vaviri ava uye vanokumbira veruzhinji vane ruzivo rwekwavari kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links