Afa vachirwira mukadzi mubhawa

25 Mar, 2023 - 22:03 0 Views
Afa vachirwira mukadzi mubhawa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME aive nemakore 28 okuberekwa wekuZhombe anonzi akabaiwa nebanga ndokufa ari mubhawa apo airwira shamwarikadzi nemumwewo murume wemunzvimbo iyi.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa15 Kurume nenguva dzemanheru apo Norman Sibanda wepakomboni yeMakamera kuEmpress, aiva mubhawa panzvimbo yemabhizimisi yepaJoel achinwa doro neshamwarikadzi yake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Obadia Mhaka (26) wemubhuku raChihota, kwaMambo Madzivazvido, kuGokwe, akasvikotaura neshamwarikadzi yaSibanda.

“Murume uyu paakaona kuti Norman Sibanda aisafadzwa nemaitiro aya, akatangawo kutaura naye ndokubva vatanga kukakavadzana nekurwisana nezvibhakera. Panguva iyoyo, Obadia Mhaka akabva abaya Norman Sibanda nebanga.

“Mhaka akazobatana nemumwewo murume akangozivikanwa nezita rekuti Andrew wemubhuku raMatchabela, kudunhu raMambo Ntabeni, kuZhombe, vachibva vatandanisa Sibanda,” vanodaro Insp Mahoko.

“Vaviri ava vakamudzingirira kusvikira vakamubata ndokuenderera mberi nekumubaya nebanga kusvikira akadonhera pasi achibva angofira panzvimbo,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kukamba yemapurisa eZhombe, Mhaka achibva asungwa.

“Zvichakadai, tinokumbira kuruzhinji kune vanoziva murume uyu anonzi Andrew kuti vazivise mapurisa ari padyo navo asungwe,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzira vane mashoko avanawo anokwanisa kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi kuti vanokwanisa kukanda matsamba mumabhokisi emapurisa emasuggestion boxes akatekeshera nenyika.

Insp Mahoko vanoyambira veruzhinji kuti kana vatadza kuwirirana, vagadzirise nyaya dzavo murunyararo pasina kurwisana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>